1
Ruka 22:42
Bhaibhiri Idzva rechiShona
“Baba kana muchida henyu bvisai mukombe wenhamo uyu kwandiri asi kusave kuda kwangu asi kuda kwenyu ngakuitwe.” [
አወዳድር
{{ጥቅስ}} ያስሱ
2
Ruka 22:32
Asi ndakunamatira kuti chitendero chako chirege kukundika. Kana uchinge wazotendeukazve simbisa hama dzako.”
3
Ruka 22:19
Akatorawo chingwa akatenda ndokuchimedura akachipa kwavari achiti, “Uyu muviri wangu unopirirwemi. Itai izvi mugochindiyeuka nazvo.”
4
Ruka 22:20
Akaita zvimwechetezvo nomukombe mushure mechirariro achiti, “Mukombe uyu unoteurirwemi, chitenderano chitsva muropa rangu.
5
Ruka 22:44
Jesu achirwadziwa zvakanyanya kudaro, akatonyanya kunamata. Dikita rake rakaita samadonhwe makuru eropa achidonhera pasi.]
6
Ruka 22:26
Asi kwamuri hazvifaniri kudaro, mukuru pakati penyu ngaave iye somudiki. Uye mutungamiri aite somushandiri.
7
Ruka 22:34
Iye akati kwaari, “Ndinokuudza Pita kuti, iye nhasi uno uchandiramba katatu jongwe risati rakukuridza.”
Home
Bible
Plans
Videos