Genesi 16
16
Hagari naIshimaeri
1Zvino Sarai, mukadzi waAbhuramu, wakanga asingamuberekeri vana; iye wakanga aine murandakadzi, muIjipiti, wainzi Hagari. 2Sarai akati kuna Abhuramu, “Tarira Jehovha wakandikonesa kubereka, pinda hako kumurandakadzi wangu, zvimwe ndingawana vana naye.” Abhuramu akateerera shoko raSarai. 3Zvino Sarai mukadzi waAbhuramu, wakatora Hagari muIjipiti, murandakadzi wake; Abhuramu zvino wakanga agara makore ane gumi panyika yeKenani akamupa Abhuramu, murume wake, kuti ave mukadzi wake. 4Akapinda kuna Hagari, iye akatora mimba; zvino wakati aona kuti wava nemimba, akashora vatenzi vake.
5Ipapo Sarai akati kuna Abhuramu, “Kukanganiswa kwangu ngakuve pamusoro pako; ndini ndakapa murandakadzi wangu pachipfuva chako, zvino iye wakati aona kuti wava nemimba, akandishora; Jehovha ngaatonge pakati pangu newe.”
6Abhuramu akati kuna Sarai, “Tarira, murandakadzi wako uri paruoko rwako, umuitire sezvaunoda.” Zvino Sarai wakamunetsa, akatiza.
7Mutumwa waJehovha akamuwana patsime remvura musango, patsime riri panzira inoenda Shuri. 8Akati, “Nhai Hagari, murandakadzi waSarai, wabvepiko? Unoendepiko?” Iye akati, “Ndinotiza vatenzi vangu Sarai.”
9Mutumwa waJehovha akati kwaari, “Dzokera kuna vatenzi vako, uzvidukupise pasi pake.” 10Mutumwa waJehovha akati kwaari, “Ndichawandisa vana vako, varege kuverengwa nokuwanda kwavo.” 11Mutumwa waJehovha akatiwo kwaari, “Tarira wava nemimba, uchabereka mwanakomana; umutumidze zita rinonzi Ishimaeri, nokuti Jehovha wakanzwa kutambudzika kwako. 12Iye uchava sembizi pakati pavanhu; ucharwa navanhu vose, navanhu vose vacharwa naye; uchagara akatarisana nehama dzake dzose.”
13Hagari akatumidza Jehovha wakataurirana naye, zita rinonzi: Ndimi Mwari anoona; nokuti wakati, “Zviro kwazvo ndamuona pano oenda, iye unondiona!” 14Naizvozvo tsime iro rakatumidzwa Bheeriahiroi (tsime raiye mupenyu unondiona); riri pakati peKadheshi neBheredhi.
15Hagari akaberekera Abhuramu mwanakomana; Abhuramu akatumidza mwanakomana wake, wakaberekwa naHagari, zita rinonzi Ishimaeri. 16Abhuramu wakanga ana makore makumi masere namatanhatu, Hagari achimuberekera Ishimaeri.
Currently Selected:
Genesi 16: SNA2002
ማድመቅ
Share
Copy
ያደመቋቸው ምንባቦች በሁሉም መሣሪያዎችዎ ላይ እንዲቀመጡ ይፈልጋሉ? ይመዝገቡ ወይም ይግቡ
© Shona Union Version 2002