የYouVersion አርማ
የፍለጋ አዶ

Johani 11

11
Jesu anomutsa Razaro
1Mumwe munhu wakanga achirwara, ainzi Razaro weBhetania, musha waMaria nomukoma wake Marita.
2Ndiye Maria uya, akazodza Ishe namafuta, akapukuta tsoka dzake nevhudzi rake; hanzvadzi yake Razaro, akanga achirwara.
3Zvino hanzvadzi dzake dzakatuma shoko kwaari, dzichiti, “Ishe, tarirai uyo anodikanwa nemi anorwara.”
4Jesu akati azvinzwa, akati, “Kurwara uku hakusi kwokufa, asi kuti Mwari akudzwe, noMwanakomana waMwari akudzwewo nazvo.”
5Jesu akanga achida Marita, nomun'un'una wake, naRazaro.
6Zvino akati anzwa kuti anorwara, akambogara mazuva maviri paakanga ari. 7Shure kwaizvozvo akati kuvadzidzi vake, “Hendeizve Judhea.”
8Vadzidzi vakati kwaari, “Rabhi, vaJudha vakanga vachikutsvakai ikozvino, kuti vakutakei namabwe; zvino moendazve ikoko here?”
9Jesu akapindura, akati, “Nguva hadzisi gumi nembiri pazuva here? Kana munhu achifamba masikati, haagumburwi, nokuti anoona chiedza chenyika ino. 10Asi kana munhu achifamba usiku, anogumburwa, nokuti hakuna chiedza maari.” 11Ndizvozvo zvaakareva, akazoti kwavari, “Razaro, hama yedu, avata; asi ndinoenda, kuti ndimumutse pahope.”
12Zvino vadzidzi vakati kwaari, “Ishe, kana achivata, achanaya.”
13Jesu akanga areva kufa kwake, asi ivo vakanga vachiti anoreva kuvata hope. 14Ipapo Jesu akavaudza pachena, “Razaro afa. 15Ndinofara nokuda kwenyu, kuti ndakanga ndisipo, kuti mugotenda; asi zvino hendei kwaari.”
16Ipapo Tomasi, ainzi Dhidhimo, akati kuna vamwe vadzidzi, “Hendei nesuo, kuti tindofa naye.”
17Zvino Jesu akati achisvika, akamuwana atova mubwiro mazuva mana. 18Bhetania rakanga riri pedyo neJerusaremu, masitadhia anenge gumi namashanu; 19vazhinji vavaJudha vakanga vauya kuna Marita naMaria, kuti vavabate ruoko pamusoro pehanzvadzi yavo.
20Zvino Marita akati achinzwa kuti Jesu wouya, akaenda kundomuchingamidza; asi Maria akagara mumba. 21Marita akati kuna Jesu, “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. 22Kunyange zvino ndinoziva, kuti zvose zvamunokumbira kuna Mwari, Mwari achakupai.” 23Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.” 24Marita akati kwaari, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka nezuva rokupedzisira.”
25Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu; anotenda kwandiri, kunyange akafa, achararama.
26“Mumwe nomumwe ari mupenyu, anotenda kwandiri, haangatongofi. Unotenda izvozvo here?”
27Akati kwaari, “Hongu, Ishe, ndakatenda kuti ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari, uyo ainzi anouya panyika.”
28Akati areva izvovo, akandodana Maria, munun'una wake, akati kwaari vari voga, “Mudzidzisi asvika, anokudana.”
29Iye akati achizvinzwa, akakurumidza kusimuka, akaenda kwaari. 30(Zvino Jesu akanga asati asvika pamusha, asi akanga achiri paya paakachingamidzwa naMarita.) 31Zvino vaJudha, vakanga vari mumba naye vachimubata ruoko, vakati vachiona Maria achikurumidza kusimuka achibuda, vakamutevera, vachiti unoenda kubwiro kundochemako.
32Zvino Maria akati achisvika kuna Jesu, achimuona, akawira pasi patsoka dzake, akati kwaari; “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.”
33Zvino Jesu akati achimuona achichema, navaJudha vakanga vauya naye, vachichemawo, akafa neshungu mumweya, akatambudzika, 34akati, “Mamuisepiko?” Vakati kwaari, “Ishe, uyai muone.”
35Jesu akachema misodzi.
36Ipapo vaJudha vakati, “Tarirai, aimuda sei!”
37Asi vamwe vavo vakati, “Uyu akasvinudza meso ebofu, haasaigona kudzivisa kuti uyu munhu arege kufa here?”
38Ipapo Jesu akafazve neshungu mukati make, akasvika pabwiro. Iro raiva bako, nebwe rakanga riri pamusoro paro. 39Jesu akati, “Bvisai ibwe!” Marita, hanzvadzi yoakafa, akati kwaari, “Ishe, otonhuwa zvino, nokuti ava namazuva mana okufa kwake.”
40Jesu akati kwaari, “Handina kukuudza here, kuti kana ukatenda, uchaona kubwinya kwaMwari?” 41Ipapo vakabvisa ibwe. Zvino Jesu akatarira kudenga, akati, “Baba, ndinovongai, nokuti mandinzwa. 42Asi ndakanga ndichiziva, kuti munosindinzwa nguva dzose; asi ndakazvireva nokuda kwavazhinji vakandikomba, kuti vatende kuti makandituma.”
43Akati areva izvozvo, akadanidzira nezwi guru, akati, “Razaro, buda!”
44Akanga afa akabuda, akapombwa makumbo namaoko nemicheka yomubwiro, nechiso chake chakapombwa nomucheka. Jesu akati kwavari, “Musunungurei, aende.”
45Naizvozvo vazhinji vavaJudha, vakanga vauya kuna Maria, vakati vaona zvaaita, vakatenda kwaari. 46Asi vamwe vavo vakaenda kuvaFarisi, vakandovaudza zvakanga zvaitwa naJesu.
47Naizvozvo vapristi vakuru navaFarisi vakaunganidza makurukota, vakati, “Todiniko? Nokuti uyu anoita zviratidzo zvizhinji. 48Kana tikamurega achidaro, vanhu vose vachatenda kwaari; navaRoma vachauya vakatitorera nzvimbo yedu norudzi rwedu.”
49Zvino mumwe wavo, Kaifasi, akanga ari mupristi mukuru gore iro, akati kwavari, “Hamuzivi chinhu, imi, 50uye hamurangariri kuti zviri nani kwamuri, kuti munhu mumwe afire vanhu, rudzi rwose rurege kufa.” 51Haana kureva izvozvo pachake, asi zvaakanga ari mupristi mukuru gore iro, akaporofita kuti Jesu aifanira kufira rudzi; 52rusati ruri rudzi rwoga, asi kuti aunganidze pamwechete vana vaMwari vakapararira.
53Zvino kubva pazuva iro vakarangana, kuti vamuuraye.
54Naizvozvo Jesu haana kuzofamba pachena pakati pavaJudha, asi akabvapo, akaenda kunyika iri pedyo nerenje, kuguta rainzi Efuremu; akagarako navadzidzi vake.
55Zvino Pasika yavaJudha yakanga yava pedyo, vanhu vazhinji venyika iyo vakakwira Jerusaremu, Pasika isati yasvika, kuti vazvinatse. 56Zvino vakatsvaka Jesu, vakataurirana vamire mutemberi, vachiti, “Munoti kudiniko? Munoti haangauyi kumutambo here?” 57Zvino vapristi vakuru navaFarisi vakanga varayira, kuti, ani naani kana achiziva kwaari, avazivise, kuti vandomubata.

Currently Selected:

Johani 11: SNA2002

ማድመቅ

Share

Copy

None

ያደመቋቸው ምንባቦች በሁሉም መሣሪያዎችዎ ላይ እንዲቀመጡ ይፈልጋሉ? ይመዝገቡ ወይም ይግቡ