Ruka 3
3
Johani Mubhabhatidzi
(Mateu 3:1-12; Mako 1:1-8; Johani 1:19-38)
1Negore regumi namashanu rokutonga kwaTibherio Kesari, Pontio Pirato ari ishe weJudhea, Herodhi ari ishe weGariria, Firipi munun'una wake, ari ishe weIturea neTirakoniti, Risanio ari ishe weAbhirene, 2Anasi naKayafasi vari vapristi vakuru, shoko raMwari rakauya kuna Johani, mwanakomana waZekariya, murenje. 3Iye akaenda munyika yose yakapoteredza Jorodhani, akaparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuzokanganwirwa zvivi; 4sezvazvakanyorwa mubhuku yamashoko aIsaya muporofita, zvichinzi,
“Izwi roanodana murenje,
‘Gadzirai nzira yaIshe,
Ruramisai migwagwa yake.
5Mipata yose ichafusirwa,
Makomo ose nezvikomo zvose zvichaderedzwa;
Zvakakombama zvicharuramiswa,
Pasikaenzana pachaitwa nzira dzakaenzaniswa;
6Munhu wose ichaona ruponeso rwaMwari.’ ”
7Naizvozvo akati kuvazhinji vaiuya kuzobhabhatidzwa naye, “Imi vana venyoka, ndianiko akakunyeverai kuti mutize kutsamwa kunouya? 8Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka; musatanga kureva mumwoyo menyu, muchiti, Abhurahamu ndibaba vedu; nokuti ndinoti kwamuri, Mwari angamutsira Abhurahamu vana pamabwe awa. 9Zvino sanhu ratoiswa pamudzi wemiti; naizvozvo muti mumwe nomumwe usingabereki michero yakanaka, unotemwa, ukakandirwa mumoto.”
10Vanhu vazhinji vakamubvunza, vachiti, “Zvino todiniko?”
11Akapindura, akati kwavari, “Anenguo mbiri ngaagovane noasina; noane zvokudya ngaaite saizvozvo.”
12Navateresi vakauyawo kuzobhabhatidzwa, vakati kwaari, “Mudzidzisi, todiniko?”
13Akati kwavari, “Musareva mari kupfuura pamakarayirwa napo.”
14Navarwiwo vakamubvunza, vachiti, “Nesuo todiniko?” Akati kwavari, “Musatorera munhu chinhu nesimba, kana kupomera munhu nhema; mutende nomubayiro wenyu.”
15Zvino vanhu vakati vagere vachatarisira, vose vachirangarira mumwoyo mavo pamusoro paJohani, kuti zvimwe ndiKristu,
16Johani akapindura, akati kuna vose, “Ini ndinokubhabhatidzai nemvura, asi uyo anouya, ane simba kupfuureni, wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake; iye achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto. 17Rusero rwake ruri muruoko rwake; achanatsa buriro rake kwazvo; achaunganidzira zviyo mudura rake; asi hundi achaipisa nomoto usingadzimwi.”
18Akaparidzira vanhu Vhangeri, achivaraira namamwe mashoko mazhinji; 19asi ishe Herodhi, akati arairwa naye pamusoro paHerodhiasi, mukadzi womunun'una wake, nezvakaipa zvose zvaakanga aita iye Herodhi, 20akawedzera pamusoro pezvose chinhu ichi, kuti akapfigira Johani mutorongo.
Kubhabhatidzwa kwaJesu
(Mateu 3:13-17; Mako 1:9-11)
21Vanhu vose vakati vabhabhatidzwa, naiye Jesu abhabhatidzwawo, achinyengetera, denga rikazarurwa, 22Mweya Mutsvene akaburukira pamusoro pake nomufananidzo wakaita sowenjiva, izwi rikabva kudenga, richiti, “Ndiwe Mwanakomana wangu, unodikanwa; ndinokufarira.”
Rudzi rwaJesu Kristu
(Mateu 1:1-17)
23Zvino iye Jesu akanga ana makore anenge makumi matatu, nguva yaakatanga kudzidzisa, ari, pakufunga kwavanhu, mwanakomana waJosefa, mwanakomana waHeri, 24mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waMereki, mwanakomana waJanai, mwanakomana waJosefa, 25mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waAmosi, mwanakomana waNaumi, mwanakomana waEsiri, mwanakomana waNagai, 26mwanakomana waMaati, mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waSimioni, mwanakomana waJoseki, mwanakomana waJodha, 27mwanakomana waJoanani, mwanakomana waResa, mwanakomana waZerubhabheri, mwanakomana waSaratieri, mwanakomana waNeri, 28mwanakomana waMereki, mwanakomana waAdhi, mwanakomana waKosamu, mwanakomana waErimadhamu, mwanakomana waEri, 29mwanakomana waJese, mwanakomana waEriezeri, mwanakomana waJorimu, mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi, 30mwanakomana waSimioni, mwanakomana waJudha, mwanakomana waJosefa, mwanakomana waJonamu, mwanakomana waEriakimu, 31mwanakomana waMerea, mwanakomana waMena, mwanakomana waMatata, mwanakomana waNatamu, mwanakomana waDhavhidhi, 32mwanakomana waJese, mwanakomana waJobhedhi, mwanakomana waBhoasi, mwanakomana waSara, mwanakomana waNasoni, 33mwanakomana waAminadhabhi, mwanakomana waAdhimini, mwanakomana waArini, mwanakomana waEsiromi, mwanakomana waFaresi, mwanakomana waJudha, 34mwanakomana waJakobho, mwanakomana waIsaka, mwanakomana waAbhurahamu, mwanakomana waTara, mwanakomana waNahori, 35mwanakomana waSeruki, mwanakomana waRagau, mwanakomana waFareki, mwanakomana waEbheri, mwanakomana waSara, 36mwanakomana waKainami, mwanakomana waArifakisadhi, mwanakomana waSemu, mwanakomana waNoa, mwanakomana waRameki, 37mwanakomana waMatusara mwanakomana waEnoki, mwanakomana waJareti, mwanakomana waMahareeri, mwanakomana waKainami, 38mwanakomana waEnosi, mwanakomana waSeti, mwanakomana waAdhamu, mwanakomana waMwari.
Currently Selected:
Ruka 3: SNA2002
ማድመቅ
Share
Copy
ያደመቋቸው ምንባቦች በሁሉም መሣሪያዎችዎ ላይ እንዲቀመጡ ይፈልጋሉ? ይመዝገቡ ወይም ይግቡ
© Shona Union Version 2002