Johani 13
13
C: KUKURUMBIRA KWAJESU: PASIKA YEHWAYANA YAMWARI
I: CHIRARIRO CHAJESU CHOKUPEDZISIRA
Chirariro chaJesu—vadzidzi vanoshambidzwa tsoka
1Zuva rePasika risati rasvika Jesu akaziva kuti nguva yake yokusiya pasi achienda kuna Baba yakanga yasvika. Akada vake vakanga vari pasi pano akavada zvokupedzerera.
2Zvavakanga vari pakudya kwamauro Dhiabhori akanga atoisa muna Judhasi Isikarioti, mwana waSimoni pfungwa yokumupandukira. 3Jesu aizviziva kuti Baba vakanga vaisa zvinhu zvose mumaoko ake, uye kuti akabva kuna Mwari uyezve kuti akanga avakudzokera kuna Mwari. 4Naizvozvo akasimuka pakudya akabvisa hanzu yake yepamusoro ndokumonera tauro muchiuno. 5Akadira mvura mudhishi akatangisa kushambidza tsoka dzavadzidzi achidzipukuta netauro riya raakanga akazvimonera naro.
6Paakasvika pana Simoni Pita, Pita akati kwaari, “Nhai Tenzi ndimi mungashambidze tsoka dzangu here imi?” 7Jesu akamupindura achiti, “Zvandiri kuita haungazvizivi iye zvino asi uchazozvinzwisisa pashure.” 8Pita akati kwaari, “Hamumbofa makashambidza tsoka dzangu.” Jesu akamudaira achiti, “Kana ndisingakushambidze iwe unenge usisina chokuita neni.” 9Simoni Pita akabva ati kwaari, “Tenzi, kwete tsoka dzangu chete asi maoko angu nomusoro wanguwo.” 10Jesu akamuti, “Munhu anenge ashamba muviri haana chaanofanira kushambazve kusiya tsoka dzake bedzi nokuti anenge akachena muviri wose. Imi makachena asi kwete mose.” 11Akadaro nokuti aiziva aizomutengesa. Ndokusaka akati hamusi mose makachena.
12Paakapedza kuvashambidza tsoka dzavo akapfeka gemenzi rake riya akagara panzvimbo yake akavati: “Munoziva here zvandaita kwamuri? 13Munonditi Mudzidzisi uye Tenzi; ndizvozvo chaizvo nokuti ndizvozvo zvandiri. 14Zvino kana ini Tenzi nomudzidzisi wenyu ndakushambidzai tsoka kudai, imi munofanira kushambidzanawo tsoka. 15Nokuti ndatokupai muenzaniso izvozvi kuti muitewo zvandakuitirai.
16“Chokwadi chokwadi ndinoti kwamuri
mushandi haasi mukuru
kupfuura waanoshandira
kana anotumwa pane anomutuma.
17“Kana muchiziva zvinhu izvi muchakomborerwa kana mukazviita. 18Handisi kureva mose; ndinoziva ini vandakasarudza kuti vanhui, uku kuti Magwaro Matsvene azadziswe anoti,
“ ‘Wandinodya naye mundiro akandimukira.’
19Ndiri kukutaurirai izvi
iye zvino zvisati zvaitika
kuti kana zvoitika
mutende kuti ndini iye ari.#13:19 Ndini iye ari: Mazwi aya akafanana neakataurwa naMwari paakadura zita rake abvunzwa naMosesi. Tarisa uone Kubuda 3:14–15. Mwari ari zvakawanda.
20Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri,
‘Anogamuchira wandinotuma anogamuchira ini.
Anondigamuchirawo anogamuchira akandituma.’ ”
Jesu anofanotaura nezvokupandukirwa kwake
(Mat 26:20–25; Mak 14:17–21; Ruka 22:21–23)
21Jesu paakataura izvi akashushikana mumwoyo akadura pachena achiti, “Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri mumwe wenyu achandipandukira.” 22Vadzidzi vake vakatarisana vasingazivi kuti ndiani waaireva. 23Mumwe wavadzidzi vake wapamwoyo akanga akazembera pachipfuva chaJesu. 24Ipapo Simoni Pita akaninira kwaari kuti, “Tiudze kuti ndiani waari kureva.” 25Akazembera kudai, munyasi mechipfuwa chaJesu, akati kwaari, “Tenzi ndianiko iyeyo?” 26Jesu akapindura achiti, “Ndouyo wandichapa musuva uyu ndauseva.” Saizvozvo akaseva musuva uya akaupa kuna Judhasi mwana waSimoni Isikarioti. 27Paakatambira musuva iwoyo Satani akapinda maari Jesu ndokumuti, “Zvauri kuda kuita chikurumidza kuzviita.” 28Kune vaiva pakudya hapana akaziva kuti akataurirei izvi. 29Vamwe vakafunga kuti, somunhu, aichengeta tsapo yemari Jesu aimutaurira kuti, “Enda undotenga zvatinoda pazuva guru kana kuti ape chimwe chinhu kuvarombo.” 30Paakangogamuchira musuva uya akabva abuda pakarepo. Hwakanga hwava husiku.
Mutemo mutsva
31Pakabuda Judhasi, Jesu akati,
“Zvino Mwanakomana womunhu awaniswa mbiri
uye maari Mwari anowaniswa mbiri.
32Kana Mwari awaniswa mbiri maari
Mwariwo achamuwanisa mbiri maari iye pachake
achibva amuwanisa mbiri iyoyo pakarepo.
33Vanangu, ndichinemi kwechinguvana; muchanditsvaka,
asi sezvandakataurira vaJudha,
ndizvowo zvandinokutaurirai
kwandirikuenda, imi hamukwanisi kuuyako.
34Asi ndinokupai mutemo mutsva unoti,
‘Idanai.’
Sokukudai kwandakaita, imi idanaiwo.
35Naizvozvo vanhu vose vachaziva
kuti muri vadzidzi vangu kana muchidanana.”
Jesu anofanoudza Pita kuti achamuramba
(Mat 26:31–35; Mak 13:27–31; Ruka 22:31–34)
36Simoni Pita akati kwaari, “Tenzi muri kuenda kupi?” Jesu akapindura achiti, “Kwandiri kuenda haugone kunditevera zvino asi uchanditevera zvako gare gare.” 37Pita akati kwaari, “Tenzi ndinotadza nei kukuteverai zvino? Ini ndinosarudza kukufirai.” 38Jesu akapindura achiti, “Heya unosarudza kundifira iwe? Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwauri Jongwe rinosara zvaro rokukuridza iwe unenge watondiramba katatu.”
Цяпер абрана:
Johani 13: SCLB
Пазнака
Падзяліцца
Капіяваць
Хочаце, каб вашыя адзнакі былі захаваны на ўсіх вашых прыладах? Зарэгіструйцеся або ўвайдзіце
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.