1
Mavambo 1:26-27
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Mwari akati, “Ngatiitei munhu akafanana nesu, akatodzana nesu. Ngavave noutongi hwenyika yose nohwehove dzomugungwa neshiri dzedenga nezvipfuwo nezvinokambaira nokuzvova napasi.” Mwari akasika munhu akamufananidza naiye pachake, akavasika vari munhurume nomunhukadzi.
Сравни
Разгледайте Mavambo 1:26-27
2
Mavambo 1:28
Mwari akavakomborera achiti, “Berekanai muwande, muzadze nyika, muitonge. Ivai noutongi pamusoro pehove dzomugungwa, neshiri dzedenga, nezvinhu zvose zvipenyu zvinofamba panyika.”
Разгледайте Mavambo 1:28
3
Mavambo 1:1
Pakutanga Mwari akasika denga napasi.
Разгледайте Mavambo 1:1
4
Mavambo 1:2
Pasi pakanga pasati panyatsoumbwa, pasina chinhu. Rima rakanga rakaputira zigungwa, Mweya waMwari achidzengerera pamusoro pemvura.
Разгледайте Mavambo 1:2
5
Mavambo 1:3
Mwari akati, Mwari akati, “Chiedza ngachivepo,” chiedza chikavapo.
Разгледайте Mavambo 1:3
6
Mavambo 1:31
Mwari akatarisa zvose zvaakanga aita, onei zvakanaka kwazvo. Kwakasviba kukaedza, iri rakava zuva rechitanhatu.
Разгледайте Mavambo 1:31
7
Mavambo 1:4
Mwari akaona kuti chiedza chakanaka. Mwari akaparadzanisa chiedza nerima.
Разгледайте Mavambo 1:4
8
Mavambo 1:29
Mwari akati, “Chionai, ndakupai zvinomera zvose zvine mhodzi dzazvo zviri panyika, nemiti inobereka michero ine mhodzi kuti zvive chokudya chenyu.
Разгледайте Mavambo 1:29
9
Mavambo 1:5
Mwari akatumidza chiedza kuti masikati, rima akariti usiku. Kwakasviba kukaedza. Iri rakava zuva rokutanga.
Разгледайте Mavambo 1:5
10
Mavambo 1:6
Mwari akati, “Pakati pemvura ngapave neziendanakuenda rinokamuranisa mvura.”
Разгледайте Mavambo 1:6
11
Mavambo 1:30
Asi ndapa zvinomera zvinyoro kumhuka dzesango neshiri dzose dzedenga, nezvinokambaira nokuzvova napasi, nezvinhu zvipenyu zvose zvinofema kuti chive chokudya chazvo,” zvikabva zvaita saizvozvo.
Разгледайте Mavambo 1:30
12
Mavambo 1:14
Mwari akati, “Muziendanakuenda romudenga ngamuve namavheneko okusiyanisa masikati nousiku ave okuratidza mwaka namazuva namakore.
Разгледайте Mavambo 1:14
13
Mavambo 1:11
Mwari akati, “Nyika ngaimere zvinomera zvorudzi norudzi, zvinomera zvine mhodzi dzazvo, namarudzi emiti inobereka michero ine mhodzi panyika,” zvikabva zvaita saizvozvo.
Разгледайте Mavambo 1:11
14
Mavambo 1:7
Mwari akabva aita ziendanakuenda riya ndokukamuranisa mvura yakanga iri pasi peziendanakuenda iroro neyaiva nechapamusoro paro, zvikabva zvaita saizvozvo.
Разгледайте Mavambo 1:7
15
Mavambo 1:12
Nyika yakamera zvinomera zvorudzi norudzi, nezvinomera zvine mhodzi dzazvo, namarudzi namarudzi emiti inobereka michero ine mhodzi. Zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akaona kuti zvakanaka.
Разгледайте Mavambo 1:12
16
Mavambo 1:16
Mwari akaita mazivheneko maviri kunoti, zivheneko guru rokutonga masikati, kozoti zivheneko duku rokutonga usiku, akaitawo nyenyedzi.
Разгледайте Mavambo 1:16
17
Mavambo 1:9-10
Mwari akati, “Mvura iri pasi pedenga ngaiungane pamwechete kuti pasi pakaoma pabude pachena,” zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akatumidza pasi pakaoma kuti nyika. Mvura iya yakanga yaungana akaitumidza kuti makungwa. Mwari akaona kuti zvakanaka.
Разгледайте Mavambo 1:9-10
18
Mavambo 1:22
Mwari akazvikomborera achiti, “Berekanai muwande muzadze mvura yomumakungwa. Shiri ngadziwandewo panyika.”
Разгледайте Mavambo 1:22
19
Mavambo 1:24
Mwari akati, “Nyika ngaiburitse mhando nemhando dzezvinhu zvipenyu, mhando nemhando dzezvipfuwo, nedzezvinokambaira nokuzvova napasi, nedzemhuka dzesango,” zvikabva zvaita saizvozvo.
Разгледайте Mavambo 1:24
20
Mavambo 1:20
Mwari akati, “Mumvura ngamuite bvakapfaka rezvinhu zvipenyu zvinoshambira. Shiriwo ngadzibhururuke pamusoro penyika nomudenga muziendanakuenda.”
Разгледайте Mavambo 1:20
21
Mavambo 1:25
Mwari akasika mhando nemhando dzemhuka dziri panyika, nemhando dzose dzezvipfuwo nedzezvinokambaira nokuzvova napasi. Mwari akaona kuti zvakanaka.
Разгледайте Mavambo 1:25
Начало
Библия
Планове
Видеа