Genesi 23
23
Kufa kwaSara
1Zvino Sara wakagara makore ane zana namakumi maviri namanomwe; ndiwo makore oupenyu hwaSara. 2Sara akafa paKiriyatiabha (rimwe zita ndiHebhuroni) panyika yeKenani; Abhurahamu akauya kuzochema Sara nokumuririra.
3Zvino Abhurahamu akasimuka panowakafa wake, akataurirana navana VaHeti, akati, 4“Ndiri mweni nomutorwa pakati penyu, ndipei nzvimbo yokuviga pakati penyu, ive nzvimbo yangu, kuti ndivige wakafa wangu, ndirege kumuona.”
5Vana VaHeti vakapindura Abhurahamu, vakati kwaari, 6“Chitinzwai, ishe wedu, imi muri muchinda waMwari pakati pedu; vigai wakafa wenyu pahwiro hwakanaka pakati pamahwiro edu ose; hakuna munhu pakati pedu angakunyimai hwiro hwake, kuti muvige wakafa wenyu.”
7Ipapo Abhurahamu wakasimuka akakotamira pasi pamberi pavanhu venyika iyo, ivo vana VaHeti, 8akataurirana navo, akati, “Kana muchitenda kuti ndivige wakafa wangu, ndirege kumuona, chindinzwai, mundikumbirire kuna Efuroni, mwanakomana waZohari, 9kuti andipe bako reMakapera, raanaro, riri pamagumo emunda wake, andipe iroro, ndiripe mutengo wose, ive nzvimbo yangu yokuviga pakati penyu.”
10Efuroni zvino wakanga agere pakati pavana VaHeti; Efuroni, muHeti, akapindura Abhurahamu, vana VaHeti, vachizvinzwa, ivo vose vaipinda pasuwo reguta rake, akati, 11“Kwete, ishe wangu, chindinzwai; teererai, ndinokupai munda, nairo bako ririmo, ndinokupai iro; ndinokupai izvozvo pamberi pavana vavanhu vangu; vigai henyu wakafa wenyu.” 12Abhurahamu akakotama pamberi pavanhu venyika iyo, 13akataura naEfuroni, vanhu venyika iyo vachizvinzwa, achiti, “Kana uchida, chinditeerera hako, ndichakupa mutengo womunda, uugamuchire kwandiri, kuti ndivige wakafa wangupo.” 14Efuroni akapindura Abhurahamu akati kwaari, 15“Ishe wangu, chinditeererai; munda unotengwa namashekeri esirivha ana mazana mana, chingava chiiko pakati pangu newe? Vigai henyu wakafa wenyu.” 16Abhurahamu akateerera Efuroni. Abhurahamu akayerera Efuroni mashekeri esirivha aakareva, vana VaHeti vachizvinzwa, mashekeri esirivha ana mazana mana, avanotenga nawo kuvatengesi.
17Naizvozvo munda waEfuroni, wakanga uri paMakapera pakatarisana neMamure, munda nebako rakanga ririmo, nemiti yose yakanga iri mumunda neyakanga iri panyika yose yakapoteredza, 18zvikava zvaAbhurahamu pamberi pavana VaHeti, pamberi pavose vaipinda pasuwo reguta rake.
19Shure kwaizvozvo Abhurahamu akaviga Sara, mukadzi wake, mubako romunda weMakapera, pakatarisana neMamure (rimwe zita ndiHebhuroni), panyika yeKenani. 20Zvino munda nebako rakanga ririmo zvakasimbisiwa kuna Abhurahamu navana VaHeti, kuti zvive zvake, ikava nzvimbo yake yokuviga.
Избрани в момента:
Genesi 23: SUB
Маркирай стих
Споделяне
Копиране
Искате ли вашите акценти да бъдат запазени на всички ваши устройства? Регистрирайте се или влезте
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.