Genesi 38
38
Juda naTamari.
1Neŋguʋa iyo Juda wakabva kuʋana ʋaɓaɓa ʋake, akaɓuruka, akatsaukira kunomumŋe murume muAdurami, wainzi Hira. 2Juda akaʋona’po mukunda womumŋe munhu muKanani, wainzi Shua, akamutora, akapinda kwaari. 3Iye akaʋa nemimba, akaɓereka mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Eri. 4Akaʋa nemimba ɀe, akaɓereka mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Onani. 5Akaʋa nemimba ɀe, akaɓereka mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Shera; iye wakaŋga ari paKezibi mukadzi wake acimuɓereka. 6Ɀino Juda wakatorera ɗaŋgwe rake Eri mukadzi wainzi Tamari. 7Asi Eri, ɗaŋgwe raJuda, wakaŋga ari munhu wakaipa pamberi paJehova; Jehova akamuʋuraya. 8Ɀino Juda akati kunaOnani: Pinda kumukadzi womukoma wako, umuwane, umuitire ɀakafanira munuŋuna womurume, umutsire mukoma wako ʋana. 9Ɀino Onani wakaziʋa kuti ʋana aʋo haʋaŋgaʋi ʋake; naiɀoɀo wakati kana opinda kumukadzi womukoma wake, worashira mbeu pasi, kuti arege kupa mukoma wake ʋana. 10Cinhu ici caakaita cakaŋga cakaipa pamberi paJehova; akamuʋuraya naiye ʋo. 11Ipapo Juda akati kunaTamari, mukadzi womŋana wake: Cigara hako uri cirikadzi paimba yaɓaɓa ʋako, kuȿikira Shera, mŋanakomana waŋgu, akura; nokuti wakati: Ɀimŋe uŋgafa saʋakoma ʋake. Tamari akandogara kumba kwaɓaɓa ʋake. 12Mazuʋa mazhinji akati apfuʋura, mukunda waShua, mukadzi waJuda, akafa; ɀino Juda wakati anyaradzwa, akakwira kuʋaʋeʋuri ʋamakwai ake paTimna, iye naHira, shamŋari yake muAdurami. 13Tamari akaʋudzwa, ɀicinzi: Tarira ɓaɓa ʋomurume wako ʋanokwira Timna kundoʋeʋura makwai aʋo; 14ipapo iye akabvisa ŋguʋo dzoʋucirikadzi bgake, akaɀifukidza necokufukidzira cake, akaɀiputira, akagara pasuʋo reEnaimi, guta riri panzira inoenda Timna; nokuti wakaŋga aʋona kuti Shera wakura, akasamupiwa iye kuti aʋe mukadzi wake. 15Ɀino Juda wakati acimuʋona, akati cifeʋe, nokuti wakaŋga afukidza ciso cake. 16Akatsaukira kwaari panzira, akati: Ƌoʋuya, ndipinde kwauri; nokuti wakaŋga asiŋgaziʋi, kuti mukadzi womŋanakomana wake. Iye akati: Unogondipeiko, kuti upinde kwandiri? 17Akati: Ndicakutumira mbudzana inobva kuɀipfuwo ɀaŋgu. Akati: Ucandipa ruɓatso kuȿikira waituma here? 18Akati: Ndicagokupa ruɓatso rweiko — Iye akati: Cimhete cako, norwonzi rwako, netȿimbo yako iri paruʋoko rwako. Akamupa iɀoɀo, akapinda kwaari, akaʋa nemimba naye. 19Akasimuka, akaenda, akabvisa cokufukidzira cake, akafuka ŋguʋo dzoʋucirikadzi bgake. 20Ɀino Juda akatuma mbudzana noruʋoko rweshamŋari yake, muAdurami, kuti atore ruɓatso paruʋoko rwomukadzi, asi haana‐kumuwana 21Akabvunza ʋanhu ʋokwake, aciti: Ciripiko cifeʋe ciya, cakaŋga ciri paEnaimi panzira — Ʋakati: Kwakaŋga kusinecifeʋe pano. 22Akadzokera kunaJuda, akati: Handina‐kumuwana; naʋanhu ʋoko ʋakati: Kwakaŋga kusinecifeʋe pano. 23Ipapo Juda akati: Ŋgaaɀitore hake, kuti tirege kunyadziswa; tarira, ndatuma mbudzana iyi, iwe ukasamuwana. 24Ɀino mŋedzi ineŋge mitatu yakati yapfuʋura, Juda akaʋudzwa, ɀicinzi: Tamari, mukadzi womŋanakomana wako, wakaita ʋupombge; waʋa nemimba noʋupombge bgake. Juda akati: Ʋuyai naye, apiswe. 25Ɀino ʋakati ʋaciʋuya naye, akatuma shoko kunaɓaɓa ʋomurume wake, aciti: Ndinemimba nomurume unenhumbi idzi; akati: Ƌocerekedzai kuti iɀi ndeɀani, ɀinoti, cimhete, norwonzi, netȿimbo. 26Juda akaɀiziʋa, akati: Iye wakarurama kukunde’ni, nokuti handina‐kumupa Shera, mŋanakomana waŋgu. Haana‐kuzomuziʋa ɀe. 27Ɀino neŋguʋa yokuɓereka kwake ʋana ʋaʋiri ʋakaŋga ʋari muɗumbu rake. 28Ɀino wakati aciɓereka, mumŋe akaɓuɗisa ruʋoko; ipapo mbuya ʋakatora rwonzi rutȿuku, ʋakarusuŋgira paruʋoko rwake, ʋaciti: Uyu wataŋga kuɓuɗa. 29Ɀino uyu wakati adzosera ruʋoko rwake, munuŋuna wake akaɓuɗa; iʋo ʋakati: Waɀipasanurira seiko — Naiɀoɀo akamutumidza zita rinonzi Perezi. 30Pashure mukoma wake akaɓuɗa, wakaŋga anorwonzi rutȿuku paruʋoko rwake; zita rake rikatumidzwa Zera.
Currently Selected:
Genesi 38: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018