YouVersion Logo
Search Icon

Isaya 61

61
Mashoko omufaro anoparidzirwa Zioni.
1Mŋeya waShe Jehova uri pamsoro paŋgu; nokuti Jehova wakandizodza kuti ndiparidzire ʋanyoro mashoko akanaka; wakandituma kuti ndirape ʋanemŋoyo yakaputsika, kuti ndiparidzire ʋakatapxa kusunuŋgurwa, nokunaʋakasuŋgwa kuti ʋacazarurirwa; 2kuti ndiparidze gore reŋgoni dzaJehova, nezuʋa rokutsiʋa raMŋari weɗu; kuti ndinyaradze ʋose ʋanocema; 3kuti ndigadzirire ʋanocema paZioni ʋapiwe korona panɀimbo yamaɗota, mafuta omufaro panɀimbo yokucema, neŋguʋo yokurumbidza panɀimbo yomŋeya waziya; kuti ʋanzi miti yokururama, cakasimŋa caJehova, kuti iye akudzwe. 4Ipapo ʋacaʋaka matoŋgo akare, ʋacamutsa ɀe nɀimbo dzakaparadzwa dzokutaŋga, ʋacagadzira maguta akaŋga aitwa matoŋgo, ɀakaparadzwa ɀamarudzi namarudzi. 5Ʋatorwa ʋacamira ʋacifudza mapoka enyu amakwai, naʋaeni ʋacaʋa ʋarimi ʋenyu naʋagadziri ʋemizambiriŋga yenyu. 6Asi imi mucanzi ʋaprista ʋaJehova, ʋanhu ʋacakutumidzai ʋashumiri ʋaMŋari weɗu; mucadya fuma yamarudzi aʋanhu, mucaɀirumbidza nokukudzwa kwawo. 7Panɀimbo yokunyadziswa kwenyu, mucapiwa migoʋe miʋiri; panɀimbo yokushoʋorwa ʋacafarira mugoʋe waʋo; naiɀoɀo panyika yaʋo ʋacaʋa nemigoʋe miʋiri, ʋacaʋa nomufaro usiŋgaperi. 8Nokuti ini Jehova ndinoɗa ɀakarurama, ndinoʋeŋga kupamba pamŋe cete neɀakaipa; ndicaʋaripira ɀirokwaɀo, ʋuye ndicaita suŋgano isiŋgaperi naʋo. 9Ʋana ʋaʋo ʋacazikanwa pakati pamarudzi, neɀiɓereko ɀaʋo pakati paʋanhu; ʋose ʋanoʋaʋona ʋacaʋaziʋa, kuti ndirwo rudzi rwakaropafadzwa naJehova.
10Ndicafarira Jehova kwaɀo, mŋeya waŋgu ucaʋa nomufaro munaMŋari waŋgu; nokuti wakandifukidza ŋguʋo dzoruponeso, wakandipfekedza cokufuka cokururama, secikomba cinoshoŋga korona, ʋuye somŋeŋga unoɀishoŋgedza noʋukomba bgake. 11Nokuti nyika seɀainoɓuɗisa miti yayo, nomunda seɀaunomeresa ɀakadɀarwa’mo, saiɀoɀo Ishe Jehova ucameresa kururama nokurumbidzwa pamberi pamarudzi ose.

Currently Selected:

Isaya 61: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in