Genesi 36
36
Vana vaEsau
1Ndiwo marudzi aEsau (rimwe zita ndiEdhomu): 2Esau akawana vakadzi vake kuvakunda veKenani, vaiti: Adha, mukunda waEroni, muHeti, naOhoribhama, mukunda waAna, mukunda waZibhioni, muHivhi; 3naBhasimati, mukunda waIshimaeri, hanzvadzi yaNebhayoti. 4Adha akabereka Esau Erifazi; Bhasimati akabereka Rueri; 5Ohoribhama akabereka Jeushi, naJarami, naKora; ndivo vanakomana vaEsau, vaakaberekerwa panyika yeKenani.
6Zvino Esau akatora vakadzi vake, navanakomana vake, navakunda vake, navanhu vose veimba yake, nezvipfuwo zvake, nemombe dzake dzose, nepfuma yake yose yaakanga aunganidza munyika yeKenani, akaenda kunyika iri kure nomun'una wake Jakobho. 7Nokuti pfuma yavo yakanga yawanda, naizvozvo vakanga vasingagoni kugara panzvimbo imwe; nyika youtorwa hwavo yakanga isingavaringani nokuda kwezvipfuwo zvavo. 8Esau akandogara kugomo reSeiri; Esau ndiye Edhomu.
9Marudzi aEsau, baba vavaEdhomu, kugomo reSeiri, ndiwo: 10Mazita avanakomana vaEsau ndiwo: Erifazi, mwanakomana waAdha, mukadzi waEsau, naRueri, mwanakomana waBhasimati, mukadzi waEsau. 11Vanakomana vaErifazi vaiva Temani, naOmari, naZefo, naGatamu, naKenazi. 12Timuna akanga ari murongo waErifazi, mwanakomana waEsau; iye akaberekera Erifazi Amareki; ndivo vanakomana vaAdha, mukadzi waEsau. 13Vanakomana vaRueri ndivo: Nahati, naZera, naShama naMiza; ndivo vanakomana vaBhasimati, mukadzi waEsau.
14Vanakomana vaOhoribhama, mukunda waAna, mukunda waZibhioni, mukadzi waEsau, ndivo: iye akaberekera Esau Jeushi, naJarami, naKora.
15Ava ndivo madzishe pakati pavana vaEsau: Vanakomana vaErifazi, dangwe raEsau: Ishe Temani, nashe Omari, nashe Zefo, nashe Kenazi, 16nashe Kora, nashe Gatamu, nashe Amareki; ndiwo madzishe okwaErifazi munyika yeEdhomu; ndivo vanakomana vaAdha.
17Ava ndivo vanakomana vaRueri, mwanakomana waEsau: Ishe Nahati, nashe Zera, nashe Shama, nashe Miza; ndiwo madzishe okwaRueri munyika yeEdhomu; ndivo vanakomana vaBhasimati, mukadzi waEsau.
18Ava ndivo vanakomana vaOhoribhama, mukadzi waEsau: Ishe Jeushi, nashe Jarami, nashe Kora; ndiwo madzishe okwaOhoribhama, mukunda waAna, mukadzi waEsau. 19Ndivo vanakomana vaEsau, ndiwo madzishe avo. Ndiye Edhomu.
20Ndivo vanakomana vaSeiri, muHori, vaigara panyika iyo: Rotani, naShobharu, naZibhioni, naAna, 21naDhishoni, naEzeri, naDhishani; ndiwo madzishe okuvaHori, vanakomana vaSeiri munyika yeEdhomu.
22Vanakomana vaRotani, vaiva Hori, naHemani; hanzvadzi yaRotani aiva Timuna.
23Ava ndivo vanakomana vaShobharu: Avhani, naManahati, naEbhari, naShefo, naOnamu.
24Ava ndivo vanakomana vaZibhioni: Aja, naAna; ndiye Ana akawana matsime emvura inopisa kusango, achifudza mbongoro dzaZibhioni, baba vake. 25Ava ndivo vanakomana vaAna: Dhishoni, naOhoribhama, mukunda waAna. 26Ava ndivo vanakomana vaDhishoni: Hemudhani, naEshibhani, naIturani, naKerani. 27Ava ndivo vanakomana vaEzeri: Bhirihani, naZaavhani, naAkani. 28Ava ndivo vanakomana vaDhishani: Uzi naArani.
29Ava ndiwo madzishe okuvaHori: Ishe Rotani, nashe Shobharu, nashe Zibhioni, nashe Ana, 30nashe Dhishoni, nashe Ezeri, nashe Dhishani; ndiwo madzishe okuvaHori, namarudzi avo munyika yeSeiri.
31Ava ndivo madzimambo akabata ushe munyika yeEdhomu,
vana vaIsiraeri vachigere kuva namadzimambo:
32Bhera, mwanakomana waBheori,
akabata ushe paEdhomu;
zita reguta rake rainzi Dhinihabha.
33Akafa, Jobhabhu,
mwanakomana waZera weBhozara akabata ushe pachigaro chake.
34Jobhabhu akafa,
Hushamu wenyika yava Temani akabata ushe pachigaro chake.
35Hushamu akafa,
Hadhadhi, mwanakomana waBhedhadhi,
uya akauraya Midhiani kusango reMoabhu,
akabata ushe pachigaro chake;
zita reguta rake rainzi Avhiti.
36Hadhadhi akafa,
Samura weMasereka akabata ushe pachigaro chake.
37Samura akafa,
Shauri weRehobhoti paRwizi akabata ushe pachigaro chake.
38Shauri akafa,
Bhaarihanani, mwanakomana waAkibhori akabata ushe pachigaro chake.
39Bhaarihanani, mwanakomana waAkibhori,
akafa, Hadhari akabata ushe pachigaro chake;
zita reguta rake rainzi Pau;
zita romukadzi wake rainzi Mehetabheri,
mukunda waMatiredhi,
mukunda waMehazahadhi.
40Aya ndiwo mazita amadzishe okwaEsau, nedzimba dzavo, namaguta avo, namazita avo; Ishe Timuna, nashe Arivha, nashe Jeteti; 41nashe Ohoribhama, nashe Era, nashe Pinoni; 42nashe Kenazi, nashe Temani, nashe Mibhizari; 43nashe Magidhieri, nashe Iramu; ndiwo madzishe aEdhomu, pavakagara munyika yakanga iri yavo. Ndiye Esau, baba vaEdhomu.
Currently Selected:
Genesi 36: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002