YouVersion Logo
Search Icon

Genesi 8

8
Noa anobuda muareka
1Zvino Mwari wakarangarira Noa nezvipenyu zvose, nezvipfuwo zvose zvakanga zviri muareka naye; Mwari akafambisa mhepo panyika, mvura ikaserera, 2namatsime apakadzika namawindo edenga akazarirwa, nemvura yakabva kudenga ikadziviswa, 3mvura ikaramba ichidzoka panyika; mazuva ane zana namakumi mashanu akati apfuura, mvura ikaderera. 4Nomwedzi wechinomwe, nezuva regumi namanomwe romwedzi, areka ikamira pamusoro pamakomo eArarati. 5Mvura ikaramba ichiderera kusvikira pamwedzi wegumi; nomwedzi wegumi, nezuva rokutanga romwedzi misoro yamakomo ikaonekwa.
6Mazuva ana makumi mana akati apfuura, Noa akazarura windo reareka raakanga aita; 7akabudisa gunguo, iro rikaramba richibhururuka-bhururuka kusvikira mvura yapwa panyika. 8Ipapo akabhururutsa njiva paakanga ari, kuti aone kana mvura yaserera panyika; 9asi njiva haina kuwana pokuzorodza rutsoka rwayo, ikadzokera kwaari kuareka, nokuti mvura yakanga iri pamusoro penyika yose; akatambanudza ruoko rwake, akaitora, akaipinza kwaari muareka.
10Ipapo akagara mamwe mazuva manomwezve, akabudisazve njiva paareka; 11njiva ikapinda kwaari madekwana; onei mumuromo mayo makanga muine rushizha rwomuorivhi rwakatanhwa; naizvozvo Noa wakaziva kuti mvura yakanga yaserera panyika. 12Akagarazve mazuva manomwe, akabudisazve njiva; iyo haina kudzokerazve kwaari.
13Pagore ramazana matanhatu nerimwe, pamwedzi wokutanga, nomusi wokutanga womwedzi, mvura yakanga yapwa panyika; ipapo Noa akabvisa denga reareka, akatarira, onei pasi pose paoma. 14Nomwedzi wechipiri, nezuva ramakumi maviri namanomwe romwedzi, nyika yakanga yaoma.
15Zvino Mwari wakataura naNoa akati, 16“Budai muareka, iwe, nomukadzi wako, navanakomana vako, navakadzi vavanakomana vako, pamwechete newe. 17Budisawo pamwechete newe zvipenyu zvose zvenyama zvinewe, zvinoti, shiri, nezvipfuwo, nezvinokambaira zvose, nezvinokambaira panyika, kuti zviwande panyika, zvibereke, zvive zvizhinji panyika.” 18Ipapo Noa akabuda, iye navanakomana vake, nomukadzi wake, navakadzi vavanakomana vake pamwechete naye; 19nemhuka dzose, nezvinokambaira zvose, neshiri dzose, nezvose zvinofamba panyika, namarudzi azvo, zvakabuda paareka. 20Noa akavakira Jehovha atari, akatora dzimwe pamhuka dzose dzakanaka neshiri dzose dzakanaka, akapisira zvipiriso zvinopiswa paatari. 21Jehovha akanzwa kunhuwira kwakanaka, Jehovha akati mumwoyo make, “Handichazotukizve nyika nokuda kwomunhu; nokuti kufunga kwomwoyo womunhu kwakaipa kubva pauduku hwake; handichazorovizve zvipenyu zvose, sezvandakaita. 22Nguva yose yenyika kudyara nokucheka, kutonhora nokudziya, zhizha nechando, masikati nousiku hazvingagumi.”

Currently Selected:

Genesi 8: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in