Jeremiya 35
35
Jehovha anoraira vaJudha nokuti havana kuita savaRekabhi
1Shoko, rakasvika kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha namazuva aJehoiakimu, mwanakomana waJosia, mambo waJudha, richiti, 2“Enda kuimba yavaRekabhi, utaure navo, uuye navo mumba maJehovha, mune imwe kamuri, uvape waini vanwe.” 3Ipapo ndakatora Jaazania mwanakomana waJeremiya, mwanakomana waHabhazania, nehama dzake, navanakomana vake vose, neimba yose yavaRekabhi. 4Ndikavaisa mumba maJehovha, mukamuri yavanakomana vaHanani mwanakomana waIghidhari, munhu waMwari, yaiva pedyo nekamuri yamachinda, yakanga iri pamusoro pekamuri yamachinda, yakanga iri pamusoro pekamuri yaMaaseia mwanakomana waSharumi, mutariri wechikumbaridzo. 5Ndikagadza pamberi pavanakomana veimba yavaRekabhi mbiya dzizere newaini nemikombe, ndikati kwavari, “Inwai waini.”
6Asi ivo vakati “Hatinganwi waini, nokuti Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi, baba vedu, vakatiraira vachiti, ‘Regai kunwa waini, imi, navanakomana venyu nokusingaperi; 7uye musavaka dzimba, kana kudyara mbeu, kana kurima minda yemidzambiringa, kana kuva nazvo; asi munofanira kugara mumatende mazuva enyu ose, kuti mugare mazuva mazhinji munyika mamunogara muri vatorwa.’
8“Zvino takaterera inzwi raJonadhabhi mwanakomana waRekabhi, baba vedu, pazvose zvavakaraira, vachiti tirege kunwa waini mazuva edu ose, isu, navakadzi vedu; 9kana kuzvivakira dzimba matingagara; uye hatina minda yemidzambiringa, kana mimwe minda, kana mbeu; 10asi takagara mumatende, tikaterera, tikaita zvose sezvatakarairwa naJonadhabhi baba vedu. 11Asi Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakati achisvika munyika ino, tikati, ‘Hendei, tiende Jerusaremu nokuti tinotya hondo yavaKaradhea, uye tinotya hondo yavaSiria; naizvozvo tigere Jerusaremu.’ ”
12Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti, 13“Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Enda undoudza varume vaJudha, navagere Jerusaremu,’ uti, ‘Hamutendi kurangwa, kuti muterere mashoko angu here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.’ 14Mashoko aJonadhabhi mwanakomana waRekabhi, aakaraira vanakomana vake, kuti varege kunwa waini, anotererwa; kusvikira zuva ranhasi havanwi, nokuti vanoterera murayiro wababa wavo. Asi ini ndakataura nemi, ndichimuka mangwanani ndichitaura; asi hamuna kunditerera. 15Ndakatumawo kwamuri varanda vangu vose vavaporofita, ndichimuka mangwanani, ndichivatuma, ndichiti, ‘Dzokai zvino mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, munatse zvamunoita, murege kutevera vamwe vamwari muchivashumira, ipapo muchagara panyika yandakakupai imi namadzibaba enyu; asi hamuna kurerekera nzeve dzenyu, kana kunditerera.’
16“Vanakomana vaJonadhabhi mwanakomana waRekabhi vakaterera murayiro wababa wavo, waakavaraira, asi vanhu ava havana kunditerera; 17naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri; ‘Tarirai, ndichauyisa pamusoro paJudha napamusoro pavose vagere Jerusaremu zvakaipa zvose zvandakareva pamusoro pavo; nokuti ndakataura navo, asi havana kunzwa, ndakavadana, asi havana kudavira.’
18“Zvino Jeremiya akati kuimba yavaRekabhi, ‘Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, zvamakaterera murayiro waJonadhabhi baba venyu, mukachengeta zvirevo zvavo zvose, mukaita zvose sezvamakarairwa navo;’ 19naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, iye Mwari waIsiraeri, ‘Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi haangashaiwi munhu ungamira pamberi pangu nokusingaperi.’ ”
Currently Selected:
Jeremiya 35: SNA2002
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002