YouVersion Logo
Search Icon

2 Vakorinde 9

9
1Kungangova kupedza nguva kuti ndikunyorerei nezvechipo chokupa kuvatsvene, 2nokuti ndinoziva kuzvigadzirira kwenyu kwandinozvizuwidza nako kuvanhu vokuMasedhonia ndichiti, “VokuAkaya vakagadzirira kubvira gore rakapera.” Shungu dzenyu dzakamutsa mwoyo yavazhinji vavo. 3Asi ndiri kutumira hama idzi kuti kudada nemi kwedu kurege kuva kusina maturo kuitirawo kuti, sokutaura kwandakaita, kuti munge makagadzirira. 4Zvingadaro zvikaitika kuti ndinouya navamwe vokuMasedhonia tichizoona kuti hamuna kugadzirira tikazonyara nazvo, tisingatauri zvedu kuti imi muchanyara sei, isu tichivimba nemi kudai. 5Ndokusaka ndakafunga kuti ndikurudzire hama idzi, kuti dzifanotungamira ndisati ndauya, kuti dzifanogadzirira chipo chiya, chamakavimbisa, kuti chinge chakagadzirirwa, kwete zvokumanikidzira asi chinopiwa nechido.
6Chiripo ndechokuti munhu anodyara zvishoma achakohwawo zvishoma; anodyarawo zvakawanda achakohwawo zvakawanda. 7Mumwe nomumwe anofanira kuita sokuzvisarudzira kwaakaita mumwoyo make, kwete seasingadi kana seanomanikidzwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa achifara. 8Mwari anogona kukupai makomborero ose akawanda kwazvo kuti nguva dzose muve nezvinokwana muchikwanisawo kuwana zvinhu zvinodiwa pamabasa ose akanaka. 9Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi,
“Kuvarombo ndimupanegombe
ururami hwake hunogara nokusingaperi.”
10Iye Mwari anopa mbeu kumudyari nechingwa chokudya ndiye achakupa mbeu dzose dzaunoda uye achaitawo kuti dzikure dzibereke zvokukohwa zvakawanda zvichibva muururami hwako. 11Muchapfuma muna zvose kuti mukwanise kuita mabasa makuru omwoyochena anoita kuti Mwari atendwe pamusana pezvatinenge taita. 12Kuita basa irori, hakungagutsi zvinodiwa navatsvene chete asi kuti kunowanziridza kutendwa kwaMwari. 13Nezvinobuda mukuita basa iri, mucharumbidza Mwari nokuteerera kwenyu Shoko Rakanaka raKristu nemwoyochena mukudyidzana kwenyu navo uye navamwe vose. 14Ivo vachikusuwai nokukunamatirai pamusana penyasha dzinoshamisa dzaMwari mamuri 15Mwari ngaatendwe pamusana pechipo chake chisingatauriki.

Currently Selected:

2 Vakorinde 9: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in