1
Mateu 4:4
Shona Bible 1949, revised 2002
SNA2002
Asi akapindura, akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararami nechingwa bedzi, asi namashoko ose anobuda mumuromo waMwari.’ ”
তুলনা করুন
Mateu 4:4 অন্বেষণ করুন
2
Mateu 4:10
Ipapo Jesu akati kwaari, “Ibva, Satani, nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Pfugamira Ishe, Mwari wako, umushumire iye oga.’ ”
Mateu 4:10 অন্বেষণ করুন
3
Mateu 4:7
Jesu akati kwaari, “Kwakanyorwawo, ‘Usaedza Ishe, Mwari wako.’ ”
Mateu 4:7 অন্বেষণ করুন
4
Mateu 4:1-2
Zvino Jesu akatungamirirwa naMweya kurenje, kuzoedzwa naDhiabhori. Akati azvinyima zvokudya mazuva ana makumi mana, nousiku hunamakumi mana, akabva oziya.
Mateu 4:1-2 অন্বেষণ করুন
5
Mateu 4:19-20
Akati kwavari, “Nditeverei, ndigokuitai vabati vavanhu.” Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo, vakamutevera.
Mateu 4:19-20 অন্বেষণ করুন
6
Mateu 4:17
Kubva panguva iyeyo Jesu akatanga kuparidza, achiti, “Tendeukai, nokuti ushe hwokudenga hwaswedera pedyo.”
Mateu 4:17 অন্বেষণ করুন