Genesi 10

10
Ʋanakomana ʋaJafeti, naHami, naShemi.
1Ndiwo marudzi aʋanakomana ʋaNoa, naShemi, naHami, naJafeti; iʋo ʋakaɓerekerwa ʋana shure kwemvura zhinji.
2Ʋanakomana ʋaJafeti ndiʋo: Gomeri, naMagogi, naMadai, naJavani, naTubari, naMesheki, naTirasi. 3Ʋanakomana ʋaGomeri ndiʋo: Ashkenazi, naRifati, naTogarma. 4Ʋanakomana ʋaJavani ndiʋo: Erisha, naTarshisi, naKitimi, naDodanimi. 5Kwaʋari kwakabva ʋanhu ʋeɀiwi ɀakapararira. Ndiʋo ʋanakomana ʋaJafeti munyika dzaʋo, mumŋe nomumŋe norurimi rwake, nemhuri dzaʋo, nendudzi dzaʋo.
6Ʋanakomana ʋaHami ndiʋo: Kushi, naMizraimi, naPuti, naKanani. 7Ʋanakomana ʋaKushi ndiʋo: Seba, naHavira, naSabta, naRaama, naSabteka; naʋanakomana ʋaRaama ndiʋo: Sheba naDedani. 8Kushi wakaɓereka Nimirodi, ndiye wakataŋga kuʋa nesimba panyika. 9Wakaŋga ari mudzimba mukuru pamberi paJehova; naiɀoɀo ʋanoti: SaNimirodi, mudzimba mukuru pamberi paJehova. 10Ʋushe bgake bgakataŋga paBaberi, neEreki, neAkadi, neKarine, panyika yeShinari. 11Akaɓuda kunyika iyo, akaenda Asiria, akaʋaka Ninevi, neRohoboti‐Iri, neKara, 12neReseni, pakati peNinevi neKara (iri iguta guru). 13Mizraimi wakaɓereka ʋaRudi, naʋaAnami, naʋaRehabi, naʋaNaftuhi, 14naʋaPatrusi, naʋaKasruhi, (ʋaFiristia ʋakabva kwaʋari), naʋaKaftori.
15Kanani wakaɓereka Zidoni, ɗaŋgwe rake, naHeti; 16naʋaJebusi, naʋaAmori, naʋaGirgashi; 17naʋaHivi, naʋaArki, naʋaSini, 18naʋaArvadi, naʋaZemari, naʋaHamati. Shure kwaiʋaʋa mhuri dzaʋaKanani dzakapararira. 19Muganho waʋaKanani wakataŋga paZidoni, ukaenda Gerari, ukaȿika Gaza, ukaenda Sodoma, neGomora, neAdama, neZiboimi, ukaȿika paRasha. 20Ndiʋo ʋanakomana ʋaHami, mhuri dzaʋo, nendimi dzaʋo, munyika dzaʋo, nendudzi dzaʋo.
21Naiye Shemi, ɓaɓa ʋaʋana ʋose ʋaEberi, mukuru waJafeti, wakaɓerekerwa ʋana. 22Ʋanakomana ʋaShemi ndiʋo: Erami, naAsheri, naArpakshadi, naRudi, naArami. 23Ʋanakomana ʋaArami ndiʋo: Uzi, naHuri, naGeteri, naMashi. 24Arpakshadi wakaɓereka Shera, Shera akaɓereka Eberi. 25Eberi akaɓerekerwa ʋanakomana ʋaʋiri, zita romumŋe rakaŋga riri Peregi, nokuti pamazuʋa ake nyika yakakamurwa; zita romunuŋuna wake rakaŋga riri Joktani. 26Joktani wakaɓereka Armodadi, naSherefi, naHazamarveti, naJera; 27naHadorami, naUsari, naDikra; 28naObari, naAbimaeri, naSheba; 29naOfiri, naHavira, naJobabi; aʋa ʋose ʋaiʋa ʋanakomana ʋaJoktani. 30Kwaʋakagara ndiko: Kubva paMesha, kuenda Sefari, kugomo rokumabvazuʋa. 31Ndiʋo ʋanakomana ʋaShemi, mhuri dzaʋo, nendimi dzaʋo, munyika dzaʋo, nendudzi dzaʋo.
32Ndidzo mhuri dzaʋanakomana ʋaNoa, nedzimba dzaʋo, nendudzi dzaʋo; kwaʋari kwakabva ndudzi dzose dzakapararira, shure kwemvura zhinji.

S'ha seleccionat:

Genesi 10: SUB1949

Subratllat

Comparteix

Copia

None

Vols que els teus subratllats es desin a tots els teus dispositius? Registra't o inicia sessió