Johani 13
13
Jesu anoshambidza tsoka dzavadzidzi vake
1Zvino mutambo wePasika usati wasvika, Jesu akaziva kuti nguva yake yasvika, kuti abve munyika ino, aende kuna baba, zvaakanga aida vanhu vake vaiva munyika, akavada kusvikira pakuguma.
2Zvino vakati voravira, Dhiabhori atoisa mumwoyo maJudhasi Isikarioti, mwanakomana waSimoni, kuti amupandukire; 3Jesu achiziva kuti baba vakamupa zvinhu zvose mumaoko ake, uye kuti akabva kuna Mwari, uye kuti anoenda kuna Mwari; 4akasimuka pakurayira, akabvisa nguo dzake, akatora mucheka, akazvisunga chiuno. 5Zvino akadira mvura mumudziyo, akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, akadzipukuta nomucheka, waakanga akazvisunga nawo. 6Akasvika kuna Simoni Petirosi, iye akati kwaari, “Ishe, imi moshambidza tsoka dzangu kanhi?”
7Jesu akapindura, akati kwaari, “Chandinoita hauchizivi zvino; asi uchazvinzwisisa pashure.”
8Petirosi akati kwaari, “Hamungatongoshambidzi tsoka dzangu nokusingaperi.” Jesu akamupindura, akati, “Kana ndisingakushambidzi, hauna mugove neni.”
9Simoni Petirosi akati kwaari, “Dzirege kuva tsoka dzangu dzoga, asi maoko angu nomusoro wanguo.”
10Jesu akati kwaari, “Akashambidzwa muviri wose, anofanira woga kuti ashambidzwe tsoka dzake, zvino wanaka kwazvo; imi makanaka, asi hamusi mose.” 11Nokuti akanga achiziva uyo aizomupandukira saka akati, “Hamuna kunaka mose.”
12Zvino akati ashambidza tsoka dzavo, akatora nguo dzake, akagarazve, akati kwavari, “Munoziva zvandakakuitirai here? 13Munondiidza Mudzidzisi, uye Ishe; munoreva zvakanaka, nokuti ndini iye. 14Zvino kana ini, Ishe noMudzidzisi, ndakashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.
15“Ndakakuratidzai makwara kuti muite imi sezvandakakuitirai ini. 16Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, Muranda haasi mukuru kuna ishe wake, uye wakatumwa mukuru kune akamutuma. 17Kana muchizviziva izvi, makaropafadzwa kana muchizviita.
18“Handirevi imi mose; ini ndinoziva avo vandakasanangura; asi kuti Rugwaro ruitike, runoti, ‘Anodya chingwa changu, akandisimudzira chitsitsinho chake.’ 19Kubva zvino ndinokuudzai zvisati zvaitika, kuti kana zvichiitwa, mugotenda kuti ndini. 20Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, anogamuchira wandinotuma, unogamuchireni, noanondigamuchira ini, anogamuchira akandituma.”
Jesu anovaudza kuti Judhasi achamupandukira
(Mateu 26:20-25; Mako 14:17-21; Ruka 22:21-23)
21Zvino Jesu akati areva kudaro, akamanikidzwa mumweya, akapupura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mumwe wenyu achandipandukira.”
22Vadzidzi vakatarirana, vasingazivi kuti wareva ani. 23Zvino mumwe wavadzidzi vake akanga akasendamira pachipfuva chaJesu, aidikanwa naJesu. 24Simoni Petirosi akamuninira, akati kwaari, “Tiudzei kuti ndianiko waanoreva.”
25Iye akavata pachipfuva chaJesu, akati kwaari, “Ishe, ndianiko?”
26Ipapo Jesu akapindura, akati, “Ndiye wandichapa chimedu, kana ndachiseva.” Zvino akati aseva chimedu, akachitora, akapa Judhasi, mwanakomana waSimoni Isikarioti. 27Iye akati agamuchira chimedu, Satani akapinda maari. Ipapo Jesu akati kwaari, “Zvaunoita, ita uchikurumidza.” 28Asi kwakanga kusina mumwe kuna vakanga vagere naye pakudya, akaziva kuti akareverei izvozvi kwaari. 29Vamwe vakanga vachiti, Judhasi zvaaigara ane chikwama, kuti Jesu akati kwaari, “Tenga zvatinoda pamutambo; kana kuti ape varombo chinhu.”
30Iye akati agamuchira chimedu, akabuda pakarepo; hwakanga huri usiku.
31Zvino akati abuda, Jesu akati, “Zvino Mwanakomana akudzwa maari; 32kana Mwari akudzwa maari, Mwari achamukudza iye maari, uchamukudza pakarepo. 33Vana vaduku, ndichiri nemi chinguva chiduku; muchanditsvaka, asi sezvandakareva kuvaJudha, ndichiti, ‘Pandinoenda, imi hamungauyipo, saizvozvo zvino ndinoreva kwamuriwo.’
34“Ndinokupai murayiro mutsva, wokuti mudane; sezvandakakudai imi, nemi mudanewo saizvozvo. 35Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana muno rudo pakati penyu.”
36Simoni Petirosi akati kwaari, “Ishe, munoendepiko?” Jesu akapindura, akati, “Kwandinoenda, haunganditeveri zvino; asi uchanditevera pashure.”
37Petirosi akati kwaari, “Ishe, handingakutevereyi zvino neiko? Ndichakufirai ini.”
38Jesu akapindura, akati, “Uchandifira here? Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, Jongwe haringariri, usati wandiramba katatu.
S'ha seleccionat:
Johani 13: SNA2002
Subratllat
Comparteix
Copia
Vols que els teus subratllats es desin a tots els teus dispositius? Registra't o inicia sessió
© Shona Union Version 2002