Johani 18
18
Kusungwa kwaJesu
(Mateu 26:47-56; Mako 14:43-50; Ruka 22:47-53)
1Jesu akati areva izvozvi, akabuda navadzidzi vake, akaenda mhiri kworukova runonzi Kedhironi, paiva nomunda, akapinda mauri, iye navadzidzi vake. 2Zvino Judhasi, akamupandukira, akanga achizivawo nzvimbo iyo; nokuti Jesu kazhinji waiunganapo navadzidzi vake. 3Naizvozvo Judhasi akatora boka ravarwi, navatariri, vaibva kuvapristi vakuru navaFarisi, akaendapo nemwenje namazhenje, nezvokurwa nazvo.
4Zvino Jesu, zvaakanga achiziva zvose zvaifanira kumuwira, akabuda, akati kwavari, “Munotsvaka aniko?”
5Vakamupindura, vakati, “Jesu weNazareta.” Jesu akati kwavari, “Ndini.” NaJudhasi, akamupandukira, akanga amirewo navo.
6Zvino akati areva kwavari, achiti, “Ndini,” vakasudurukira shure vakawira pasi. 7Zvino akavabvunzazve, achiti, “Munotsvaka aniko?” Vakati, “Jesu weNazareta.”
8Jesu akapindura, akati, “Ndakuudzai, kuti ndini. Kana muchinditsvaka ini, regai ava vaende;” 9kuti shoko, raakareva, riitike, rokuti, “Handina kurasikirwa nomumwe kuna ivavo vamakandipa.”
10Zvino Simoni Petirosi, akanga ano munondo, akauvhomora, akatema muranda womupristi mukuru, akamugura nzeve yorudyi. Zita romuranda uyo rainzi Marikosi.
11Zvino Jesu akati kuna Petirosi, “Dzorera munondo wako mumuhara; mukombe wandakapiwa nababa, handingaunwi here?”
Jesu anoiswa kuna Anasi
12Zvino boka ravarwi, nomukuru wechiuru chezana, navatariri vavaJudha vakabata Jesu, vakamusunga 13vakatanga kumuisa kuna Anasi; nokuti akanga ari tezvara waKaifasi, aiva mupristi mukuru gore iro.
14Zvino Kaifasi ndiye akanga apa vaJudha zano, kuti zviri nani kuti munhu mumwe afire vanhu vose.
Kuramba kwaPetirosi
(Mateu 26:59-66, 69-75; Mako 14:55-64, 66-72; Ruka 22:55-62, 66-71)
15Zvino Simoni Petirosi akanga achitevera Jesu, nomumwe mudzidziwo. Mudzidzi uyu aizikanwa nomupristi mukuru, akapinda naJesu muruvazhe rwomupristi mukuru. 16Asi Petirosi akanga amire panze pamusuo. Zvino uya mumwe mudzidzi, aizikanwa nomupristi mukuru, akabuda, akataura nomurindi womusuo, akapinza Petirosi. 17Zvino musikana, wairinda musuo, akati kuna Petirosi, “Newewo uri mumwe wavadzidzi vomunhu uyu here?” Akati, “Handisati.”
18Zvino varanda navatariri vakanga vamirepo, vambovesa moto wamazimbe, nokuti kwaitonhora; vakadziya moto. NaPetirosi akamirawo navo achidziya moto.
19Zvino mupristi mukuru akabvunza Jesu zvavadzidzi vake, nezvokudzidzisa kwake. 20Jesu akamupindura, akati, “Ndaitaura pachena kunyika; ndaidzidzisa nguva dzose mumasinagoge nomutemberi, panoungana vaJudha vose; handina kureva chinhu pakavanda.
21“Munondibvunzireiko ini? Bvunzai ava vainzwa zvandaitaura kwavari; tarirai, ava vanoziva zvandaireva.”
22Akati areva izvozvo, mumwe wavatariri, akanga amirepo, akarova Jesu noruoko, achiti, “Unopindura mupristi mukuru uchidaro nhai?”
23Jesu akamupindura, akati, “Kana ndareva zvakaipa, pupura kuti zvakaipa ndezvipi; kana ndareva zvakanaka, wagondirovereiko?”
24Zvino Anasi akamutumira akasungwa kuna Kaifasi, mupristi mukuru.
25Zvino Simoni Petirosi akanga amirepo, achidziya moto. Vakati kwaari, “Newewo uri mumwe wavadzidzi vake here?” Akaramba, akati, “Handisati.”
26Mumwe muranda womupristi mukuru, hama yowakanga agurwa nzeve naPetirosi, akati, “Ini handina kukuona unaye mumunda here?”
27Petirosi akarambazve. Pakarepo jongwe rikarira.
Jesu pamberi paPirato
(Mateu 27:1-2, 11-31; Mako 15:1-20; Ruka 23:1-5, 13-25)
28Zvino vakabva kuna Kaifasi, vakaenda naJesu kuimba yomubati; aiva mangwanani. Asi ivo havana kupinda mumba momubati, kuti varege kusvibiswa, kuti vagodya Pasika. 29Ipapo Pirato akabudira kwavari, akati, “Munoti, munhu uyu ane mhosva yeiko?”
30Vakapindura, vakati kwaari, “Dai munhu uyu asaiva mutadzi, tingadai tisina kumuisa kwamuri.”
31Zvino Pirato akati kwavari, “Chimutorai imi, mumutonge nomurayiro wenyu.” VaJudha vakati kwaari, “Hatina kutenderwa isu kuti tiuraye munhu;” 32kuti shoko raJesu raakareva riitike, achidudzira kufa kwaaifanira kufa nako.
33Zvino Pirato akapindazve mumba momubati, akadana Jesu, akati kwaari, “Ndiwe mambo wavaJudha here?”
34Jesu akapindura, akati, “Unozvireva izvi pachako here, kana wazviudzwa navamwe pamusoro pangu?”
35Pirato akapindura, akati, “Ini ndiri muJudha su? Rudzi rwako navapristi vakuru vakakuisa kwandiri; waiteiko?”
36Jesu akapindura akati, “Ushe hwangu hahusi hwenyika ino; dai ushe hwangu hwaiva hwenyika ino, varanda vangu vangadai vairwa, kuti ndirege kuiswa kuvaJudha; asi zvino ushe hwangu hahusi hwapano.”
37Ipapo Pirato akati kwaari, “Iwe uri mambo su?” Jesu akapindura akati, “Unoreva iwe kuti ndiri mambo. Ndakaberekerwa izvo, ndakauyira izvozvo panyika, kuti ndipupure chokwadi. Mumwe nomumwe wechokwadi anonzwa izwi rangu.”
38Pirato akati kwaari, “Chokwadi chinyiko?”
Akati areva izvozvi, akabudirazve kuvaJudha, akati kwavari, “Ini handiwani mhosva kwaari. 39Asi imi mune tsika kuti ndikusunungurirei mumwe nePasika; zvino munoda kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha here?”
40Ipapo vakadanidzira vose, vachiti, “Munhu uyu kwete, asi Bharabhasi!” Zvino Bharabhasi akanga ari gororo.
S'ha seleccionat:
Johani 18: SNA2002
Subratllat
Comparteix
Copia
Vols que els teus subratllats es desin a tots els teus dispositius? Registra't o inicia sessió
© Shona Union Version 2002