Johani 20
20
Kumuka kwaJesu
(Mateu 28:1-8; Mako 16:1-8; Ruka 24:1-12)
1Zvino nomusi wokutanga wevhiki Maria Magadharina akaenda kubwiro mangwanani kuchakasviba; akaona ibwe rabviswa pabwiro. 2Akamhanya, akaenda kuna Simoni Petirosi nokuno mumwe mudzidzi, aidikanwa naJesu, akati kwavari, “Vabvisa Ishe mubwiro, hatizivi pavakamuisa.” 3Zvino Petirosi akabuda nouya mumwe mudzidzi, vakaenda kubwiro.
4Vakamhanya vose vari vaviri; uya mumwe mudzidzi akamhanyisa akakunda Petirosi, akatanga kusvika pabwiro, 5akakotama achidongorera, akaona micheka iri pasi, asi haana kupinda.
6Zvino Simoni Petirosi akasvikawo, akapinda mubwiro, akaona micheka iri pasi; 7nomucheka muduku, wakanga uri mumusoro wake, usati uri kune mimwe micheka, asi wakapetwa uri pamwe woga. 8Zvino uye mumwe mudzidzi akapindawo, iye akatanga kusvika pabwiro, akaona, akatenda.
9Nokuti vakanga vachigere kunzwisisa Rugwaro, runoti anofanira kumuka kuvakafa. 10Zvino vadzidzi vakadzokerazve kumusha kwavo.
Jesu anozviratidza kuna Maria
(Mateu 28:9-10; Mako 16:9-11)
11Asi Maria akaramba amire kunze kwebwiro, achichema; zvino achichema, akakotama, akadongorera mubwiro.
12Akaona vatumwa vaviri, vane nguo chena, vagere mumwe kumusoro, mumwe kumakumbo, ipapo pakanga paiswa chitunha chaJesu. 13Ivo vakati kwaari, “Mai, munochemeiko?” Akati kwavari, “Nokuti vakabvisa Ishe wangu, zvino handizivi kwavakamuisa.”
14Zvino akati achireva izvozvo, akatendeukira shure, akaona Jesu amire; asi haana kuziva kuti ndiJesu. 15Jesu akati kwaari, “Mai, munochemeiko? Munotsvaka aniko?” Iye achiti ndiye murimi womunda, akati kwaari, “Ishe, kana muri imi mamubvisa, ndiudzei pamamuisa, ndindomutora.”
16Jesu akati kwaari, “Maria!” Iye akatendeuka, akati kwaari nechiHebheru, “Rabhoni;” ndokuti, “Mudzidzisi.”
17Jesu akati kwaari, “Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kuna baba vangu; asi enda kuhama dzangu, uti kwavari, ndinokwira kuna baba vangu nababa venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu.”
18Maria Magadharina akaenda, akaudza vadzidzi, achiti, “Ndaona Ishe,” uye kuti akanga audzwa zvinhu izvi naye.
Jesu anozviratidza kuvadzidzi, Tomasi asipo
(Mateu 28:16-20; Mako 16:14-18; Ruka 24:36-49)
19Zvino ava madeko pazuva iro rokutanga revhiki, misuo yapfigwa pavakanga vari vadzidzi nokutya vaJudha, Jesu akauya, akamira pakati pavo, akati kwavari, “Rugare kwamuri!”
20Zvino akati areva izvozvo, akavaratidza zvanza zvake norutivi rwake. Vadzidzi vakafara vachiona Ishe.
21Jesu akatizve kwavari, “Rugare kwamuri! Baba sezvavakandituma, neni ndinokutumaiwo.” 22Zvino akati areva izvozvo, akafemera kwavari, akati kwavari, “Gamuchirai Mweya Mutsvene. 23Avo, vanoregerera zvivi zvavo, varegererwa; avo, vamunobata zvivi zvavo, zvabatwa.”
Jesu anozviratidza kuvadzidzi Tomasi avapo
24Zvino Tomasi, ainzi Dhidhimo, mumwe wavane gumi navaviri, akanga asipo, pakuuya kwaJesu.
25Zvino vamwe vadzidzi vakati kwaari, “Taona Ishe.” Iye akati kwavari, “Kana ndikasaona mavanga embambo muzvanza zvake, nokuisa munwe wangu paiva nembambo, nokuisa ruoko rwangu murutivi rwake, handingatongotendi.”
26Zvino mazuva masere akati apfuurazve, vadzidzi vakanga varimo mukati, naTomasi anavo. Jesu akauya, misuo yapfigwa, akamira pakati pavo, akati, “Rugare kwamuri!” 27Ipapo akati kuna Tomasi, “Uya pano nomunwe wako, uone zvanza zvangu; uya noruoko rwako, uruise murutivi rwangu; usava usingatendi, asi unotenda.” 28Tomasi akapindura, akati kwaari, “Ishe wangu, naMwari wangu!”
29Jesu akati kwaari, “Watenda, nokuti wandiona? Vacharopafadzwa vanotenda, kunyange vasina kuona.”
30Zvino Jesu akaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pavadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iyi; 31asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiye Kristu Mwanakomana waMwari; uye kuti, muchitenda, muve noupenyu muzita rake.
S'ha seleccionat:
Johani 20: SNA2002
Subratllat
Comparteix
Copia
Vols que els teus subratllats es desin a tots els teus dispositius? Registra't o inicia sessió
© Shona Union Version 2002