Johani 10
10
Jesu Mufudzi wakanaka
1Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri, “Asingapindi napamusuo pedanga rehwai asi achikwira napamwe munhu iyeyo imbavha negororo. 2Asi anopinda napamusuo ndiye mufudzi wehwai. 3Muchengeti wapasuo guru, anomuzarurira musuo; uye hwai dzinonzwa izwi rake. Anodaidza hwai dzake namazita achidzitungamirira kunze. 4Kana achinge adziburitsa dzose panze, anodzitungamirira uye hwai dzinomutevera nokuti dzinoziva izwi rake. 5Mweni hadzimuteveri, asi dzinotomutiza nokuti hadzizivi izwi ravaenzi.”
6Jesu akavashandisira muenzaniso uyu, asi ivo havana kunzwisisa zvaaireva kwavari.
7Ipapo Jesu akatizve kwavari, ndinoti kwamuri,
“Idi chaizvo ini ndini musuo wehwai.
8Vose vakanditangira
dzaiva mbavha namakororo
asi hwai hadzina kuvateerera.
9Ini ndini musuo.
Anopinda napandiri achaponeswa;
achapinda nokubuda zvake achiwana mafuro.
10Mbavha inouya chete kuzoba,
nokuzouraya nokuparadza,
ini ndakauya kuti vanhu vawane upenyu,
uye kuti vawane upenyu huzere.
11Ini ndini mufudzi wakanaka
mufudzi wakanaka anofira hwai dzake.
12Muronzerwi, asiri mufudzi
uye asiri muridzi wehwai
akaona mhumhi ichiuya
anosiya hwai dziya achitiza,
mhumhi inobvuta hwai;
dzimwe dzigoti mwanda kupararira.
13Anotiza nokuti muronzerwi chete
uye haana hanya nehwai.
14Ini ndini mufudzi wakanaka
ndinoziva hwai dzangu
uye hwai dzangu dzinondizivawo
15sokundiziva kunoita Baba,
iniwo ndinoziva Baba,
ndokusaka ndichiparadza upenyu hwangu
kuitira hwai.
16Ndine dzimwe hwai
dzisiri dzedanga rino
ndinofanira kudziunzawo.
Idzo dzichanzwawo izwi rangu
saizvozvo kuchava nedanga rimwechete
nomufudzi mumwechete.
17Baba vanondida
pamusana pokuti ndinoparadza upenyu hwangu
kuti ndizougamuchirazve.
18Hapana anonditorera,
kuhuparadza kwandinoita kutoda kwangu zvangu.
Ndinesimba rokuhuparadza
uye ndinesimba rokuti ndive noupenyu zvakare.
Ndizvo zvandakaudzwa kuti ndiite nababa vangu.”
19Pakabva pamuka nharo pakati pavaJudha pamusana pamazwi aya. 20Vazhinji vavo vakati, “Ane mweya wakaipa uye anopenga sei muchimuteerera.” 21Vamwewo vakati, “Uku hakusi iko kutaura kwomunhu ane Mweya wakaipa. Mweya wakaipa ungazarure maziso ebofu here?”
V: ZUVA GURU ROKUCHENURWA KWETEMBERI
Jesu anorambwa navaJudha nokuti aizviti Mwanakomana waMwari
22Paiva pazuva rokurangarira zuva guru reChenura kuJerusaremu. Yaiva iri nguva yechando. 23Jesu aifamba zvake paTemberi muberere raSoromoni. 24Saka vaJudha vakamuunganira vakamuti, “Unoda kuti timirire kusvikira riniko? Kana uriwe Mesia tiudze pachena.” 25Jesu akavapindura achiti,
“Ndakakutaurirai asi hamutendi
mabasa andinoita muzita raBaba vangu anondipupurira.
26Asi imi hamutendi
nokuti hamusi hwai dzangu.
27Hwai dzangu dzinonzwa izwi rangu,
uye ndinodziziva uyewo dzinonditevera.
28Iniwo ndinodzipa upenyu husingaperi,
saizvozvo hadzimbofa dzakaparara.
Hakuna angadzibvute mumaoko mangu.
29Baba vangu vakadzipa kwandiri
vakuru kupinda ani zvake
uye hapana anogona kudzibvuta mumaoko aBaba.
30Ini naBaba tiri mumwechete.”
31VaJudha vakatorazve matombo kuti vamutake nawo. 32Jesu akavapindura achiti, “Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka anobva kuna Baba; amunonditakira ndaapi ipapa?” 33VaJudha vakamupindura vachiti, “Hatisi kukutakira basa rakanaka asi kushonha Mwari nokuti iwe uri munhu kudai asi uri kuzviita Mwari.” 34Jesu akavapindura achiti,
“Hazvina kunyorwa here mumutemo wenyu
zvichinzi, ‘Ndakati muri vanamwari.’
35Kana akavati ndavanamwari
vaya vakavingwa nezwi raMwari.
Saka Magwaro Matsvene haapikiswi.
36Zvino munoti uyo akaitwa mutsvene naBaba,
akatumwa pasi pano,
uri kushonha Mwari
nokuti ndati ndiri Mwanakomana waMwari.
37Kana ndisiri kuita mabasa aBaba vangu
regai zvenyu kunditenda.
38Asi kana ndichiaita
kunyange zvenyu musingatendi mandiri
tendai mabasa kuti muzive uye munzwisise
kuti Baba vari mandiri
uye kuti Ini ndiri muna Baba.”
39Vakaedzazve kumubata asi akapunyuka mumaoko avo.
40Akaendazve kumhiri kwaJorodhani paya paimboombekera Johani pakutanga, akambogarako. 41Vanhu vakawanda vakauya kwaari. Vakati, “Johani haana zvake kuita zvishamiso asi zvose zvakataurwa naJohani nezvomunhu uyu ndezvechokwadi.” 42Vazhinji vakabva vadavira maari ipapo.
S'ha seleccionat:
Johani 10: SCLBC
Subratllat
Comparteix
Copia
Vols que els teus subratllats es desin a tots els teus dispositius? Registra't o inicia sessió
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.