Johani 5
5
II: JESU ANOENDA KUMAZUVA MAKURU KECHIPIRI
Jesu anoporesa munhu padziva reBhetisaidha
1Mushure maizvozvi kwakaita zuva guru ravaJudha, Jesu akakwira kuJerusaremu. 2Zvino muJerusaremu mune dziva riri pedyo neSuwo guru reHwai rinonzi Bhetisaidha#5:2 Bhetisaidha Vamwe vanoti Bhetizata kana kuti Bhetesidha. muchiHebheru, rine maperere mashanu. 3Mumaperere imomo maiva navarwere; vaiti mapofu nemhetamakumbo navakafa mitezo#5:3 Vakafa mitezo: Mamwe mabhuku eBhaibhiri anopamhidzira mashoko okuti: Vachamirira kubvongodzwa kwemvura. . 5#5:5 5:4 Nokuti mutumwa waMwari pane dzimwe nguva aiburukira mudziva iroro achibvongodza mvura. Munhu ainge atanga kupindamo mushere mokubvongodzwa kwemvura aibva arapwa chirwere chipi nechipi chaainge anacho. Ipapo paiva nomumwe murume akarwara kwamakore makumi matatu ana masere. 6Jesu paakamuona akati rabada uye achiziva kuti akanga akadai#5:6 Akadai: Kudai kurwara kana kuti kupota achirara ipapo kwenguva ndefu. Kurwara kana kuti kupota achirara ipapo kwenguva ndefu. kwenguva ndefu, akamuti, “Unoda kuporeswa here?” 7Murwere akamupindura achiti, “Changamire ini handina anondiisawo mudziva kana mvura yabvongodzwa. Pandinenge ndoti ndichipindawo mumwe anobva anditangira.” 8Jesu akati kwaari, “Chisimuka utore rukukwe rwako ufambe.” 9Pakarepo munhu uya akabva aporeswa. Akatora rukukwe rwake akabva afamba.
Musi iwoyo wakanga uri musi weSabata. 10Ipapo vaJudha vakati kumunhu akanga aporeswa, “Nhasi iSabata, haubvumirwi kuti utakure rukukwe rwako.” 11Asi iye akavapindura achiti, “Munhu andiporesa ndiye andiudza kuti, ‘Tora rukukwe rwako ufambe.’ ” 12Vakamubvunza kuti, “Ndiani munhu iyeyo akutaurira kuti tora rukukwe rwako ufambe?” 13Asi munhu uya akaporeswa haana kuziva kuti ndiani nokuti Jesu akanga anyangarika sezvapanga paina manyoremanyore avanhu. 14Mushure mezvo Jesu akamuwana paTemberi akamuti, “Tarisa uone kuti wapora; usatadzezve kuti urege kuwirwa nezvakapinda izvi.” 15Murume uya akabva aenda akandotaurira vaJudha vaya kuti Jesu ndiye akanga amuporesa. 16Ndizvo zvakaita kuti vaJudha vaonese Jesu nhamo nokuti akaita zvinhu zvakadai nomusi weSabata. 17Asi Jesu akavapindura achiti, “Baba vangu vanoshanda nazvino neniwo ndinofanira kushanda.” 18Ndokusaka vaJudha vakatonyanya kuda kumuuraya nokuti haana kungotyora chete mutemo weSabata, asi kuti akatiwo Mwari ndiBaba vake pachake achizvienzanisa naMwari.
Ukuru hwaJesu
19Jesu akati kwavari,
“Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwamuri,
Mwanakomana haakwanisi kuita
chinhu nokwake pachake
asi kuita zvaanoona Baba vachiita
nokuti zvavanoita ndizvowo zvaanoita.
20Nokuti Baba vanoda Mwanakomana
uye vanomuratidza zvose
zvavanenge vachiitawo pachavo
uye vachamuratidza mabasa makuru
kupinda iwaya kuti mushamiswe.
21Nokuti sezvinongoita Baba
kumutsa vakafa vachivapa upenyu,
saizvozvo Mwanakomana anopawo
upenyu kune waanenge ada.
22Baba havatongi munhu,
asi vakapa kutonga kwose kumwanakomana
23kuti vose varemekedze mwanakomana
sokuremekedza kwavanoita Baba.
Asingaremekedzi Mwanakomana
haaremekedzi Baba vakamutuma.
24Zvirokwazvo Zvirokwazvo ndinoti kwamuri
anonzwa izwi rangu
uye achitenda akandituma
anoupenyu husingaperi haagadzwi dare;
asi atobva kurufu achienda kuupenyu.
25Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri
nguva iri kuuya uye yatosvika yokuti
vakafa vanzwe izwi roMwanakomana waMwari.
Avo vacharinzwa vachava vapenyu.
26Sezvo Baba vari dzinde roupenyu
saizvozvo vakaitawo kuti
Mwanakomana ave nedzinde roupenyu maari,
27vakamupa ukuru kuti atonge
nokuti ndiye Mwanakomana womunhu.
28Musashamisike nezvizvi
zvokuti nguva iri kuuya yokuti
vose vari mumakuva vachanzwa izwi rake vagobudamo.
29Vakaita zvakarurama vachimukira upenyu,
vanenge vakaita zvakaipa vachimukira kutongwa.
30Hapana chandinogona kuita nokwangu ndoga.
Sokunzwa kwandinenge ndaita kuna Baba
ndiwo matongero andinoita;
uye kutonga kwangu kwakarurama
nokuti handitsvaki kuita kuda kwangu,
asi kuda kwaiye akandituma.
Zvapupu zvaJesu
31Ndikazvipupurira,
kupupura kwangu hakusi kwechokwadi.
32Kune mumwe anondipupurira
uye ndinoziva kuti kundipupurira kwake ndekwechokwadi.
33Makatuma nhume kuna Johani akapupurira chokwadi.
34Zvisingarevi zvazvo kuti
ini ndinovimba nouchapupu hwomunhu.
Asi ndinotaura izvi kuti imi muponeswe.
35Akanga ari rambi rinopfuta uye rinopenya
imi mukafarira kuva muchiedza chake kwekanguva.
36Asi uchapupu hwandinahwo
hukuru kupinda hwaJohani
nokuti mabasa andakapiwa naBaba kuti ndiapedze,
mabasa iwayo andiri kuita
anondipupurira kuti Baba ndivo vakandituma.
37Ivowo Baba vakandituma vanondipupurira.
Izwi ravo hamusati mamborinzwa
chimiro chavo hamusati mambochiona.
38Uyewo izwi ravo harigari mamuri
nokuti hamudaviri uyo wavakatuma.
39Munotsvagatsvaga muMagwaro Matsvene
nokuti munofunga kuti
maari munowana upenyu husingaperi
Magwaro iwayo ndiwo anotondipupurira.
40Asi imi munoramba kuuya kwandiri
kuti muwane upenyu.
41Ini handitsvagi kuwana
mbiri inobva kuvanhu.
42Asi sokukuzivai kwandinoita,
rudo rwaMwari mamuri hamuna.
43Ndakauya ini muzita raBaba vangu
asi hamundigamuchiri
asi mumwewo akauya muzita rake
iyeyo ndiye wamunogamuchira.
44Mungatenda sei
imi munofarira kurumbidzana,
musingatsvaki mbiri inobva kuna Mwari mumwechete.
45Musafunge kuti ini
ndini ndichakupai mhosva panaBaba
asi Mosesi wamunovimba naye,
ndiye achakupai mhosva.
46Dai maidavira muna Mosesi maidavirawo mandiri
nokuti akanyora nezvangu.
47Zvino kana musingatendi
zvaakanyora mungatenda sei mashoko angu.”
S'ha seleccionat:
Johani 5: SCLBC
Subratllat
Comparteix
Copia
Vols que els teus subratllats es desin a tots els teus dispositius? Registra't o inicia sessió
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.