Ruka 21

21
Kamari kechirikadzi
(Mak 12:41–44)
1Akasimudza musoro akaona vapfumi vachiisa zvipo zvavo munzvimbo yaichengeterwa upfumi. 2Akaonawo chirikadzi yaiva murombo ichiisa tumari tuviri twekopa. 3Jesu akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri chirikadzi iyi murombo yaisa zvinopfuura vose nokuti ivo vaisa zvabva mune zvakawanda zvavainazvo. 4Asi iyo nourombo hwayo, yaisa zvose zvainorarama nazvo.”
Kuparadzwa kuchaitwa Temberi
(Mat 24:1–2; Mak 13:1–2)
5Vamwe pavaitaura nezveTemberi kuti yakashongedzwa zvakadii namatombo akakosha nezvipo, Jesu akati, 6“Zvamuri kuona izvi, mazuva ari kuuya hapazosara dombo riri pamusoro perimwe, risingazokoromotserwa pasi.”
Nhamo nokutambudzwa
(Mat 24:3–14; Mak 13:3–13)
7Vakamubvunza kuti, “Nhai mudzidzisi izvi zvichaitika rinhi uye kuti chiratidzo chokuti zvava kuda kuitika chichava chipi?” 8Iye akati, “Chenjerai kuti murege kurasikiswa nokuti kuna vazhinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ini ndini iye.’ Uye vachati, ‘Nguva yasvika.’ Imi musavatevere. 9Kana monzwa zvehondo namanyongori, musatye nokuti izvi zvinofanira kutanga zvaitika asi kuguma hakubva kwangova pakare pakarepo.”
10Akazoti kwavari, “Rudzi ruchamukirana norumwe rudzi noumambo huchamukirana nohumwe umambo. 11Kuchava nokundengendeka kwapasi kukuru, munzvimbo dzakasiya–siyana muchava nedzinzara nezvirwere, kuchava nezvinotyisa nezviratidzo zvikuru zvichibva kudenga. 12Asi izvi zvose zvisati zvaitika vachakusungai vachikutambudzai vachakuturirai kumasinagogu nokukuisai mumajeri. Muchaunzwa pamberi pamadzimambo namagavhuna nokuda kwezita rangu. 13Iyi inenge iri nguva yokupa kwenyu umbowo. 14Nokudaro nyatsozvibatisisai mumwoyo menyu kuti musafunge kuti tichapindura sei. 15Ndichakupai unyanzvi hokutaura noungwaru zvokuti hapana kana mhandu yenyu ichazokwanisana nemi kana kupokana nemi. 16Muchakwidzwa matare kunyange navabereki venyu kana navakoma navanun'una nehama neshamwari. Vachauraya vamwe venyu. 17Muchavengwa navose pamusana pezita rangu. 18Asi hapana kana ruvhudzi rwomusoro wenyu ruchatsakatika. 19Kutsungirira kwenyu kuchakuwanirai upenyu hwenyu.
Kuparadzwa kweJerusaremu
(Mat 24:15–21; Mak 13:14–19)
20“Kana moona Jerusaremu yakomberedzwa nehondo. Ibvai maziva kuti kuparadzwa kwayo kwava pedyo. Vanenge vari muJudhea ngavatizire kumakomo. Vanenge vari muguta ngavabvemo. 21Vanenge vari kunze kumaruwa ngavarege kupinda mariri 22nokuti iwaya anenge ari mazuva okutsividza kuzadzisa zvose zvakanyorwa. 23Hameno zvavo vanenge vakazvitakura navavo vanenge vachiyamwisa pamazuva iwayo nokuti pachava nenhamo huru panyika nokurangwa kwavanhu ava. 24Vachaparadzwa nehondo yebakatwa vachitapwa mukati memarudzi ose. Jerusaremu ichatsokodzerwa nevechirudzi; kusvikira nguva yevechirudzi yazadziswa.
Kuuya kwoMwanakomana womunhu
(Mat 24:29–31; Mak 13:24–27)
25“Kuchava nezviratidzo kuzuva nokumwedzi nokunyenyedzi. Panyika pachava nokutambura kwamarudzi; vachashaiswa mazano nokutinhira kwegungwa namasaisai. 26Vanhu zvichavapedza simba nokutya nokufunga zvichavawira panyika nokuti masimba omudenga achazungunutswa. 27Ndipo pavachaona Mwanakomana womunhu achiuya ari mumakore aine simba nembiri huru. 28Zvino kana izvozvo zvoitika, tarirai kudenga musimudze musoro nokuti kununurwa kwenyu kunenge kwava pedyo.”
Muenzaniso womuonde
(Mat 24:32–35; Mak 13:28–31)
29Akavataurira mumwe muenzaniso achiti, “Tarisai muonde nemiti yose 30kana yopfumvudza munobva mangozvionera uye munobva maziva kuti zhizha ravakusvika. 31Naizvozvo kana moona zvinhu izvi zvavakuitika, munobva maziva kuti umambo hwaMwari hwava pedyo. 32Zviro kwazvo ndinoti kwamuri chizvarwa ichi hachimbopfuura kusvika zvose izvi zvaitika. 33Denga napasi zvichapera asi mashoko angu haaperi.
Kurindira
34“Zvingwarirei kuti musaodzwe mwoyo noupenyu husina paho nokuraradza nokuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu huno, zuva iroro richizoyerekana rakusvikirai 35seriva nokuti richasvikira munhu wose anogara pamusoro payo nyika yose. 36Ngwarirai nguva dzose muchinamata kuti muwane simba rokupunyuka zvose izvi zvichaitika uye kuti mukwanise kuzomira pamberi peMwanakomana womunhu.”
37Mazuva ose, Jesu aidzidzisa muTemberi asi usiku aienda wondorara kugomo rinonzi Orivheti. 38Mangwanani vanhu vose vaizouya kwaari muTemberi kuti vamunzwe.

S'ha seleccionat:

Ruka 21: SCLBC

Subratllat

Comparteix

Copia

None

Vols que els teus subratllats es desin a tots els teus dispositius? Registra't o inicia sessió