Genesi 15

15
Jehovha anoita sungano naAbhuramu
1Shure kwaizvozvo shoko raJehovha rakasvika kuna Abhuramu pane zvaakaratidzwa, richiti, “Usatya Abhuramu; ini ndiri nhoo yako nomubairo wako mukurukuru.”
2Abhuramu akati, “Ishe Jehovha, muchandipeiko, zvondofa hangu ndisina mwana; uchava mudyi wenhaka yeimba yangu ndiEriezeri weDhamasiko kani?” 3Abhuramu akati, “Tarirai, hamuna kundipa mwana; zvino uyo wakaponerwa mumba mangu ndiye achava mudyi wenhaka yangu.”
4Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwaari rikati, “Uyu haangavi mudyi wenhaka yako; asi uyo, achabuda paura hwako, ndiye achava mudyi wenhaka yako.” 5Akamubudisa panze akati, “Zvino tarira kudenga, uverenge nyenyedzi, kana uchigona kudziverenga.” Akati kwaari, “Ndizvo zvichaita vana vako.”
6Iye akatenda Jehovha, akamuti ndiko kururama kwake.
7Akati kwaari, “Ndini Jehovha akakubudisa panyika yeUri yavaKaradhia, kuti ndikupe nyika iyi, ive nhaka yako.”
8Iye akati, “Ishe Jehovha, ndichaziva seiko kuti ichava nhaka yangu?”
9Akati kwaari, “Nditorere tsiru rina makore matatu, nesheche yembudzi ina makore matatu, nehondohwe ina makore matatu, nenjiva, namwana wenjiva.” 10Akandomutorera izvozvo zvose, akazvipamura napakati, akagadzika rumwe rutivi rwakatarisana norumwe; asi shiri haana kudzipamura. 11Ipapo magora akaburukira kunyama, asi Abhuramu wakaadzinga.
12Zvino zuva rakati rovira, Abhuramu ndokubatwa nehope huru; akawirwa nokutya kwakabva parima guru. 13Mwari akati kuna Abhuramu, “Uzive kwazvo kuti vana vako vachava vatorwa munyika isati iri yavo, vachava varanda vavo, vachatambudzwa makore ana mazana mana; 14asi ini ndichatonga rudzi urwo rwavachashumira, pashure vachabudapo nepfuma zhinji. 15Asi iwe uchaenda kuna madzibaba ako norugare; uchavigwa wakwegura kwazvo. 16Rudzi rwechina ruchadzokera pano, nokuti kusarurama kwaVaAmori kuchigere kuzara.”
17Zvino zuva rakati ravira, kwasviba, choto chinopfungaira nezhenje romoto zvakaonekwa zvichipfuura napakati penhindi idzodzo dzenyama. 18Nomusi iwoyo Jehovha akaita sungano naAbhuramu, akati, “Vana vako ndavapa nyika iyi, kubva parwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, runonzi Yufuretesi. 19VaKeni, navaKenizi, navaKadhimoni, 20navaHeti, navaPerezi, navaRefaimi, 21naVaAmori, naVaKenani, naVaGirigashi, naVaJebhusi.”

S'ha seleccionat:

Genesi 15: SUB

Subratllat

Comparteix

Copia

None

Vols que els teus subratllats es desin a tots els teus dispositius? Registra't o inicia sessió