Genesi 20
20
Abhurahamu munyika yeGerari, anoti Sara haazi mukadzi wake
1Zvino Abhurahamu wakabvapo, akaenda kunyika yenyasi, akandogara pakati peKadheshi neShuru; akava mutorwa muGerari. 2Abhurahamu akati pamusoro paSara, mukadzi wake, “Ihanzvadzi yangu.” Abhimereki, mambo weGerari, akatuma vanhu kundotora Sara. 3Asi Mwari akauya kuna Abhimereki usiku pakurota, akati kwaari, “Tarira, uchafa nokuda kwomukadzi wawatora; nokuti mukadzi uyu ane murume.”
4Zvino Abhimereki wakanga asina kuswedera kwaari; akati, “Ishe, muchauraya norudzi rwakaruramawo here? 5Ko iye haana kundiudza here, achiti, ihanzvadzi yangu; naiye mukadzi haana kuti, ihanzvadzi yangu, here? Ndakaita izvozvo nomwoyo wakarurama, namaoko akachena.” 6Mwari akati kwaari pakurota, “Hongu, ndinoziva kuti wakaita chinhu ichi nomwoyo wakarurama, ndikakudzivisawo kuti urege kunditadzira; naizvozvo handina kukutendera kumubata. 7Saka zvino dzosa mukadzi womurume uyu, nokuti muporofita; iye achakunyengeterera, kuti urarame; kana ukasamudzosa, uzive kuti uchafa zvirokwazvo, iwe navose vari vako.”
8Abhimereki akamuka mangwanani, akadana varanda vake vose, akavaudza izvozvo zvose munzeve dzavo; varume vakavhunduka kwazvo. 9Ipapo Abhimereki akadana Abhurahamu akati kwaari, “Chiiko chinhu ichi chawatiitira? Ini ndakutadzireiko, zvawauyisa mhosva huru pamusoro pangu napamusoro poushe hwangu?” 10Abhimereki akati kuna Abhurahamu, “Wanga uchiti kudiniko, zvawaita chinhu ichi?”
11Abhurahamu akati, “Nokuti ndakati, ‘Zvirokwazvo havatyi Mwari panzvimbo ino; zvimwe vachandiuraya pamusoro pomukadzi wangu.’ 12Uye, zvirokwazvo ihanzvadzi yangu, mukunda wababa vangu, asi haazi mwana wamai vangu; akazowanikwa neni. 13Zvino Mwari wakati achindibudisa paimba yababa vangu, kuti ndidzungaire, ndikati kwaari, ‘Hechi chinhu chakanaka chaunofanira kundiitira. Pose patinosvika, uti pamusoro pangu, ihanzvadzi yangu.’ ”
14Abhimereki akatora makwai, nemombe, navaranda, navarandakadzi, akapa Abhurahamu izvozvo, akamudzoserawo Sara, mukadzi wake. 15Abhimereki akati, “Tarira, nyika yangu iri pamberi pako; gara hako paunoda.” 16Akati kuna Sara, “Tarira, ndapa hanzvadzi yako mashekeri esirivha ane chiuru chezana; chichava chifukidziro chameso ako kuna vose vaunavo; waruramiswa pamberi pavose.”
17Abhurahamu akanyengetera kuna Mwari, Mwari akaporesa Abhimereki, nomukadzi wake, navarandakadzi vake, vakabereka vana. 18Nokuti Jehovha akanga azarira zvizvaro zvose zveveimba yaAbhimereki nokuda kwaSara, mukadzi waAbhurahamu.
S'ha seleccionat:
Genesi 20: SUB
Subratllat
Comparteix
Copia
Vols que els teus subratllats es desin a tots els teus dispositius? Registra't o inicia sessió
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.