Ruka 22
22
ƲaJuda ʋanoraŋgana kuʋuraya Jesu.
(Mat 26:1–5; Mar 14:1, 2)
1Ɀino mutambo weɀiŋgwa ɀisinembiriso, unonzi paseka, wakasweɗera. 2Ʋaprista ʋakuru naʋanyori ʋakatȿaka kuti ʋaŋgamuʋuraya sei; nokuti ʋakaŋga ʋacitya ʋanhu.
Judasi Iskarioti unotȿaka kuteŋgesa Jesu.
(Mat 26:14–16; Mar 14:10, 11)
3Ɀino Satani wakapinda kunaJudasi wainzi Iskarioti, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri. 4Akaenda, akandoraŋgana naʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋetembere, kuti uŋgamuisa kwaʋari sei. 5Ʋakafara, ʋakatenderana naye ʋose kuti ʋamupe mari. 6Akatenda, akatȿaka ŋguʋa yokumuisa nayo kwaʋari pasinaʋanhu ʋazhinji.
Paseka neCirayiro.
(Mat 26:17–30; Mar 14:12–26)
7Ɀino zuʋa reɀiŋgwa ɀisinembiriso rakati raȿika, rakafanira kuɓayirwa paseka naro, 8akatuma Petro naJohane, aciti: Endai, mundotigadzirira paseka, kuti tidye. 9Ʋakati kwaari: Munoɗa kuti tigadzirirepiko? 10Akati kwaʋari: Tarirai, kana mapinda muguta, mucasoŋgana nomunhu akatakura ciroŋgo cemvura; mumuteʋere iye kumba kwanoenda; 11muti kumŋene weimba: Mudzidzisi unoti kwauri: Imba yaʋaeni iripiko, mandiŋgadyira paseka naʋadzidzi ʋaŋgu? 12Ucakuratidzai imba huru iri kumsoro, yakaroŋgedzwa; gadzirai ipapo. 13Ʋakaenda, ʋakandowana seɀaakaŋga aʋaʋudza; ʋakagadzira paseka.
14Ɀino ŋguʋa yakati yaȿika, akagara pakudya naʋaapostora. 15Akati kwaʋari: Ndakaŋga ndiciɗa ɀikuru kudya paseka iyi nemi ndisati ndatambudzika. 16Nokuti ndinoti kwamuri: Handicazoidyi, kuȿikira yaitika muʋushe bgaMŋari. 17Ɀino akatora mukombe; akaʋoŋga, akati: Torai ici, mugoʋane pakati penyu. 18Nokuti ndinoti kwamuri: Kubva ɀino handicatoŋgonwi ɀe ɀiɓereko ɀomuzambiriŋga, kuȿikira ʋushe bgaMŋari bgaȿika. 19Akatora ciŋgwa, akaʋoŋga, akameɗura, akaʋapa, aciti: Ici muʋiri waŋgu, unopiwemi; itai iɀi, mugondiraŋgarira. 20Nokuɗaro ʋo, ʋapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu isuŋgano itȿa muropa raŋgu, rinoteʋurirwemi. 21Asi tarirai, ruʋoko rwaiye, unondipandukira, runeni patafura. 22Nokuti Mŋanakomana womunhu unoenda hake, seɀaɀakatemŋa; asi unenhamo munhu uyo waanopandukirwa naye. 23Ipapo ʋakataŋga kubvunzana kuti ndianiko kwaʋari uŋgaita cinhu ico.
Mukuru ndiani.
(Mat 20:25–28; Mar 10:42–45)
24Ɀino nharo dzakamuka pakati paʋo kuti ndiani kwaʋari ucanzi mukuru. 25Akati kwaʋari: Madzimambo aʋahedeni anesimba pamsoro paʋo, naʋaɓati ʋaʋo ʋanonzi ʋaɓatsiri. 26Ɀino imi musaɗaro, asi mukuru kwamuri ŋgaaʋe somuɗuku, nomutuŋgamiri sounoshumira. 27Nokuti ndianiko mukuru, ugere pakudya, kana unomushumira? Haazi iye ugere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu sounoshumira. 28Ɀino imi ndimi makagara neni pamiidzo yaŋgu. 29Ndinokugarisai nhaka yoʋushe saƂaɓa ʋaŋgu ʋakandigarisa nhaka, 30kuti mugodya nokunwa patafura raŋgu muʋushe bgaŋgu; mucagara paɀigaro ɀoʋushe, mucitoŋga marudzi anegumi namaʋiri aʋaIsraeri.
Jesu unoʋudza Petro kuti ucamuramba.
(Mat 26:31–35; Mar 14:27–31; Joh 13:36–38)
31Simoni! Simoni! tarira Satani wakakumbira kuti akuzuŋgurei imi seɀiyo; 32asi ini ndakakukumbirira iwe, kuti kutenda kwako kurege kupera; iwe kana watendeʋuka, usimbise hama dzako. 33Akati kwaari: Ishe, ndakaɀigadzirira kuenda nemi mutoroŋgo, kunyaŋge kurufu. 34Akati: Petro, ndinoti kwauri: Nhasi, joŋgwe risati rarira, ucaramba katatu uciti haundiziʋi.
35Ɀino akati kwaʋari: Musi wandakakutumai, musinecikwama nehomboɗo neshaŋgu, makashaiwa cinhu here? Ʋakati: Hakuna. 36Akati kwaʋari: Asi ɀino, unecikwama, ŋgaacitore, nokuɗaro ʋo unehomboɗo; usinomunondo, ŋgaateŋgese ŋguʋo yake, auteŋge. 37Nokuti ndinoti kwamuri, kuti iɀi ɀakanyorwa ɀinofanira kuitika kwandiri, ɀinoti: Wakaʋereŋgwa pamŋe cete naʋaɗariki ʋomurairo; nokuti iɀo ɀakanyorwa pamsoro paŋgu ɀoitika. 38Ipapo ʋakati: Ishe, tarirai, heyi minondo miʋiri. Akati kwaʋari: Ɀariŋgana.
Jesu muGetsemani.
(Mat 26:36–46; Mar 14:32–42)
39Ɀino wakaɓuɗa, akaenda kugomo reMiorivi, seɀaaisiita; naʋadzidzi ʋake ʋakamuteʋera. 40Wakati aȿika panɀimbo iyo, akati kwaʋari: Nyeŋgeterai kuti murege kupinda pakuidzwa. 41Akaparadzana naʋo, cinhambo ciŋgaȿika ibge, kana rikaposherwa; akafugama, akanyeŋgetera, 42aciti: Ƃaɓa, kana muciɗa, bvisai mukombe uyu kwandiri! Asi kuɗa kwaŋgu kurege kuitwa, asi kwenyu. 43Ipapo mutumŋa akaʋonekwa naye, wakabva kuɗeŋga, akamusimbisa. 44Ɀino, ari pakutambudzika kukuru, wakanyanya kunyeŋgetera; ziya rake rikaita samaɗonhwe eropa, akaɗonhera pasi. 45Akasimuka pakunyeŋgetera, akaenda kuʋadzidzi, akaʋawana ʋaʋata neshuŋgu dzomŋoyo. 46Akati kwaʋari: Maʋatireiko? Mukai, munyeŋgetere, kuti murege kupinda pakuidzwa.
Kusuŋgwa kwaJesu.
(Mat 26:47–56; Mar 14:43–50; Joh 18:1–11)
47Wakati acataura, tarira, ʋanhu ʋazhinji, naiye wainzi Judasi, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, akaʋatuŋgamirira; akasweɗera kunaJesu, kuti amuȿete. 48Jesu akati kwaari: Judasi, unopandukira Mŋanakomana womunhu nokuȿeta here? 49Ɀino ʋaiʋa naye ʋakati ʋaciʋona ɀicaitika, ʋakati: Ishe, totema neminondo here? 50Ipapo mumŋe waʋo akatema muranda womuprista mukuru, akamugura nzeʋe yorudyi. 51Jesu akapindura, akati: Regai, ɀariŋgana. Akaɓata nzeʋe yake, akamuporesa. 52Ɀino Jesu akati kuʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋetembere, naʋakuru ʋakaŋga ʋaʋuya kwaari kumuɓata: Maɓuɗa neminondo netȿimbo sokugororo here? 53Ndaiʋa nemi mutembere mazuʋa ose mukasandiɓata; asi ɀino iŋguʋa yenyu nesimba rerima.
Kuramba kwaPetro.
(Mat 26:69–75; Mar 14:66–72; Joh 18:16–18, 25–27)
54Ɀino ʋakamuɓata, ʋakaenda naye, ʋakandomuisa kumba kwomuprista mukuru. Petro akateʋera ari kure. 55Ʋakati ʋaʋesa mŋoto pakati poruʋazhe, ʋakagara pasi pamŋe cete, naPetro akagara pakati paʋo. 56Ɀino mumŋe mushandiri wakati acimuʋona agere muciedza comŋoto, akamutarisisa, akati: Noyuyu ʋo wakaŋga anaye. 57Asi iye wakaramba, aciti: Iwe mukadzi, handimuziʋi. 58Garegare, mumŋe ɀe akamuʋona, akati: Iwe uri mumŋe waʋo. Petro akati: Iwe munhu, handizati. 59Ŋguʋa ineŋge seimŋe yakati yapfuʋura, mumŋe ɀe akasimbisa, aciti: Ɀirokwaɀo, uyu wakaŋga anaye ʋo; nokuti muGarirea. 60Petro akati: Iwe munhu, handiziʋi ɀaunoreʋa! Pakarepo, acataura, joŋgwe rikarira. 61Ipapo Ishe akatendeʋuka, akatarira Petro. Petro akaraŋgarira shoko raShe, raakaŋga amuʋudza, aciti: Joŋgwe risati rarira nhasi, ucandiramba katatu. 62Akaɓuɗa, akacema ɀikuru.
63Ʋarume ʋo ʋakaŋga ʋaɓata Jesu, ʋakamuseka, nokumuroʋa. 64Ʋakafukidzira meso ake, ʋakamubvunza, ʋaciti: Profita kuti ndiani wakuroʋa. 65Neɀimŋe ɀizhinji ʋakareʋa kwaari, ʋacimutuka.
Jesu pamberi paʋaprista ʋakuru naʋakuru.
(Mat 26:57–68; Mar 14:53–65; Joh 18:12–24)
66Ɀino kwakati kwaedza, ʋakuru ʋaʋanhu naʋaprista ʋakuru naʋanyori ʋakaʋuŋgana, ʋakamuisa kumakurukota aʋo, 67ʋaciti: Kana uri Kristu, utiʋudze. Iye akati kwaʋari: Kana ndikakuʋudzai, hamuŋgatendi. 68Kana ndikakubvunzai, hamuŋgandipinduri. 69Asi kubva ɀino Mŋanakomana womunhu ucagara kurudyi rwesimba raMŋari. 70Ipapo ʋose ʋakati: Uri Mŋanakomana waMŋari kanhi? Akati kwaʋari: Mareʋa kuti ndini iye. 71Iʋo ʋakati: Ticatȿakireiko capupu? Nokuti taɀinzwira timene pamuromo wake.
Dewis Presennol:
Ruka 22: SUB1949
Uwcholeuo
Rhanna
Copi
Eisiau i'th uchafbwyntiau gael eu cadw ar draws dy holl ddyfeisiau? Cofrestra neu mewngofnoda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: