Genesi 2

2
1Ƌeŋga nenyika ɀikapera saiɀoɀo, noʋuzhinji bgaɀo. 2Mŋari akapedza ɓasa rake raakaita nomusi wecinomŋe; akazorora nomusi wecinomŋe paɓasa rake rose raakaita. 3Mŋari akaropafadza musi wecinomŋe, akauita mutȿene; nokuti wakazorora nawo paɓasa rake rose, raakaŋga asika nokuita iye Mŋari.
Kusikwa kwaʋanhu ʋokutaŋga nokuiswa kwaʋo muEdeni.
4Ndiko kuʋamba kweɗeŋga nenyika, musi waɀakasikwa: Nezuʋa irero Jehova Mŋari raakasika naro nyika neɗeŋga, 5makwenzi esaŋgo akaŋga acigere kuʋa’po panyika, nemiriʋo yesaŋgo yakaŋga icigere kumera; nokuti Jehova Mŋari wakaŋga asati anisa mvura panyika, ʋuye kwakaŋga kusinomunhu kuzorima pasi; 6asi mhute yaisikwira icibva panyika icinyoroʋesa nyika yose. 7Jehova Mŋari akaʋumba munhu neguruʋa revu, akafuridzira mŋeya woʋupenyu mumhino dzake; munhu akaʋa mŋeya mupenyu. 8Jehova Mŋari akasima munda muEdeni, kumabvazuʋa, akaisa’po munhu waakaŋga aʋumba. 9Jehova Mŋari akameresa pasi miti yose inofadza meso, neyakanaka kudya; ʋuye muti woʋupenyu pakati pomunda, nomuti wokuziʋa ɀakanaka neɀakaipa. 10MuEdeni mukaɓuɗa rwizi kuzoɗiridza munda uyo, rukaparadzana ipapo, dzikaita hoʋa inna. 11Zita rorwokutaŋga ndiPishoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeHavira, panendarama ipapo; 12ndarama yenyika iyeyo yakanaka; ʋuye ʋo panederiumu nebge reoniksi. 13Zita rorwizi rwecipiri ndiGihoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeKushi. 14Zita rorwizi rwecitatu ndiHidekeri; ndirwo runoyerera kumabvazuʋa kweAsiria. Rwizi rwecinna ndiYufratesi. 15Jehova Mŋari akatora munhu, akamuisa mumunda weEdeni, kuti aurime nokuuceŋgeta. 16Jehova Mŋari akaraira munhu, aciti: Uŋgadya hako miti yose yomunda; 17asi muti wokuziʋa ɀakanaka neɀakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, ucafa ɀirokwaɀo.
18Jehova Mŋari akati ɀe. Haɀina‐kunaka kuti munhu agare ari woga; ndicamuitira muɓatsiri wakamukwanira. 19Jehova Mŋari akaʋumba nevu mhuka dzose dzesaŋgo, neshiri dzose dzeɗeŋga, akadziisa kumunhu kuti aʋone kuti ucadzitumidza mazita api; ɀipenyu ɀose seɀaɀakatumidzwa nomunhu, ndiwo akaʋa mazita aɀo. 20Munhu akatumidza ɀipfuwo ɀose mazita, neshiri dzeɗeŋga, nemhuka dzose dzesaŋgo; asi kwakashaikwa muɓatsiri wakamukwanira iye munhu. 21Ipapo Jehova Mŋari wakaʋatisa munhu hope huru, akaʋata; akatora rumbabvu rwake rumŋe, akadziʋira nyama panɀimbo yarwo. 22Norumbabvu urwo Jehova Mŋari rwaakatora pamunhu, akaita mukadzi narwo, akamuisa kumunhu. 23Munhu akati: Ɀino uyu ifupa ramafupa aŋgu, nenyama yenyama yaŋgu; ucatumidzwa Mukadzi, nokuti wakabviswa paMurume. 24Naiɀoɀo munhu unofanira kusiya ɓaɓa ʋake namai ʋake, anamatire mukadzi wake, ʋaʋe nyama imŋe. 25Ʋose ʋari ʋaʋiri ʋakaŋga ʋasina‐kusimira, munhu nomukadzi wake, asi haʋana‐kunyara.

Valgt i Øjeblikket:

Genesi 2: SUB1949

Markering

Del

Kopiér

None

Vil du have dine markeringer gemt på tværs af alle dine enheder? Tilmeld dig eller log ind