Logo de YouVersion
Ícono Búsqueda

Genesi 7

7
Noa nemhuri yake ʋanopinda muareka.
1Ɀino Jehova wakati kunaNoa: Pindai muareka, iwe nemhuri yako yose; nokuti ndakuʋona iwe kuti wakarurama pamberi paŋgu parudzi urwu. 2Pamhuka dzose dzakanaka utore nomŋe‐nomŋe, mukono nehadzi yayo; napamhuka dzose dzisakanaka utore mbiri‐mbiri, mukono nehadzi yayo; 3napashiri dzeɗeŋga utore nomŋe‐nomŋe, joŋgwe nemhambo, kuti uraramise marudzi ose ari panyika. 4Nokuti kwasara mazuʋa manomŋe, ipapo ndicanisa mvura panyika mazuʋa anamakumi manna noʋusiku ʋunamakumi manna; ɀipenyu ɀose ɀandakaita ndicaɀiparadza panyika; 5Noa akaita ɀose seɀaakarairwa naJehova.
6Noa wakaŋga aʋa namakore anamazana matanhatu paŋguʋa yokuʋuya kwemvura zhinji panyika. 7Ipapo Noa wakapinda muareka, naʋanakomana ʋake, nomukadzi wake, naʋakadzi ʋaʋanakomana ʋake, nokuɗa kwemvura zhinji. 8Pamhuka dzakanaka, napamhuka dzisakanaka, neshiri, neɀose ɀinokambaira panyika, 9ɀakapinda kunaNoa muareka ɀiʋiri‐ɀiʋiri, mukono nehadzi, Mŋari seɀaakaraira Noa. 10Mazuʋa manomŋe akati apfuʋura, mvura zhinji ikaʋa’po panyika. 11Pagore ramazana matanhatu roʋupenyu bgaNoa, nomŋedzi wecipiri, nezuʋa regumi namanomŋe romŋedzi, nezuʋa irero matsime ose apakadzika‐dzika akadziʋurwa, namawindi eɗeŋga akazarurwa; 12mvura zhinji ikanaya panyika mazuʋa anamakumi manna noʋusiku ʋunamakumi manna. 13Nomusi iwoyo Noa wakapinda muareka, naShemi, naHami, naJafeti, ʋanakomana ʋaNoa, nomukadzi waNoa, naʋakadzi ʋatatu ʋaʋanakomana ʋake pamŋe cete naye; 14iʋo, nemhuka dzose namarudzi adzo, neɀipfuwo ɀose namarudzi aɀo, neɀinokambaira ɀose ɀinokambaira panyika namarudzi aɀo, neɀinobururuka ɀose namarudzi aɀo, neshiri dzose dzamarudzi ose. 15Ɀakapinda kunaNoa muareka, ɀiʋiri‐ɀiʋiri ɀeɀipenyu ɀose ɀinomŋeya woʋupenyu. 16Ɀose, ɀakapinda, ɀakapinda ɀiciita mukono nehadzi, ɀose ɀipenyu, seɀaakarairwa naMŋari, Jehova akamuzaririra mukati. 17Mvura zhinji ikaʋa’po panyika mazuʋa anamakumi manna; mvura ikawanda, ikasimudza areka, ikakwiridzirwa pamsoro penyika. 18Mvura ikakwirira, ikawanda kwaɀo panyika, areka ikafamba pamsoro pemvura. 19Mvura ikakwirira kwaɀo‐kwaɀo panyika, makomo marefu ose pasi peɗeŋga rose akafukidzwa. 20Mvura ikakwirira kuȿikira pamakubiti anegumi namashanu pamsoro pawo; makomo akafukidzwa. 21Ɀipenyu ɀose ɀaifamba panyika ɀikafa, ɀaiti, shiri, neɀipfuwo, nemhuka, neɀinokambaira, ɀose ɀaikambaira panyika, naʋanhu ʋose; 22ɀinhu ɀose, ɀakaŋga ɀinokufema kwomŋeya woʋupenyu mumhino dzaɀo, ɀose ɀakaŋga ɀiri pakawoma pasi, ɀikafa. 23Ɀipenyu ɀose, ɀakaŋga ɀiri pasi pose, ɀikaparadzwa, ɀaiti, ʋanhu, neɀipfuwo, neɀinokambaira, neshiri dzeɗeŋga; ɀikaparadzwa panyika; Noa oga akasara, neɀakaŋga ɀiri muareka naye. 24Mvura ikaramba yakakwirira panyika mazuʋa anezana namakumi mashanu.

Actualmente seleccionado:

Genesi 7: SUB1949

Destacar

Compartir

Copiar

None

¿Quieres guardar tus resaltados en todos tus dispositivos? Regístrate o Inicia sesión