1
Johane 6:35
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akati kwaʋari: Ndini ciŋgwa coʋupenyu; unoʋuya kwandiri, haaŋgatoŋgoʋi nenzara, nounotenda kwandiri haaŋgatoŋgoʋi nenyota.
比較
Johane 6:35で検索
2
Johane 6:63
Mŋeya ndiye unoraramisa, nyama hainamaturo; mashoko andakataura kwamuri, ndiwo mŋeya noʋupenyu.
Johane 6:63で検索
3
Johane 6:27
Musaɓatira ɀokudya ɀinopera, asi ɀokudya ɀinogara kuʋupenyu bgusiŋgaperi, ɀamucapiwa noMŋanakomana womunhu; nokuti Ƃaɓa, Mŋari, ʋakaisa cisimbiso kwaari.
Johane 6:27で検索
4
Johane 6:40
Nokuti kuɗa kwaƂaɓa ʋaŋgu ndiko, kuti mumŋe nomumŋe, unotarira Mŋanakomana, nokutenda kwaari, aʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi; neni ndicamumutsa nezuʋa rokupedzisira.
Johane 6:40で検索
5
Johane 6:29
Jesu akapindura, akati kwaʋari: Ƃasa raMŋari ndiro, kuti mutende kunaiye waakatuma.
Johane 6:29で検索
6
Johane 6:37
Ɀose Ƃaɓa ɀaʋanondipa ɀicaʋuya kwandiri; nounoʋuya kwandiri, handiŋgatoŋgomurashiri kunze.
Johane 6:37で検索
7
Johane 6:68
Simoni Petro akamupindura, akati: Ishe, ticagoenda kunaniko? Ndimi munamashoko oʋupenyu bgusiŋgaperi.
Johane 6:68で検索
8
Johane 6:51
Ndini ciŋgwa cipenyu, cakaɓuruka kuɗeŋga; kana munhu acidya ciŋgwa ici, ucararama nokusiŋgaperi; ciŋgwa candicapa, inyama yaŋgu, bguʋe ʋupenyu bgenyika.
Johane 6:51で検索
9
Johane 6:44
Hakunomunhu uŋgaʋuya kwandiri, kana Ƃaɓa, ʋakandituma, ʋasiŋgamukweʋi; neni ndicamumutsa nezuʋa rokupedzisira.
Johane 6:44で検索
10
Johane 6:33
Nokuti ciŋgwa caMŋari ndico cinoɓuruka kuɗeŋga, cinopa nyika ʋupenyu.
Johane 6:33で検索
11
Johane 6:48
Ndini ciŋgwa coʋupenyu.
Johane 6:48で検索
12
Johane 6:11-12
Ɀino Jesu akatora ɀiŋgwa; akaʋoŋga, akaɀipa ʋakaŋga ʋagere pasi; nehoʋe ʋo saiɀoɀo paʋaiɗa napo. Ɀino ʋakati ʋaguta, akati kuʋadzidzi ʋake: Ʋuŋganidzai ɀimeɗu ɀakasara, kuti kurege kurashika cinhu.
Johane 6:11-12で検索
13
Johane 6:19-20
Ɀino ʋakati ʋakwaȿa ɀikuru mastadia aneŋge makumi maʋiri namashanu, kana makumi matatu, ʋakaʋona Jesu acifamba pamsoro peguŋgwa, acisweɗera pedyo negwa; ʋakatya. Asi iye akati kwaʋari: Ndini, musatya.
Johane 6:19-20で検索
ホーム
聖書
読書プラン
ビデオ