Ruka 4
4
Kuidzwa kwaJesu.
(Mat 4:1–11; Mar 1:12, 13)
1Ɀino Jesu azere noMŋeya Mutȿene, wakadzoka ɀe acibʋa paJordani, akatuŋgamirirwa noMŋeya murenje 2aciidzwa naDiaborosi mazuʋa anamakumi manna. Wakaŋga asiŋgadyi cinhu namazuʋa iwayo; ɀino akati apera, akaziya. 3Ɀino Diaborosi akati kwaari: Kana uri Mŋanakomana waMŋari, ʋudza ibge iri kuti riʋe ciŋgwa. 4Jesu akamupindura, akati: Kwakanyorwa kuti munhu haaŋgararami neciŋgwa ɓedzi. 5Ɀino akamutuŋgamirira kumsoro, akamuratidza ʋushe bgose bgenyika neŋguʋa ɗuku‐ɗuku. 6Diaborosi akati kwaari: Ndicakupa simba iri rose nokubginya kwaɀo, nokuti ndakabgupiwa ini, kuti ndibgupe wandinoɗa. 7Ɀino, iwe, kana ukandinamata, ɀose ɀicaʋa ɀako. 8Jesu akapindura, akati kwaari: Kwakanyorwa kucinzi: Namata Ishe, Mŋari wako, umushumire iye oga. 9Akaenda naye Jerusarema, akamuisa paciruʋu cetembere, akati kwaari: Kana uri Mŋanakomana waMŋari, uɀiwisire pasi pano; 10Nokuti kwakanyorwa, kucinzi:
Ucaraira ʋatumŋa ʋake pamsoro pako, kuti ʋakuceŋgete;
11Pamaʋoko aʋo ʋacakusimudza,
Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabge.
12Jesu akapindura, akati kwaari: Kwakanzi: Usaidza Ishe, Mŋari wako.
13Diaborosi akati apedza kuidza kwose, akamusiya kuȿikira imŋe ŋguʋa.
Ʋanhu ʋanoramba Jesu paNazareta.
14Ɀino Jesu wakadzokera Garirea nesimba roMŋeya; mukurumbira wake ukanzwika nenyika yose yakapoteredza. 15Waidzidzisa mumasinagoge aʋo, acikudzwa naʋanhu ʋose.
16Akaȿika paNazareta, paakaŋga arerwa, akapinda musinagoge nomusi wesaɓata seɀaaisiita, akasimuka kuti araʋe. 17Akapiwa buku yomuprofita Isaya; ɀino wakati aipetenura, akawana pakanyorwa panoti:
18Mŋeya waShe uri pamsoro paŋgu,
Nokuti wakandizodza, kuti ndiparidzire ʋarombo Evaŋgeri;
Wakandituma kuti ndiziʋise ʋakatapxa kusunuŋgurwa kwaʋo;
Namapofu kuti ʋaʋone ɀe;
Ndiregedze ʋakatsikirirwa;
19Nokuziʋisa gore raShe rakanaka.
20Akapeta buku, akaidzosera kumutariri, akagara pasi; meso aʋose ʋaiʋa musinagoge akamutarisisa. 21Ɀino akataŋga kuʋaʋudza, aciti: Nhasi rugwaro urwu rwaitika munzeʋe dzenyu. 22Ʋose ʋakamupupurira ɀakanaka, ʋakashamiswa namashoko akanaka akaɓuɗa mumuromo make, ʋakati: Ko uyu haazi mŋanakomana waJosefa here? 23Akati kwaʋari: Ndinoziʋa, mucareʋa shumo iyi kwandiri: Ŋaŋga uɀiporese; ɀose iɀo ɀatakanzwa ɀakaitwa paKapernaume, uɀiite ʋo nomuno munyika yako. 24Akati: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Hakunomuprofita unogamucirwa munyika yake. 25Ndinokuʋudzai shoko iri raɀokwaɗi: Kwakaŋga kunecirikadzi zhinji pakati paʋaIsraeri pamazuʋa aEria, paŋguʋa yakazarirwa ɗeŋga makore matatu nemŋedzi mitanhatu, nzara huru ikaʋa’po panyika yose; 26asi Eria haana‐kutumŋa kunomumŋe waʋo, asi wakatumŋa Sarepta ɓedzi, munyika yeSidoni, kumukadzi waiʋa cirikadzi. 27Kwakaŋga kunaʋaiʋa namaperembudzi ʋazhinji pakati paʋaIsraeri pamazuʋa omuprofita Erisha; hakunomumŋe waʋo wakanatswa, asi Naamani ɓedzi, muSiria. 28Ipapo ʋose ʋakaŋga ʋari musinagoge, ʋakatsamŋa ɀikuru, ʋacinzwa iɀoɀo, 29ʋakasimuka, ʋakamudziŋgira kunze kweguta, ʋakaenda naye kumawere egomo, pakaŋga pakaʋakwa guta raʋo, kuti ʋamuwisire pasi. 30Asi iye wakapinda napakati paʋo, akaenda.
Jesu unoporesa munhu waiʋa nomŋeya wakaipa paKapernaume.
(Mar 1:23–28)
31Ɀino wakaɓurukira Kapernaume, raiʋa guta reGarirea; akasiʋadzidzisa nemisi yesaɓata; 32ʋakashamiswa nokudzidzisa kwake; nokuti shoko rake rakaŋga rinesimba. 33Ɀino musinagoge makaŋga munomunhu wakaŋga anomŋeya wakaipa wetȿina; iye akaɗanidzira nenzwi guru, aciti: 34Haiwa, tinemhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Maʋuya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuziʋai kuti ndimi ani; muri Mutȿene waMŋari. 35Ipapo Jesu akauraira, aciti: Nyarara, uɓuɗe kwaari! Mŋeya wakaipa ukamuwisira pasi pakati paʋo, ukaɓuɗa kwaari, usina‐kutoŋgomukuʋadza. 36Kutya kukaʋawira ʋose, ʋakataurirana, ʋaciti: Shoko iri ndereiko? Nokuti unoraira mŋeya yetȿina necikuriri nesimba, ikaɓuɗa. 37Mukurumbira wake ukanzwika kumatiʋi ose enyika yakapoteredza.
Jesu unoporesa mai ʋomukadzi waPetro, naʋamŋe.
(Mat 8:14–17; Mar 1:29–38)
38Ɀino wakasimuka musinagoge, akapinda mumba maSimoni. Mai ʋomukadzi waSimoni ʋakaŋga ʋakaɓatwa nefiviri ɀikuru; ʋakaʋakumbirira kwaari. 39Ipapo akakotamira pamsoro paʋo, akaraira fiviri, ikaʋarega; ʋakasimuka pakarepo, ʋakaʋashandira.
40Ɀino zuʋa rakati roʋira, ʋose ʋaiʋa naʋanorwara nehosha zhinji ʋakaʋuya naʋo kwaari; akaisa maʋoko ake pamsoro pomumŋe nomumŋe waʋo, akaʋaporesa. 41Nemŋeya yakaipa yakaɓuɗa kuʋazhinji, iciɗanidzira, iciti: Ndimi Mŋanakomana waMŋari! Asi wakairaira, akasaitendera kutaura, nokuti yakaŋga iciziʋa kuti ndiye Kristu.
42Ɀino kwakati kwaedza, akaɓuɗa, akaenda kwakaŋga kunerenje; ʋazhinji ʋakamutȿaka, ʋakaȿika kwaari, ʋakaidza kumudziʋisa, kuti arege kubva kwaʋari. 43Asi wakati kwaʋari: Ndinofanira kuparidzira mamŋe maguta ʋo Evaŋgeri yoʋushe bgaMŋari; nokuti ndiɀo ɀandakatumirwa.
44Akasiparidza mumasinagoge eGarirea.
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018