Ruka 5

5
Kuɓatwa kwehoʋe zhinji.
1Ɀino, ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋacimumanikidza kuti ʋanzwe shoko raMŋari, iye amire paguŋgwa reGenesareta, 2akaʋona magwa maʋiri ari paguŋgwa, asi ʋaɓati ʋehoʋe ʋakaŋga ʋaɓuɗa maari, ʋacisuka ʋutaʋa bgaʋo. 3Akapinda munerimŋe igwa, raiʋa raSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pamhenderekedzo paɗuku apinde mumʋura. Ɀino akagara, akadzidzisa ʋanhu ʋazhinji, ari mugwa. 4Wakati apedza kutaura, akati kunaSimoni: Pindai kwakadzika, mukande ʋutaʋa bgenyu, kuti muɓate. 5Simoni akapindura, akati: Tenzi, takatambura ʋusiku bgose, tisiŋgaɓati cinhu; asi ɀamaɗaro imi, ndicakanda ʋutaʋa. 6Ʋakati ʋaita iɀoɀo, ʋakakomba hoʋe zhinji; ʋutaʋa bgaʋo bgukabvaruka. 7Ʋakaninira shamŋari dzaʋo munerimŋe igwa, kuti ʋaʋuye kuzoʋaɓatsira. Ʋakaʋuya, ʋakazadza magwa ose ari maʋiri, akaŋga onyura. 8Ɀino, Simoni Petro wakati aciɀiʋona, akaɀiwisira pasi pamabvi aJesu, akati: Ishe, ibvai kwandiri, nokuti ndiri mutadzi. 9Nokuti wakaŋga ashamiswa iye, naʋose ʋaakaŋga anaʋo nokuwanda kwehoʋe dzaʋakaŋga ʋaɓata. 10Ndiɀo ɀaŋga ɀaita ʋo Jakobo naJohane, ʋanakomana ʋaZebedi, ʋaiʋa shamŋari dzaSimoni. Ipapo Jesu akati kunaSimoni: Usatya, kubva ɀino ucaɓata ʋanhu. 11Ɀino, ʋakati ʋaisa magwa kunyika, ʋakasiya ɀose ʋakamuteʋera.
Jesu unoporesa munhu unamaperembudzi.
(Mat 8:2–4; Mar 1:40–44)
12Wakati ari kunerimŋe guta, tarira, kwakaŋga kunomurume wakaŋga anamaperembudzi pamuʋiri wose; iye akati aciʋona Jesu, akaɀiwisira pasi neciso, ndokukumbira kwaari, aciti: Ishe, kana muciɗa, munogona kundinatsa. 13Ipapo akatambanudza ruʋoko, akamuɓata, aciti: Ndinoɗa, cinatswa! Pakarepo maperembudzi akabva kwaari. 14Akamuraira kuti asaʋudza munhu, akati: Enda undoɀiratidza kumuprista, uɓayire pamsoro pokunatswa kwako ɀakarairwa naMosesi, ciʋe capupu kwaʋari. 15Asi mukurumbira wake wakapararira nokupfuʋurisa; ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakaʋuŋgana kuzomunzwa, nokuporeswa matenda aʋo. 16Asi iye wakaenda mumarenje, akandonyeŋgetera.
Jesu unoporesa munhu wakafa mitezo.
(Mat 9:1–8; Mar 2:1–12)
17Nerimŋe ramazuʋa iwayo wakaŋga acidzidzisa; ʋaFarise naʋadzidzisi ʋomurairo ʋakaŋga ʋagere’po, ʋaibva kumisha yose yeGarirea neJudea neJerusarema; simba raShe rokuporesa rakaŋga rinaye. 18Ɀino, tarira, ʋamŋe ʋarume ʋakaŋga ʋakatakura munhu wakaŋga akafa miteɀo, ari panhoʋo, ʋakatȿaka kupinda naye, nokumuisa pamberi pake. 19Ɀino, ʋakati ʋacishaiwa paʋaŋgamupinza napo, nokuɗa kwaʋazhinji, ʋakakwira pamsoro peimba, ʋakamuɓurusira mukati nenhoʋo yake, napakati pamapfuriro, pamberi paJesu. 20Iye akati aciʋona kutenda kwaʋo, akati: Murume, wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako. 21Ʋanyori naʋaFarise ʋakataŋga kufuŋga, ʋaciti: Ndianiko uyu unotaura acimhura Mŋari? Ndianiko uŋgakaŋganwira ɀiʋi, asi Mŋari oga? 22Ɀino Jesu, ɀaaiziʋa mifuŋgo yaʋo, akapindura, akati kwaʋari: Munofuŋgeiko mumŋoyo yenyu? 23Cinyiko cakareruka, kuti: Wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako, kana kuti: Simuka, ufambe? 24Asi kuti muziʋe kuti Mŋanakomana womunhu unesimba panyika rokukaŋganwira ɀiʋi, (akati kunowakafa mitezo:) Ndinoti kwauri: Simuka, utore nhoʋo yako, uende kumba kwako. 25Akasimuka pakarepo pamberi paʋo, akatora caakaŋga aʋete pamsoro paco, akaenda kumba kwake, acirumbidza Mŋari. 26Ʋakashamiswa ʋose, ʋakarumbidza Mŋari, ʋakatya kwaɀo, ʋaciti: Taʋona maɗambi nhasi!
Kuɗanwa kwaReʋi.
(Mat 9:9–13; Mar 2:13–17)
27Shure kwaiɀoɀo, wakaɓuɗa, akaʋona muteresi, wainzi Revi, agere panotereswa, akati kwaari: Nditeʋere! 28Iye akasiya ɀose, akasimuka, akamuteʋera. 29Revi akamuitira mutambo mukuru mumba make; kukaʋa’po ʋazhinji‐zhinji ʋaʋateresi naʋamŋe, ʋakaŋga ʋagere naʋo pakudya. 30ƲaFarise naʋanyori ʋaʋo ʋakanyunyutira ʋadzidzi ʋake, ʋaciti: Munodyireiko naʋateresi naʋatadzi, nokunwa naʋo? 31Jesu akapindura, akati kwaʋari: Ʋasiŋgarwari haʋatȿaki ŋaŋga, asi ʋanorwara. 32Handina‐kuʋuya kuzoɗana ʋakarurama, asi ʋatadzi, kuti ʋatendeʋuke.
Kuɀinyima ɀokudya.
(Mat 9:14–17; Mar 2:18–22)
33Ɀino ʋakati kwaari: Ʋadzidzi ʋaJohane ʋanoɀinyima ɀokudya kazhinji, ʋacikumbira; naʋaʋaFarise ʋanoɗaro ʋo, asi ʋenyu ʋanodya nokunwa. 34Jesu akati kwaʋari: Muŋgadziʋisa shamŋari dzecikomba kudya, cikomba ciri kwaʋari here? 35Asi mazuʋa acaȿika; ɀino kana cikomba cazobviswa kwaʋari, ʋacaɀinyima ɀokudya namazuʋa iwayo. 36Akataura naʋo nomufananidzo, akati: Hakunomunhu ucabvarura ciremo paŋguʋo itȿa, akaciisa paŋguʋo yakasakara; nokuti ucabvarura nguʋo itȿa, ʋuye ciremo ceŋguʋo itȿa haciŋganzwani neyakasakara. 37Hakunomunhu ucaɗira waini itȿa muhomboɗo tsaru; nokuti waini itȿa icaparusa homboɗo, ikateʋuka, nehomboɗo dzikafa ʋo; 38asi waini itȿa inofanira kuɗirwa muhomboɗo itȿa. 39Hakunomunhu unoti kana anwa tsaru, uŋgazoɗa itȿa; nokuti unoti: Tsaru ndiyo yakaiȿo‐naka.

選択箇所:

Ruka 5: SUB1949

ハイライト

シェア

コピー

None

すべてのデバイスで、ハイライト箇所を保存したいですか? サインアップまたはサインインしてください。