Genesi 17
17
Abhuramu anotumidzwa kuti Abhurahamu uye anopiwa chiratidzo chokudzingiswa
1Abhuramu wakati asvika makore ana makumi mapfumbamwe namapfumbamwe, Jehovha akazviratidza kuna Abhuramu, akati kwaari, “Ndini Mwari waMasimbaose, famba pamberi pangu, uve wakarurama. 2Ndichaita sungano yangu pakati pangu newe, ndichakuwanza kwazvo.” 3Ipapo Abhuramu akawira pasi nechiso chake, Mwari akataura naye akati, 4“Kana ndirini, tarira, sungano yangu inewe, uchava baba vendudzi zhinji zhinji. 5Zita rako harichazonzi Abhuramu, asi zita rako richanzi Abhurahamu; nokuti ndakakuita baba vendudzi zhinji zhinji. 6Ndichakuitai kuti muberekane muwande zvikuru; ndichakuita ndudzi, namadzimambo achabva kwauri.
7“Ndichasimbisa sungano yangu pakati pangu newe, navana vako vanokutevera pamarudzi avo ose, kuti ive sungano isingaperi; ndichava Mwari wako nevevana vako vanokutevera. 8Ndichakupa iwe navana vako vanokutevera, nyika mauri mutorwa iwe, nyika yeKenani yose, kuti ive yako nokusingaperi; ini ndichava Mwari wako.”
9Mwari akatiwo kuna Abhurahamu, “Kana uriwe, chengeta sungano yangu, iwe navana vako vanokutevera pamarudzi avo ose. 10Ndiyo sungano yangu, yamunofanira kuchengeta pakati pangu nemi navana vako vanokutevera, vanakomana vose pakati penyu ngavadzingiswe. 11Mudzingiswe panyama yechikanda chenyu chepamberi, kuti chive chiratidzo chesungano iri pakati pangu nemi. 12Mwanakomana ane mazuva masere pakati penyu ngaadzingiswe, mukomana mumwe nomumwe pamarudzi enyu, kana akazvarwa mumba, kana akatengwa nemari kuvatorwa vapi navapi, vasati vari vavana vako. 13Wakazvarwa mumba mako, nowakatengwa nemari, vanofanira kudzingiswa; sungano yangu ive panyama penyu, ive sungano isingaperi. 14Munhurume asina kudzingiswa, asina kudzingiswa panyama yechikanda chake chepamberi, munhu akadai anofanira kubviswa pakati porudzi rwake, akaputsa sungano yangu.”
15Mwari akatiwo kuna Abhurahamu, “Kana ari Sarai, mukadzi wako haufaniri kuzomutumidza zita rinonzi Sarai, asi zita rake richanzi Sara; 16ndichamuropafadza iye, ndikupe mwanakomana kwaari; ndichamuropafadza iye, kuti ave mai vendudzi; madzimambo avanhu achabva maari.”
17Ipapo Abhurahamu wakawira pasi nechiso chake, akaseka, akati mumwoyo make, “Ko munhu ana makore ane zana ungaberekerwa mwana here? NaSara, wava namakore ana makumi mapfumbamwe, angabereka here?” 18Abhurahamu akati kuna Mwari, “Dai Ishimaeri achirarama hake pamberi penyu!”
19Mwari akati kwaari, “Kwete, asi Sara, mukadzi wako, ndiye achakuberekera mwanakomana, unofanira kumutumidza zita rinonzi Isaka; ndichaita sungano yangu naye, ive sungano isingaperi pakati pavana vake vanomutevera. 20Kana ari Ishimaeri, ndakunzwawo; tarira, ndamuropafadza, ndichamuberekesa vana vazhinji, nokumuwanzisa kwazvo; achabereka madzishe ane gumi namaviri, ndichamuita rudzi rukuru. 21Asi sungano yangu ndichaisimbisa naIsaka, uyo wauchaberekerwa naSara nenguva ino.” 22Akapedza kutaura naye, Mwari akakwira achibva kuna Abhurahamu.
23Ipapo Abhurahamu wakatora Ishimaeri, mwanakomana wake, navose vakazvarwa mumba make, navose vakatengwa nemari yake, munhurume mumwe nomumwe kuvanhu vakanga vari paimba yaAbhurahamu, akavadzingisa zvikanda zvavo zvapamberi nomusi iwoyo, sezvaakaudzwa naMwari. 24Abhurahamu wakanga ana makore ana makumi mapfumbamwe namapfumbamwe musi wokudzingiswa kwake. 25Ishimaeri, mwanakomana wake, wakanga ana makore ane gumi namatatu musi wokudzingiswa kwake. 26Nomusi uyo Abhurahamu wakadzingiswa pamwechete naIshimaeri mwanakomana wake. 27Navarume vose veimba yake, vakanga vazvarirwa mumba make, navakanga vatengwa nemari kuvatorwa, vakadzingiswa pamwechete naye.
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.