Genesi 18

18
Abhurahamu anonyengeterera Sodhoma
1Zvino Jehovha akazviratidza kwaari pamiti yemiouki yeMamure, agere pamusuwo wetende masikati zuva richipisa; 2akasimudza meso ake, akatarira, akaona varume vatatu vamire vakatarisana naye; akati achivaona, akabva pamusuwo wetende, akamhanya kundosangana navo, akakotamira pasi, 3akati, “Ishe wangu, kana ndawana nyasha kwamuri, musapfuura henyu pamuranda wenyu. 4Ngavauye nemvura shomanana, mushambidze tsoka dzenyu, muzorore pasi pomuti; 5ini nditore chimedu chechingwa, musimbise mwoyo yenyu; mugozopfuura henyu, nokuti ndizvo zvamauyira kumuranda wenyu.”
Ivo vakati, “Ita hako sezvawataura.”
6Abhurahamu akakurumidza kupinda mutende kuna Sara, akati, “Kurumidza ugadzire zviyero zvitatu zvoupfu hwakatsetseka, ukanye, ubike zvingwa zviduku.”
7Naiye Abhurahamu akamhanyira kumombe, akatora mhuru ine nyama yakapfava, yakanaka, akapa muranda wake, iye akakurumidza kuigadzira. 8Akatora mukaka wakafa, nomukaka mumbishi, nemhuru yaakanga agadzira, akazviisa pamberi pavo; akamira navo munyasi momuti, vakadya.
9Ivo vakati kwaari, “Sara, mukadzi wako, ari kupiko?” Iye akati, “Tarirai, ari mutende.” 10Iye akati, “Zvirokwazvo, kana gore rapfuura, ndichauyazve kwamuri, nenguva iyo Sara, mukadzi wako, achava nomwanakomana.” Zvino Sara akanga achiteerera ari pamusuwo wetende shure kwake. 11Zvino Abhurahamu naSara vakanga vakwegura, vava namakore mazhinji; nomutoo wavakadzi wakanga watoguma kuna Sara. 12Sara akaseka mumwoyo make akati, “Ini ndingazvifarirawo here zvandachembera, naiye tenzi wangu akwegurawo?” 13Jehovha akati kuna Abhurahamu, “Sara wasekereiko, achiti, ‘Ko ini muchembere ndichabereka mwana zvirokwazvo here?’ 14Kune chinhu chingakunda Jehovha here? Nguva ino, gore rapfuura, ndichadzokera kwauri; Sara achava nomwanakomana.”
15Asi Sara akaramba achiti, “Handina kuseka,” nokuti akanga achitya. Iye akati, “Kwete waseka hako.”
16Zvino vaya varume vakasimuka, vakabva ipapo, vakatarira Sodhomu; Abhurahamu akaenda navo achivaperekedza. 17Zvino Jehovha akati, “Ndichavanzira Abhurahamu zvandinoita here? 18Abhurahamu zvaachava rudzi rukuru rune simba, nendudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa maari? 19Nokuti ndakamutsaura, kuti araire vana vake naveimba yake vanomutevera, kuti vachengete nzira yaJehovha, vaite zvakarurama nezvakanaka; kuti Jehovha auyise pamusoro paAbhurahamu izvo zvaakataura pamusoro pake.”
20Ipapo Jehovha akati, “Kunyangadza kukuru kweSodhomu neGomora kukuru kwazvo; zvirokwazvo zvivi zvavo zvakaipa kwazvo; 21ndichaburuka zvino kuti ndione izvo zvavaita, kana zvakafanana nokunyangadza kwavo kwakasvika kwandiri; kana zvisina kudaro, ndichazviziva.”
22Zvino vaya varume vakabva, vakaenda Sodhomu; asi Abhurahamu akaramba amire pamberi paJehovha. 23Zvino Abhurahamu wakaswedera, akati, “Muchaparadza vakarurama pamwechete navakaipa here? 24Zvimwe vangavapo vakarurama vana makumi mashanu muguta; muchaparadza nzvimbo iyo, mukasainzwira tsitsi nokuda kwavakarurama vana makumi mashanu varimo here? 25Ngazvive kure nemi kuita kudaro kuuraya vakarurama pamwechete navakaipa, kuti vakarurama vave savakaipa, ngazvive kure nemi. Mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?”
26Ipapo Jehovha akati, “Kana ndikawana muSodhomu vakarurama vana makumi mashanu mukati meguta, ndichanzwira nzvimbo yose tsitsi nokuda kwavo.”
27Abhurahamu akapindura akati, “Tarirai zvino, ndatsunga kutaura naJehovha, ini guruva nedota hangu; 28zvimwe kuchashaikwa vashanu kuvakarurama vana makumi mashanu; mungaparadza guta rose kana vashanu vashaikwa here?” Akati, “Handingariparadzi, kana ndikawanamo makumi mana navashanu.”
29Akataurazve naye akati, “Zvimwe kuchawanikwamo makumi mana.” Akati, “Handingazviiti nokuda kwamakumi mana.”
30Akati, “Jehovha ngaarege hake kunditsamwira, kana ndikataurazve. Zvimwe vana makumi matatu vachawanikwamo.” Akati, “Handingazviiti, kana ndikawana makumi matatu.”
31Akati, “Tarirai, ndatsunga kutaura naJehovha, zvimwe vana makumi maviri vachawanikwamo.” Akati, “Handingariparadzi nokuda kwamakumi maviri.”
32Akati, “Jehovha ndikataurazve kamwechete; zvimwe vane gumi rimwechete vangawanikwamo.”
Akati, “Handingariparadzi nokuda kwaivavo vane gumi.” 33Ipapo Jehovha akabva, apedza kutaura naAbhurahamu; naAbhurahamu akadzokera kumba kwake.

選択箇所:

Genesi 18: SUB

ハイライト

シェア

コピー

None

すべてのデバイスで、ハイライト箇所を保存したいですか? サインアップまたはサインインしてください。