1
Ruka 19:10
Shona Bible 1949, revised 2002
SNA2002
“Nokuti Mwanakomana womunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.”
Харьцуулах
Ruka 19:10 г судлах
2
Ruka 19:38
vachiti, “Mambo ngaakudzwe, iye anouya muzita raIshe! Rugare ngaruve kudenga, nokubwinya kumusoro-soro!”
Ruka 19:38 г судлах
3
Ruka 19:9
Jesu akati kwaari, “Nhasi ruponeso rwasvika paimba ino; nokuti naiyewo mwanakomana waAbhuruhamu.
Ruka 19:9 г судлах
4
Ruka 19:5-6
Zvino Jesu akati achisvikapo, akatarira kumusoro, akati kwaari, “Zakeo, kurumidza uburuke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.” Iye akakurumidza kuburuka, akamugamuchira nomufaro.
Ruka 19:5-6 г судлах
5
Ruka 19:8
Ipapo Zakeo akamira, akati kuna Ishe, “Tarirai, Ishe, ndinopa varombo hafu yepfuma yangu, uye kana ndatorera mumwe chinhu chake nokunyengera, ndinomudzosera zvava zvina.”
Ruka 19:8 г судлах
6
Ruka 19:39-40
Vamwe vaFarisi pakati pavazhinji vakati kwaari, “Mudzidzisi, rairai vadzidzi venyu!” Akapindura, akati, “Ndinokuudzai, kana ava vakanyarara, mabwe angadanidzira.”
Ruka 19:39-40 г судлах
Нүүр хуудас
Библи
Тѳлѳвлѳгѳѳнүүд
Бичлэгүүд