1
Johani 14:27
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Ndinokusiirai rugare, ndinokupai rugare rwangu. Handikupei sokupa kunoita nyika. Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika uye ngairege kutya.
Харьцуулах
Johani 14:27 г судлах
2
Johani 14:6
Jesu akamuti kwaari, “Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anosvika kuna Baba asina kuuya nokwandiri.
Johani 14:6 г судлах
3
Johani 14:1
“Mwoyo yenyu ngairenge kutambudzika tendai muna Mwari mutendewo mandiri.
Johani 14:1 г судлах
4
Johani 14:26
Asi Murevereri uya, Mweya Mutsvene achatumwa naBaba muzita rangu, iye achakudzidzisai zvinhu zvose achikuyeuchidzai zvose zvandakataura kwamuri.
Johani 14:26 г судлах
5
Johani 14:21
Munhu ane mitemo yangu achiichengeta, ndiye munhu anondida; uyo anondida achadidawo naBaba vangu iniwo ndichazviratidza kwaari.”
Johani 14:21 г судлах
6
Johani 14:16-17
Iniwo ndichakumbira Baba, ivo vachakupai mumwe Murevereri achava nemi nokusingaperi. Ndiye uya Mweya wechokwadi iyeyo pasi pano hapagoni kumugamuchira nokuti hapamuoni kana kumuziva; imi munomuziva nokuti anogara nemi uye achava mamuri.
Johani 14:16-17 г судлах
7
Johani 14:13-14
Chiri chose chamunokumbira muzita rangu ndichachiita kuti Baba varumbidzwe muMwanakomana. Kana mukakumbira chii zvacho muzita rangu ini ndichachiita.
Johani 14:13-14 г судлах
8
Johani 14:15
“Kana muchindida, muchachengeta mitemo yangu.
Johani 14:15 г судлах
9
Johani 14:2
Mumba maBaba vangu kune dzimba dzakawanda dai kwakanga kusina ndingadai ndakakuudzai. Ndiri kuendako kundokugadzirirai pokugara.
Johani 14:2 г судлах
10
Johani 14:3
Kana ndandokugadzirirai pokugara ndichauyazve ndozokutorai kuti kwandichange ndiri, imi muvekowo.
Johani 14:3 г судлах
11
Johani 14:5
Tomasi akati kwaari, “Tenzi hatizivi kwamuri kuenda tingazive sei nzira yoko?”
Johani 14:5 г судлах
Нүүр хуудас
Библи
Тѳлѳвлѳгѳѳ
Видео