Genesi 16
16
Hagari naIshmaeri.
1Ɀino Sarai, mukadzi waAbrama, wakaŋga asiŋgamuɓerekeri ʋana; iye wakaŋga anomurandakadzi, muEgipita, wainzi Hagari. 2Sarai akati kunaAbrama: Tarira, Jehova wakandikonesa kuɓereka; pinda hako kumurandakadzi waŋgu, ɀimŋe ndiŋgawana ʋana naye. Abrama akaterera shoko raSarai. 3Ɀino Sarai, mukadzi waAbrama, wakatora Hagari, muEgipita, murandakadzi wake, — Abrama ɀino wakaŋga agara makore anegumi panyika yeKanani, — akamupa Abrama, murume wake, kuti aʋe mukadzi wake. 4Akapinda kunaHagari, iye akatora mimba; ɀino wakati oʋona kuti waʋa nemimba, akashoʋora ʋatenzi ʋake. 5Ipapo Sarai akati kunaAbrama: Kukaŋganiswa kwaŋgu ŋgakuʋe pamsoro pako; ndini ndakapa murandakadzi waŋgu pacifuʋa cako; ɀino iye wakati oʋona kuti waʋa nemimba, akandishoʋora; Jehova ŋgaatoŋge pakati paŋgu newe. 6Abrama akati kunaSarai: Tarira, murandakadzi wako uri paruʋoko rwako, umuitire seɀaunoɗa. Ɀino Sarai wakamunetsa, akatiza. 7Mutumŋa waJehova akamuwana patsime remvura musaŋgo, patsime riri panzira inoenda Shuri. 8Akati: Nhandi Hagari, murandakadzi waSarai, wabvepiko? Unoendepiko — Iye akati: Ndinotiza ʋatenzi ʋaŋgu Sarai. 9Mutumŋa waJehova akati kwaari: Dzokera kuʋatenzi ʋako, uɀiɗukupise pasi pake. 10Mutumŋa waJehova akati kwaari: Ndicawandisa ʋana ʋako, ʋarege kuʋereŋgwa nokuwanda kwaʋo. 11Mutumŋa waJehova akati ʋo kwaari: Tarira waʋa nemimba, ucaɓereka mŋanakomana; umutumidze zita rinonzi Ishmaeri, nokuti Jehova wakanzwa kutambudzika kwako. 12Iye ucaʋa sembizi pakati paʋanhu; ucarwa naʋanhu ʋose, naʋanhu ʋose ʋacarwa naye; ucagara akatarisana nehama dzake dzose. 13Hagari akatumidza Jehova wakataurirana naye, zita rinonzi: Ndimi Mŋari unoʋona; nokuti wakati: Ɀirokwaɀo ndamuʋona pano oenda, iye unondiʋona! 14Naiɀoɀo tsime iro rakatumidzwa Beeri‐raahi‐roi (tsime raiye mupenyu unondiʋona); riri pakati peKadeshi neBeredi. 15Hagari akaɓerekera Abrama mŋanakomana; Abrama akatumidza mŋanakomana wake, wakaɓerekwa naHagari, zita rinonzi Ishmaeri. 16Abrama wakaŋga anamakore makumi masere namatanhatu, Hagari acimuɓerekera Ishmaeri.
सध्या निवडलेले:
Genesi 16: SUB1949
ठळक
सामायिक करा
कॉपी करा
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapistaging.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fmr.png&w=128&q=75)
तुमचे हायलाइट तुमच्या सर्व डिव्हाइसेसवर सेव्ह करायचे आहेत? साइन अप किंवा साइन इन
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018