1
Johani 4:24
Shona Bible 1949, revised 2002
“Mwari ndiMweya; vanomunamata, vanofanira kumunamata mumweya nechokwadi.”
နှိုင်းယှဉ်
Johani 4:24ရှာဖွေလေ့လာလိုက်ပါ။
2
Johani 4:23
Asi nguva inouya, nazvino yatovapo, yokuti vanonamata nechokwadi vachanamata baba mumweya nechokwadi; nokuti baba vanotsvaka vakadaro kuzomunamata.
Johani 4:23ရှာဖွေလေ့လာလိုက်ပါ။
3
Johani 4:14
Asi ani naani, anonwa mvura yandichamupa ini, haachazovi nenyota nokusingaperi; asi mvura, yandichamupa, ichava mukati make tsime remvura, inovhaira kuupenyu husingaperi.”
Johani 4:14ရှာဖွေလေ့လာလိုက်ပါ။
4
Johani 4:10
Jesu akapindura, akati kwaari, “Dai waiziva chipo chaMwari, uye kuti ndiani anoti kwauri, ndipeiwo ndinwe, ungadai waikumbira kwaari, akakupa mvura mhenyu.”
Johani 4:10ရှာဖွေလေ့လာလိုက်ပါ။
5
Johani 4:34
Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu ndizvo, kuti ndiite kuda kwoakandituma, nokupedza basa rake.
Johani 4:34ရှာဖွေလေ့လာလိုက်ပါ။
6
Johani 4:11
Mukadzi akati kwaari, “Ishe, hamuna chamungachera nacho, tsime rakadzika, zvino mvura mhenyu mungaiwanepiko?
Johani 4:11ရှာဖွေလေ့လာလိုက်ပါ။
7
Johani 4:25-26
Zvino mukadzi akati kwaari, “Ndinoziva kuti Mesiasi anouya, anonzi Kristu; kana iye asvika, uchatiudza zvose.” Jesu akati kwaari, “Ini, ndinotaura newe, ndini iye.”
Johani 4:25-26ရှာဖွေလေ့လာလိုက်ပါ။
8
Johani 4:29
“Uyai muone munhu, akandiudza zvose zvandakaita. Ko uyu handiti ndiye Kristu here?”
Johani 4:29ရှာဖွေလေ့လာလိုက်ပါ။
ပင်မစာမျက်နှာ
ကျမ်းစာ
အစီအစဉ်
ဗီဒီယို