1
Genesisi 7:1
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Ipapo Jehovha akati kuna Noa, “Pindai muareka iwe nemhuri yako yose nokuti ndakuona iwe kuti wakarurama murudzi urwu.
နှိုင်းယှဉ်
Genesisi 7:1ရှာဖွေလေ့လာလိုက်ပါ။
2
Genesisi 7:24
Mvura zhinji yakafukidza nyika kwamazuva makumi mashanu.
Genesisi 7:24ရှာဖွေလေ့လာလိုက်ပါ။
3
Genesisi 7:11
Mugore ramazana matanhatu roupenyu hwaNoa, pazuva regumi namanomwe romwedzi wechipiri, pazuva iro zvitubu zvose zvapakadzika zvakatubuka, uye masuo amafashamu okudenga akazarurwa.
Genesisi 7:11ရှာဖွေလေ့လာလိုက်ပါ။
4
Genesisi 7:23
Zvinhu zvose zvipenyu zvaiva pamusoro penyika zvakaparadzwa, vanhu nemhuka, nezvisikwa zvinokambaira panyika neshiri dzedenga zvakaparadzwa kubva panyika. Noa bedzi ndiye akasiyiwa navaya vaiva naye muareka.
Genesisi 7:23ရှာဖွေလေ့လာလိုက်ပါ။
5
Genesisi 7:12
Uye mvura yakanaya panyika kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana.
Genesisi 7:12ရှာဖွေလေ့လာလိုက်ပါ။
ပင်မစာမျက်နှာ
သမ္မာကျမ်းစာ
အစီအစဉ်များ
ဗီဒီယိုများ