Johani 9
9
Jesu anoporesa munhu akaberekwa riri bofu
1Akati achipfuura, akaona munhu akanga ari bofu kubva pakuberekwa kwake. 2Vadzidzi vake vakamubvunza, vachiti, “Rabhi, ndianiko akatadza, uyu kana vabereki vake, zvaakaberekwa riri bofu?”
3Jesu akapindura, akati, “Uyu haana kutadza, kunyange navabereki vake; asi izvi zvakaitwa kuti mabasa aMwari aoneswe maari. 4Ndinofanira kubata basa rowakandituma, achiri masikati; usiku hunouya, husingagoni munhu kubata basa nahwo. 5Ndichiri panyika, ndiri chiedza chenyika.” 6Akati areva izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, akazodza dope pameso pake, 7akati kwaari, “Enda undoshamba mudziva reSiroami,” (ndokuti, kana zvichishandurwa, “Kutumwa.”) Ipapo akaenda, akandoshamba, akadzoka achiona.
8Vakanga vagere naye, navaimuona kare, kuti ndiye waikumbira, vakati, “Ko uyu haasi iye aigara achikumbira here?”
9Vamwe vakati, “Ndiye;” vamwe vakati, “Kwete, asi akatodzana naye.” Iye akati, “Ndini.”
10Zvino vakati kwaari, “Meso ako akagosvinudzwa seiko?”
11Akapindura, akati, “Munhu anonzi Jesu akakanya dope, akazodza meso angu, akati kwandiri, enda Siroami, undoshamba; naizvozvo ndakaenda, ndikashamba, ndikaona.”
12Vakati kwaari, “Iye aripiko?” Akati, “Handizivi.”
13Vakamuisa kuvaFarisi, iye akanga ari bofu kare. 14Zvino raiva Sabata zuva iro Jesu raakakanya dope naro, akasvinudza meso ake. 15Zvino vaFarisi vakamubvunzazve, kuti wakaoneswa sei. Akati kwavari, “Akaisa dope pameso pangu, ndikandoshamba, ndikaona.”
16Zvino vamwe vavaFarisi vakati, “Munhu uyu haasi waMwari, nokuti haachengeti Sabata.” Asi vamwe vakati, “Ko munhu mutadzi angaita seiko zviratidzo zvakadai?” Ipapo kupesana kwakamuka pakati pavo.
17Zvino vakatizve kubofu, “Iwe unoti kudiniko pamusoro pake, zvaakasvinudza meso ako?” Akati, “Muporofita.”
18Naizvozvo vaJudha havana kutenda pamusoro pake, kuti akanga ari bofu, akazoona, kusvikira vadana vabereki vowakaoneswa, 19vakavabvunza, vachiti, “Uyu ndiye mwanakomana wenyu, wamunoti akaberekwa riri bofu here? Zvino anogoona seiko?”
20Vabereki vake vakapindura, vakati, “Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu, uye kuti akaberekwa riri bofu; 21asi hatizivi kuti zvino woona sei; noakasvinudza meso ake, hatimuzivi; mubvunzei henyu; ayaruka, achazvirevera hake.”
22Vabereki vake vakareva izvozvo, nokuti vaitya vaJudha, nokuti vaJudha vakanga vatotenderana, kuti kana kuchinge kune munhu anotenda kuti ndiye Kristu, abudiswe musinagoge. 23Naizvozvo vabereki vake vakati, “Ayaruka hake, mubvunzei henyu.”
24Zvino vakamudanazve rwechipiri, iye munhu akanga ari bofu, vakati kwaari, “Rumbidza Mwari; isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.”
25Ipapo iye akapindura, akati, “Kana ari mutadzi ini handizivi; ndinoziva chinhu chimwe, kuti ndaiva bofu, zvino ndoona.”
26Ipapo vakati kwaari, “Akakuiteiko? Akasvinudza meso ako sei?”
27Akavapindura, akati, “Ndatokuudzai, mukasanzwa. Munoda kunzwazve nemhaka yeiko? Nemi munoda kuva vadzidzi vakewo kanhi?”
28Vakamunyomba, vachiti, “Iwe ndiwe mudzidzi wake, asi isu tiri vadzidzi vaMosesi. 29Tinoziva kuti Mwari wakataura naMosesi; asi uyu hatizivi kwaakabva.”
30Iye munhu akapindura, akati kwavari, “Nyambera chinhu ichi chinoshamisa, kuti imi hamuzivi kwaanobva, kunyange akasvinudza meso angu. 31Tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi; asi kana munhu achishandira Mwari, achiita kuda kwake, anomunzwa iye. 32Kubvira pakutanga hakuna kumbonzwika, kuti mumwe akasvinudza meso omunhu, akaberekwa riri bofu. 33Dai uyu asati ari waMwari, haasaigona kuita chinhu.”
34Vakapindura, vakati kwaari, “Iwe wakaberekerwa muzvivi chose, zvino iwe wotidzidzisa isu?” Vakamudzingira kunze.
35Jesu akanzwa kuti vamudzingira kunze; akati amuwana, akati kwaari, “Iwe unotenda kuMwanakomana waMwari here?”
36Akapindura, akati, “Iye ndianiko Ishe, kuti nditende kwaari?”
37Jesu akati kwaari, “Wamuona, uye, ndiye unotaura newe.” 38Ipapo akati, “Ndinotenda, Ishe.” Akamupfugamira.
39Jesu akati, “Kutonga ndiko kwandauyira panyika ino, kuti vasingaoni, vaone; navanoona vave mapofu.”
40Avo vavaFarisi vaiva naye, vakazvinzwa, vakati kwaari, “Ko nesuo tiri mapofu here?”
41Jesu akati kwavari, “Dai maiva mapofu, hamusaiva nezvivi, asi zvino munoti, tinoona; zvivi zvenyu zvinoramba zviripo.”
अहिले सेलेक्ट गरिएको:
Johani 9: SNA2002
हाइलाइट
शेयर गर्नुहोस्
कपी गर्नुहोस्
तपाईंका हाइलाइटहरू तपाईंका सबै यन्त्रहरूमा सुरक्षित गर्न चाहनुहुन्छ? साइन अप वा साइन इन गर्नुहोस्
© Shona Union Version 2002