1
Isaya 9:6
Shona Bible 1949, revised 2002
Nokuti takazvarirwa Mwana, takapiwa Mwanakomana; umambo huchava pafudzi rake; zita rake richanzi, “Anoshamisa, Gota, Mwari ane simba, Baba vokusingaperi, Muchinda worugare.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 9:2
Vanhu vaifamba murima vakaona chiedza chikuru; vaigara munyika yomumvuri worufu, vakapenyerwa chiedza.
3
Isaya 9:7
Kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo, agare pachigaro choushe chaDhavhidhi napaushe hwake, ahusimbise ahutsigire nokururamisira nokururama kubva zvino kusvikira panguva isingaperi. Kushingaira kwaJehovha wehondo kuchazviita.
4
Isaya 9:5
Nokuti shangu imwe neimwe yomurwi, yakatsika nokutinhira, nenguo yakanyikwa muropa, zvichapiswa, zvichava sehuni dzomoto.
5
Isaya 9:1
Asi iye, aiva pakumanikidzwa, haangazovi nerima. Panguva yokutanga wakaninipisa nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, asi panguva yazvino akaikudza, kurutivi rwegungwa, mhiri kwaJorodhani, Gariria ravahedheni.
6
Isaya 9:3
Makawanza rudzi, makawedzera mufaro wavo; vanofara pamberi penyu, sokufara kwavanhu panguva yokukohwa, sokufara kwavanhu kana vachigoverana zvakapambwa.
7
Isaya 9:4
Nokuti makavhuna joko raivaremedza, netsvimbo yairova mafudzi avo, neshamhu yavaivamanikidza, sapamazuva avaMidhiani.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo