1
Nehemiya 8:10
Shona Bible 1949, revised 2002
Ipapo akati kwavari, “Endai henyu, mudye zvakakora, nokunwa zvinozipa, mugotumirawo migove kuna vasina kugadzirirwa chinhu; nokuti zuva rino idzvene kuna She wedu; musava neshungu, nokuti mufaro waJehovha isimba renyu.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Nehemiya 8:9
Ipapo mubati Nehemiya, nomupristi Ezira munyori, navaRevhi vakadzidzisa vanhu, vakati kuvanhu vose, “Zuva rino idzvene kuna Jehovha Mwari wenyu; musaungudza nokuchema; nokuti vanhu vose vakachema vachinzwa mashoko omurayiro.”
3
Nehemiya 8:6
Ipapo Ezira akavonga Jehovha, Mwari mukuru. Vanhu vose vakapindura, vachiti, “Ameni, Ameni,” vachisimudza maoko avo; ipapo vakakotamisa misoro yavo, vakanamata kuna Jehovha zviso zvavo zvakatarira pasi.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo