II ƲaTesaronika 3
3
Unoʋaraira nokuwonekana naʋo.
1Pakupedzisira, hama dzaŋgu, mutinyeŋgeterere, kuti shoko raShe ripfuʋure, rikudzwe, seɀaɀinoitwa kwenyu ʋo; 2ʋuye, kuti tisunuŋgurwe kuʋanhu ʋasakarurama, ʋakaipa; nokuti haʋazi ʋose ʋanotenda. 3Asi Ishe ndiye wakatendeka, ucakusimbisai, nokukuceŋgetai kunowakaipa. 4Tinokutendai munaShe, kuti munoita, ʋuye mucaramba muciita, iɀo ɀatinokurairai. 5Ishe ŋgaaruramise mŋoyo yenyu muruɗo rwaMŋari, nomukutsuŋgirira kwaKristu.
6Ɀino, hama dzaŋgu, tinokurairai nezita raShe weɗu Jesu Kristu, kuti mubve pahama imŋe neimŋe isiŋgafambi netsika dzakafanira, isiŋgatereri mirairo yamakapiwa nesu; 7nokuti imi munoziʋa mumene, kuti munofanira kutiteʋera isu, nokuti hatina‐kufamba netsika dzisakafanira pakati penyu; 8hatina‐kutoŋgodya ɀokudya ɀomunhu tisiŋgaripi, asi takaɓate‐ɓasa ʋusiku namasikati, ticitambudzika nokushiŋgaira, kuti tirege kuremedza mumŋe wenyu; 9hakuzi kuti hatinesimba, asi kuti tikutuŋgamirirei, mutiteʋere. 10Nokuti, neŋguʋa yataiʋa kwamuri, takakurairai iɀoɀo, kuti kana munhu aciramba kuɓate‐ɓasa, ŋgaarege kudya ʋo. 11Nokuti tinonzwa kuti ʋamŋe pakati penyu haʋafambi netsika dzakafanira, ʋasina‐caʋanoɓata, ʋasiŋgaregi ɀaʋamŋe. 12Ʋanhu ʋakaɗaro tinoʋaraira nokukumbira kwaʋari munaShe Jesu Kristu, kuti ʋaɓate nokunyarara, ʋadye ɀokudya ɀaʋo ɀimene. 13Asi imi, hama dzaŋgu, musaneta pakuita ɀakanaka. 14Kana panomunhu usiŋgatereri shoko reɗu reŋwadi iyi, mutarisise munhu uyo, kuti murege kufambidzana naye, anyadzwe. 15Regai henyu kumuidza muʋeŋgi, asi mumuraire sehama.
16Ɀino, Ishe worugare amene ŋgaakupei rugare misi yose nemitoʋo yose. Ishe ŋgaaʋe nemi mose.
17 Ndiko kukwazisa kwaŋgu, ini Pauro, noruʋoko rwaŋgu, ndico ciratidzo paŋwadi dzose; ndinonyora kuɗai. 18Nyasha dzaShe weɗu Jesu Kristu ŋgadziʋe nemi mose.
Zvasarudzwa nguva ino
II ƲaTesaronika 3: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: