Maɓasa Aʋaapostora 10
10
Kornerio unobapatidzwa.
1Ɀino kwakaŋga kunomumŋe murume paKesaria, wainzi Kornerio, mukuru wezana wehondo yainzi yeItaria, 2munhu, wainamata nowaitya Mŋari, iye naʋeimba yake yose, waipa ʋanhu ɀipo ɀizhinji, nokunyeŋgetera kunaMŋari misi yose. 3Ɀino neŋguʋa ineŋge yepfumbamŋe yezuʋa akaʋona kwaɀo, neɀaakaratidzwa, mutumŋa waMŋari acipinda kwaari, aciti kwaari: Kornerio! 4Iye akamutarisisa, akatya, akati: Cinyiko Ishe? Akati kwaari: minyeŋgetero yako neɀipo ɀako ɀakwira pamberi paMŋari, ɀaraŋgarirwa. 5Ɀino tuma ʋarume Jopa kundoɗana Simoni, unotumidzwa Petro. 6Unogara nomumŋe unonzi Simoni, musuki wamatebge, imba yake iri paguŋgwa. 7Ɀino mutumŋa, wakataura naye, wakati abva, akaɗana ʋaranda ʋake ʋaʋiri nomurwi wakarurama pakati paʋaisimushumira, 8akaʋaʋudza ɀose, ndokuʋatumira Jopa.
9Ɀino fume maŋgwana ʋaciri parwendo, ʋaʋa pedyo neguta, Petro akakwira pamsoro peimba kundonyeŋgetera neŋguʋa ineŋge yecitanhatu. 10Akaziya kwaɀo, akaɗa kudya; ɀino ʋakati ʋacagadzira, akaɓatwa mŋeya; 11akaʋona ɗeŋga razarurwa, necimŋe cinhu ciciɓuruka somuceka mukuru unoɓurusirwa pasi wakasuŋgwa miromo minna. 12Maiʋa nemhuka dzose dzinamakumbo manna neɀinokambaira ɀenyika, neshiri dzeɗeŋga. 13Inzwi rikaʋuya kwaari, riciti: Simuka Petro, ɓaya, udye. 14Asi Petro akati: Kwete, Ishe, nokuti handina‐kutoŋgodya cinhu cisakanaka, cinetȿina. 15Ipapo inzwi rikaʋuya ɀe kwaari rwecipiri, riciti: Cakanatswa naMŋari, usati, cinetȿina iwe. 16Iɀoɀo ɀikaitwa katatu, cinhu cikakwidzwa pakarepo kuɗeŋga.
17Ɀino Petro wakati acakaŋganiswa mumŋoyo make, kuti ciratidzo caakaŋga aʋona caireʋei, tarira ʋarume ʋakaŋga ʋatumŋa naKornerio, ʋamira pasuʋo ʋacibvunza imba yaSimoni; 18ʋakaɗana, ʋakabvunza kana Simoni, unonzi Petro, agere’po. 19Ɀino Petro, acafuŋga ciratidzo, Mŋeya akati kwaari: Tarira, ʋarume ʋatatu ʋanokutȿaka. 20Ɀino simuka, uɓuruke, uende naʋo, usiŋganyunyuti, nokuti ndini ndaʋatuma. 21Ipapo Petro akaɓurukira kuʋarume aʋo, akati kwaʋari: Tarirai, ndini wamunotȿaka; shoko ramaʋuyira ndereiko? 22Ʋakati: Kornerio, mukuru wezana, murume wakarurama, unotya Mŋari, unorumbidzwa norudzi rwose rwaʋaJuda, wakarairwa naMŋari nomutumŋa mutȿene, kuti akuɗanei kuzoʋuya mumba make, kuti anzwe mashoko kwamuri. 23Ipapo akaʋaɗana mumba, akati ʋagare’po.
Fume maŋgwana akasimuka, akaenda naʋo; nedzimŋe hama dzapaJopa dzikamuperekedza. 24Fume ɀe maŋgwana akapinda Kesaria. Ɀino Kornerio wakaŋga akaʋamirira, akakokera hama dzake neshamŋari dzake dzaiɗikanwa. 25Ɀino Petro wakati acipinda, Kornerio akamuciŋgamidza, akawira pasi petsoka dzake, akamunamata. 26Asi Petro wakamusimudza, akati: Simuka, neni ndiri munhu ʋo. 27Ɀino wakati acataura naye, akapinda, akawana ʋazhinji ʋakaʋuŋgana, 28akati kwaʋari: Imi munoziʋa kuti haɀina‐kufanira kuti muJuda afambidzane nomunhu worumŋe rudzi, kana kuʋuya kwaari. Asi Mŋari wakandiratidza, kuti ndirege kuti munhu haana‐kunaka, kana kuti unetȿina; 29naiɀoɀo ndaʋuya, ndisiŋgarambi, ɀandaɗanwa; ɀino ndinobvunza kuti mandiɗanireiko. 30Kornerio akati: Aʋa mazuʋa manna kuȿikira ŋguʋa ino, ini ndakaŋga ndicinyeŋgetera mumba maŋgu neŋguʋa yepfumbamŋe; ipapo ndikaʋona murume amire pamberi paŋgu, aneŋguʋo dzinopenya, 31akati: Kornerio, kunyeŋgetera kwako kwanzwika, neɀipo ɀako ɀaraŋgarirwa naMŋari. 32Naiɀoɀo citumira ʋanhu Jopa, uɗane Simoni, unonzi Petro; unogara mumba maSimoni musuki wamatebge, paguŋgwa. 33Naiɀoɀo ndakakurumidza kutuma kwamuri; ɀino maita ɀakanaka, ɀamaʋuya. Ɀino isu tose tiri pano pamberi paMŋari, kuti tinzwe ɀose ɀamarairwa naShe. 34Ipapo Petro akashamisa muromo wake, akati:
Ɀirokwaɀo, ndinoʋona kuti Mŋari haazi mutsauri waʋanhu; 35asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, aciita ɀakarurama, unogamucirwa naye. 36Ndiro shoko, raakatuma kuʋana ʋaIsraeri, aciparidza mashoko akanaka orugare naJesu Kristu (ndiye Ishe waʋose). 37Imi munoziʋa shoko iro rakaparidzwa paJudea rose, rakataŋga paGarirea, shure kwokubapatidza kwakaparidzwa naJohane; 38raJesu weNazareta, kuti Mŋari wakamuzodza noMŋeya Mutȿene nesimba; iye waipote‐nyika, aciita ɀakanaka, aciporesa ʋose ʋakamanikidzwa naDiaborosi; nokuti Mŋari waiʋa naye. 39Nesu tiri ɀapupu ɀaɀose, ɀaakaita munyika yaʋaJuda nomuJerusarema; ndiye waʋakaʋuraya, ʋacimuturika pamuti. 40Ndiye wakamutswa naMŋari nezuʋa retatu, akamupa simba kuti aʋonekwe pacena; 41akasaʋonekwa naʋanhu ʋose, asi neɀapupu ɀakagara ɀatsaurwa naMŋari, iyesu, taidya nokunwa naye, amuka kuʋakafa. 42Akatiraira kuti tiparidzire ʋanhu, nokupupura kwaɀo kuti ndiye wakagadzwa naMŋari, kuti aʋe Mutoŋgi waʋapenyu naʋakafa. 43Ʋaprofita ʋose ʋanomupupurira kuti nezita rake mumŋe nomumŋe unotenda kwaari ucapiwa kaŋganwiro yeɀiʋi.
44Petro wakati acataura mashoko awa, Mŋeya Mutȿene akaɓuruka pamsoro paʋose, ʋakanzwa shoko. 45Ɀino ʋatendi ʋokudziŋgisa, ʋakaŋga ʋaʋuya naPetro, ʋakashamiswa, nokuti cipo coMŋeya Mutȿene cakaŋga caɗururwa pamsoro paʋahedeni ʋo; 46nokuti ʋakaʋanzwa ʋacitaura nedzimŋe ndimi, ʋacirumbidza Mŋari. Ipapo Petro akapindura, akati: 47Kunomunhu here uŋgadziʋisa mvura, kuti aʋa, ʋakapiwa Mŋeya Mutȿene sesu, ʋarege kubapatidzwa? 48Ɀino akaraira kuti ʋabapatidzwe muzita raJesu Kristu. Ipapo ʋakakumbira kwaari, kuti ambogara mamŋe mazuʋa.
Zvasarudzwa nguva ino
Maɓasa Aʋaapostora 10: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: