Ʋatoŋgi 11:30-31
Ʋatoŋgi 11:30-31 SUB1949
Jefta akapikira Jehova mhiko, akati: Kana mukaisa ʋana ʋaAmoni mumaʋoko aŋgu, ipapo aninani unoɓuɗa pamikoʋa yeimba yaŋgu kuzosoŋgana neni, musi wandinodzoka norugare ndicibva kuʋana ʋaAmoni, ucaʋa waJehova; ndicaʋuya naye, ciʋe cipiriso cinopiswa.

