Mateo 11
11
1Jesu wakati apedza kuraira ʋadzidzi ʋake ʋanegumi naʋaʋiri, akapfuʋura kundodzidzisa nokuparidza pamaguta aʋo.
Johane Mubapatidzi unotuma ʋadzidzi kubʋunza Jesu.
(Ruka 7:18–35)
2Ɀino Johane, ari mutoroŋgo, wakaŋga anzwa maɓasa aKristu, akatuma shoko naʋadzidzi ʋake, 3aciti kwaari: Ko ndimi iye wakaŋga acinzi unoʋuya here, kana ticakatarira mumŋe? 4Jesu akapindura, akati kwaʋari: Endai, mundoʋudza Johane ɀamunonzwa neɀamunoʋona; 5ɀokuti, mapofu anoȿinudzwa, ʋanokamhina ʋanofamba, ʋanamaperembudzi ʋanonatswa, ʋematsi ʋanonzwa, ʋakafa ʋanomutswa, naʋarombo ʋanoparidzirwa Evaŋgeri. 6Wakaropafadzwa iye usiŋgagumbuswi neni. 7Aʋa ʋakati ʋacienda, Jesu akataŋga kuʋudza ʋanhu ʋazhinji pamsoro paJohane, akati: Makaŋga maɓuɗa kundoʋoneiko kurenje? Rutsaŋga runozunuŋguswa nemhepo here? 8Ko makaŋga maɓuɗa kundoʋoneiko? Munhu wakapfeka ŋguʋo nyoro here? Tarirai, ʋanopfeka ŋguʋo nyoro ʋari mudzimba dzamadzimambo. 9Asi makaŋga maɓuɗireiko? Kuzoʋona muprofita here? Hoŋo, ndinoti kwamuri, unopfuʋura kwaɀo muprofita. 10Nokuti ndiye wakanyorwa pamsoro pake, ɀicinzi:
Tarira, ndinotuma munyai waŋgu pamberi pako,
Ucakugadzirira nzira yako pamberi pako.
11Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Kunaʋakaɓerekwa naʋakadzi, hakuna‐kumuka mukuru kunaJohane Mubapatidzi; asi muɗuku muʋushe bgokuɗeŋga mukuru kwaari. 12Kubva pamazuʋa aJohane Mubapatidzi kuȿikira ɀino, ʋushe bgokuɗeŋga bgunopambga, ʋapambi ʋanobgutora nesimba. 13Nokuti ʋaprofita ʋose nomurairo ʋakaprofita kuȿikira kunaJohane. 14Kana muciɗa kuɀigamucira, ndiye Eria wakaŋga acinzi unoʋuya. 15Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe. 16Asi ndicafananidza rudzi urwu neiko? rwakafanana naʋana ʋagere paɗare, ʋanoɗanidzira kushamŋari dzaʋo, ʋaciti: 17Takakuridzirai nyere, mukasatamba; takakuririrai, mukasacema. 18Nokuti Johane wakaʋuya, asiŋgadyi, asiŋganwi, ɀino ʋanoti: Unomŋeya wakaipa. 19Mŋanakomana womunhu wakaʋuya, acidya, acinwa, ɀino ʋoti: Tarirai munhu unokara, nomunwi, neshamŋari yaʋateresi naʋatadzi! Kucenjera kwakaruramiswa namaɓasa ako.
Jesu unotuka maguta matatu akamuramba.
(Ruka 10:13–15)
20Ɀino wakataŋga kutuka maguta makaŋga maitwa maɓasa ake esimba mazhinji, nokuti haana‐kutendeʋuka, akati: 21Unenhamo iwe, Korazini! Unenhamo iwe, Betsaida! Nokuti maɓasa akaitwa mukati menyu, ɗai aiitwa muTire neSidoni, ʋaŋgaɗai ʋatendeʋuka kare ʋanamasaga neɗota. 22Asi ndinoti kwamuri: Tire neSidoni acarerukirwa nezuʋa rokutoŋgwa kupfuʋuremi. 23Iwe Kapernaume, ucasimudzirwa kuɗeŋga here? Ucaɓurukira kuHadesi, nokuti ɗai iwo maɓasa esimba akaitwa mukati mako, akaitwa muSodoma, riŋgaɗai rici’po nanhasi. 24Asi ndinoti kwamuri: Nyika yeSodoma icarerukirwa nezuʋa rokutoŋgwa kupfuʋura iwe.
25Neŋguʋa iyo Jesu akapindura, akati: Ndinokutendai, Ƃaɓa, Ishe wokuɗeŋga napasi, kuti makaʋanzira ʋakacenjera naʋakaŋgwara ɀinhu iɀoɀi, mukaɀizarurira ʋacece. 26Hoŋo, Ƃaɓa, nokuti ndiɀo ɀakakufadzai. 27Ɀinhu ɀose ndakaɀipiwa naƂaɓa ʋaŋgu, hakuna‐unoziʋa Mŋanakomana, asi Ƃaɓa; hakuna‐unoziʋa Ƃaɓa, asi Mŋanakomana, naiye Mŋanakomana waaneŋge aciɗa kumuzarurira iye.
Joko raJesu.
28Ʋuyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndicakuzorodzai. 29Muise joko raŋgu pamsoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndinomŋoyo unoɀininipisa, kuti muwane zororo pamŋeya yenyu. 30Nokuti joko raŋgu rakanaka, nomutoro waŋgu unorerukira.
Zvasarudzwa nguva ino
Mateo 11: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: