Mateo 15
15
Jesu unotuka ʋanyori naʋaFarise pamsoro petsika dzaʋo.
(Mar 7:1–23)
1Ɀino ʋaFarise naʋanyori ʋakaʋuya kunaJesu ʋacibva Jerusarema, ʋakati: 2Ʋadzidzi ʋenyu ʋanoɗarikireiko tsika dzaʋakuru, nokuti haʋashambi maʋoko kana ʋacidya ɀokudya? 3Akapindura, akati kwaʋari: Nemi ʋo munoɗarikireiko murairo waMŋari nokuɗa kwetsika dzenyu? 4Nokuti Mŋari wakati: Kudza ɓaɓa ʋako namai ʋako; ʋuye, Unotuka ɓaɓa kana mai, ŋgaafe norufu. 5Asi imi munoti: Aninani unoti kunaɓaɓa ʋake kana mai ʋake: Cinhu cipi necipi camaiti munoɓatsirwa naco kwandiri, caʋa cipo kunaMŋari, 6haacakudzi ɓaɓa ʋake kana mai ʋake, asi haanemhoȿa. Makatorera murairo waMŋari simba netsika dzenyu. 7Imi ʋanyeŋgeri, Isaya wakaprofita kwaɀo pamsoro penyu, aciti:
8Ʋanhu aʋa ʋanondikudza nemiromo yaʋo,
Asi mŋoyo yaʋo iri kure neni.
9Asi ʋanondinamata pasina,
Ʋacidzidzisa dzidziso iri mirairo yaʋanhu.
10Ɀino akaɗana ʋanhu ʋazhinji kwaari, akati kwaʋari: Tererai, munzwisise: 11Iɀo ɀinopinda mumuromo, haɀiȿiɓisi munhu, asi ɀinoɓuɗa mumuromo, ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu. 12Ɀino ʋadzidzi ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Munoziʋa kuti ʋaFarise ʋakagumburwa ʋacinzwa shoko iri here? 13Akapindura, akati: Muti mumŋe nomumŋe usina‐kusimŋa naƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga ucadzurwa. 14Ʋaregei; mapofu anotuŋgamirira mapofu. Ɀino kana ɓofu ricituŋgamirira ɓofu, acawira mugomba ose ari maʋiri. 15Petro akapindura, akati kwaari: Tiɗudzirei ʋo mufananidzo uyu. 16Iye akati: Naɀino nemi ʋo mucigere kunzwisisa here? 17Hamunzwisisi here kuti ɀose ɀinopinda mumuromo, ɀinoenda muɗumbu, ɀikazorashwa kunze? 18Asi ɀinoɓuɗa mumuromo, ɀinobva mumŋoyo; ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu. 19Nokuti mumŋoyo munoɓuɗa mifuŋgo yakaipa, nokuʋuraya, noʋufeʋe, noʋupombge, nokuɓa, nokupupura nhema, nokumhura Mŋari; 20ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu; asi kudya namaʋoko asati ashambga, haɀiȿiɓisi munhu.
Jesu unoporesa mŋanasikana womukadzi weKanani.
(Mar 7:24–30)
21Ɀino Jesu wakabva’po, akaenda kumatiʋi enyika yeTire neSidoni. 22Ɀino, tarira, mukadzi muKanani wakabva kunyika iyo, akaɗana, aciti: Ndinzwirei ŋgoni, Ishe, Mŋanakomana waDavidi; mŋanasikana waŋgu wakaɓatwa kwaɀo nomŋeya wakaipa. 23Asi haana‐kumupindura neshoko rimŋe. Ipapo ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya ʋakakumbira kwaari, ʋaciti: Mumuendisei, nokuti unoɗanidzira shure kweɗu. 24Asi wakapindura, akati: Ndakaŋgotumirwa kumakwai akarashika eimba yaʋaIsraeri. 25Ɀino akaʋuya, akamunamata, akati: Ishe, ɗondiɓatsirai henyu. 26Akapindura, akati: Haɀina‐kunaka kutora ciŋgwa caʋana, ndokucikandira imbganana. 27Akati: Hoŋo, Ishe, kunyaŋge nembganana ʋo dzinodya ɀimeɗu ɀinoɗonha patafura raʋatenzi ʋadzo. 28Ɀino Jesu akapindura, akati kwaari: Haiwa, mai, kutenda kwako kukuru, ɀaunoɗa ŋgaɀiitwe. Mŋanasikana wake akapora kubva paŋguʋa iyo.
Jesu unoporesa ʋazhinji.
(Mar 7:31–37)
29Jesu wakati acibva ipapo, akaenda napaguŋgwa reGarirea, akakwira mugomo, akagara’po pasi. 30Ɀino ʋanhu ʋazhinji ʋakaʋuya kwaari naʋanokamhina, neɀirema, namapofu, nembeʋeʋe, naʋamŋe ʋazhinji, ʋakaʋaisa pamberi paJesu; akaʋaporesa. 31Naiɀoɀo ʋanhu ʋazhinji ʋakashamiswa ʋaciʋona mbeʋeʋe dzicitaura, neɀirema ɀapora, naʋanokamhina ʋacifamba, namapofu aciʋona; ʋakarumbidza Mŋari waʋaIsraeri.
Ʋaneɀuru ɀinna ʋanopiwa ɀokudya naJesu.
(Mar 8:1–9)
32Ɀino Jesu wakaɗanira ʋadzidzi ʋake kwaari, akati: Ndinetsits inaʋanhu ʋazhinji aʋa, nokuti atoʋa mazuʋa matatu aʋakagara neni ʋasinaɀaʋaŋgadya; handiɗi kuʋaendisa ʋanenzara, ɀimŋe ʋaŋgaziya panzira. 33Ʋadzidzi ʋakati kwaari: Ticawanepiko murenje ɀiŋgwa ɀakawanda ɀakaɗaro, kuti tigutise ʋanhu ʋazhinji ʋakaɗai? 34Jesu akati kwaʋari: Muneɀiŋgwa ɀiŋganiko? Ʋakati: Ɀinomŋe, nehoʋe ɗuku shomanene. 35Ɀino akaraira ʋanhu ʋazhinji kuti ʋagare pasi; 36akatora ɀiŋgwa ɀinomŋe nehoʋe, akaʋoŋga, akaɀimeɗura, ndokupa ʋadzidzi ʋake, ʋadzidzi ʋakapa ʋanhu ʋazhinji. 37Ʋakadya ʋose, ʋakaguta; ʋakanoŋga ɀimeɗu ɀakasara, mateŋgu manomŋe azere. 38Ʋakadya ʋakaŋga ʋari ʋarume ʋaneɀuru ɀinna, ʋakadzi naʋana ʋasiŋgaʋereŋgwi. 39Ɀino wakati aendisa ʋanhu ʋazhinji, akapinda mugwa, akaȿika munyika yeMagadani.
Zvasarudzwa nguva ino
Mateo 15: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: