Mateo 9
9
Jesu unoporesa munhu wakafa mitezo.
(Mar 2:1–12; Ruka 5:18–26)
1Wakapinda mugwa, akayambuka, ndokuȿika kuguta rake. 2Ɀino ʋakaʋuya kwaari nomunhu wakaŋga akafa mitezo, aʋete panhoʋo; Jesu wakati aciʋona kutenda kwaʋo, akati kumunhu wakaŋga akafa mitezo: Mŋana, tsuŋga mŋoyo, wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako. 3Ɀino ʋamŋe ʋaʋanyori ʋakati mumŋoyo yaʋo: Munhu uyu unomhura Mŋari. 4Asi Jesu aciziʋa mifuŋgo yaʋo, akati: Munofuŋgireiko ɀakaipa mumŋoyo yenyu? 5Nokuti cinyiko cakareruka, kuti: Wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako, kana kuti: Simuka, ufambe? 6Asi kuti muziʋe kuti Mŋanakomana womunhu unesimba panyika rokukaŋganwira ɀiʋi, (akati kumunhu wakaŋga akafa mitezo:) Simuka, tora nhoʋo dzako, uende kumba kwako! 7Akasimuka, akaenda kumba kwake. 8Ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakatya, ʋakarumbidza Mŋari, wakapa ʋanhu simba rakaɗai.
Kuɗanwa kwaMateo.
(Mar 2:14–17; Ruka 5:27–32)
9Jesu wakati acibva’po, akaʋona munhu, wainzi Mateo, agere panotereswa, akati kwaari: Nditeʋere! Ipapo akasimuka, akamuteʋera. 10Ɀino wakati agere pakudya mumba, tarira, ʋateresi ʋazhinji naʋatadzi ʋakaʋuya ʋakagara pakudya naJesu naʋadzidzi ʋake. 11Ɀino ʋaFarise ʋaciɀiʋona, ʋakati kuʋadzidzi ʋake: Mudzidzisi wenyu unodyireiko naʋateresi naʋatadzi? 12Iye, aciɀinzwa, akati: Ʋasiŋgarwari haʋatȿaki ŋaŋga, asi ʋanorwara. 13Asi endai, mudzidze kuti ndokuɗiniko kuti: Ndinoɗa ŋgoni, handiɗi ciɓayiro; nokuti handina‐kuʋuya kuzoɗana ʋakarurama, asi ʋatadzi.
Kuɀinyima ɀokudya.
(Mar 2:18–22; Ruka 5:33–38)
14Ɀino ʋadzidzi ʋaJohane ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Isu, naʋaFarise, tinoɀinyimireiko ɀokudya kazhinji, asi ʋadzidzi ʋenyu haʋaɀinyimi neiko? 15Jesu akati kwaʋari: Shamŋari dzecikomba dziŋgacema seiko cikomba ciciri naʋo? Asi mazuʋa acaȿika, acabviswa cikomba kwaʋari; neŋguʋa iyo ʋacaɀinyima ɀokudya. 16Hakunomunhu unoisa ciremo citȿa paŋguʋo yakasakara; nokuti cakasonerwa cinobvarura ŋguʋo, ʋuri rikanyanya. 17Haʋaɗiri ʋo waini itȿa muhomboɗo tsaru, nokuti homboɗo dziŋgaparuka, waini ikateʋuka, nehomboɗo dzikafa ʋo; asi ʋanoɗira waini itȿa muhomboɗo itȿa, ɀiʋiri ɀose ɀiceŋgeteke.
Jesu unoporesa mukadzi waiɓuɗa ropa, ʋuye unomutsa mukunda woMuɓati.
(Mar 5:22–43; Ruka 8:41–56)
18Wakati acaʋaʋudza iɀoɀo, mumŋe muɓati akaȿika’po, akamunamata, akati: Mukunda waŋgu wafa ikoɀino, asi ʋuyai muise ruʋoko rwenyu pamsoro pake, ararame. 19Ipapo Jesu akasimuka, akamuteʋera naʋadzidzi ʋake. 20Ɀino mumŋe mukadzi, waiʋa nokurwara kwokuɓuɗa ropa makore anegumi namaʋiri, wakaʋuya shure kwake, akaɓata mupendero weŋguʋo yake; 21nokuti wakati mumŋoyo make: Kana ndikaɓata ŋguʋo yake ɓedzi, ndicaponeswa. 22Asi Jesu wakatendeʋuka, akamuʋona, akati: Mukunda, tsuŋga mŋoyo, kutenda kwako kwakuponesa. Mukadzi akaponeswa kubva paŋguʋa iyo. 23Ɀino Jesu wakati aȿika mumba momuɓati, akaʋona ʋaridzi ʋenyere naʋanhu ʋazhinji ʋaciita mhere‐mhere, 24akati kwaʋari: Ibvai, nokuti musikana haana‐kufa, asi uʋete. Ʋakamuseka. 25Asi ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋaɓuɗiswa, akapinda, akaɓata ruʋoko rwake, musikana ndokumuka. 26Mukurumbira waɀo ukaɓuɗira kunyika iyo yose.
Jesu unoporesa mapofu maʋiri nembeʋeʋe.
27Ɀino Jesu wakati acibva’po, mapofu maʋiri akamuteʋera, akaɗanidzira, aciti: Mŋanakomana waDavidi, tinzwirei ŋgoni! 28Akati kupinda mumba, mapofu akaʋuya kwaari; Jesu akati kwaari: Munotenda kuti ndinogona kuita iɀoɀo here? Akati kwaari: Hoŋo, Ishe! 29Ɀino wakaɓata meso aʋo, akati: Muitirwe pamakatenda napo. 30Meso aʋo akaȿinudzwa. Jesu akaʋaraira ɀikuru, akati: Cenjerai kuti ɀirege kuzikanwa nomunhu. 31Asi ʋakaɓuɗa, ʋakamurumbidza munyika iyo yose.
32Ʋakati ʋaciɓuɗa, tarira, ʋakaʋuya kwaari nomunhu wakaŋga ari mbeʋeʋe waiʋa nomŋeya wakaipa. 33Mŋeya wakaipa ukati waɓuɗiswa, mbeʋeʋe ikataura; ʋanhu ʋazhinji ʋakashamiswa, ʋakati: Hakuna‐kumboʋonekwa ɀakaɗai pakati paʋaIsraeri. 34Asi ʋaFarise ʋakati: Unoɓuɗisa mŋeya yakaipa nomukuru wemŋeya yakaipa.
35Ɀino Jesu wakapota namaguta ose nemisha, acidzidzisa mumasinagoge aʋo, aciparidza Evaŋgeri yoʋushe, nokuporesa kurwara kwose noʋukosha bgose. 36Asi wakati aciʋona ʋanhu ʋazhinji, akaʋanzwira tsitsi, nokuti ʋakaŋga ʋaneta, ʋarashwa, samakwai asinomufudzi. 37Ɀino akati kuʋadzidzi ʋake: Ɀirokwaɀo kuceka kukuru, asi ʋaɓati ʋashoma. 38Naiɀoɀo kumbirai kunaShe wokuceka kuti aɓuɗise ʋaɓati pakuceka kwake.
Zvasarudzwa nguva ino
Mateo 9: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: