2 VaTesaronika 2
2
Kuuya kwaKristu naAntikristu
1Zvino tinokumbira kwamuri, hama dzangu, pamusoro pokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, nokuungana kwedu kwaari; 2kuti murege kukurumidza kuzununguswa pakufunga kwenyu, kana kuvunduswa, kana nomweya, kana neshoko, kana netsamba, inonzi inobva kwatiri, muchiti zuva raKristu ratosvika; 3ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai nomutoo upi noupi; nokuti harisviki, kana kutsauka kusati kwatanga kuuya, nomunhu wezvivi, mwanakomana wokurashika, asati amboonekwa, 4iye, anorwa achizvikudza pamusoro pezvose zvinonzi Mwari, kana zvinonamatwa; nokudaro kuti anogara muTemberi yaMwari, achizviita Mwari.
5Hamurangariri here kuti, ndichiri kwamuri, ndakakuudzai izvozvi? 6Zvino munoziva chinodzivisa, kuti aratidzwe nenguva yake. 7Nokuti chakavanzika chokusarurama chotobata basa racho; asi zvichaitwa bedzi kusvikira iye anodzivisa zvino achibviswa. 8Ipapo iye asakarurama achaonekwa, iye achaurawa naIshe Jesu nomweya womuromo wake, achiparadza nokuonekwa kwokuuya kwake; 9kuuya kwake iye kwakaita sebasa raSatani nesimba rose, nezviratidzo, nezvinoshamisa zvenhema, 10nokunyengera kwose kwokusarurama kuna vanorashika; nokuti havana kugamuchira rudo rwezvokwadi, kuti vaponeswe. 11Saka Mwari anovatumira simba rokukanganisa, kuti vatende nhema, 12kuti vose vasina kutenda chokwadi, asi vakafarira zvisakarurama, vatongwe.
Pauro anovongazve nokunyengeterera vaTesaronika
13Asi isu tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama dzangu, vadikanwi vaIshe, nokuti Mwari akakutsanangurai kubva pakutanga, kuti muponeswe muutsvene hwoMweya nokutenda chokwadi. 14Izvo zvaakakudanirai neVhangeri yedu, kuti muwane kubwinya kwaIshe wedu Jesu Kristu. 15Naizvozvo, hama dzangu, mirai makasimba, muchengete mirayiro yamakadzidziswa, kana neshoko kana netsamba yedu.
16Zvino, Ishe wedu Jesu Kristu amene, naMwari Baba vedu, vakatida, vakatipa nenyasha dzavo kuvaraidzwa kusingaperi netariro yakanaka, 17ngavavaraidze mwoyo yenyu, vakusimbisei pamabasa ose namashoko ose akanaka.
Zvasarudzwa nguva ino
2 VaTesaronika 2: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: