Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 1

1
Kukwira kwaJesu kudenga
(Mateu 28:19, 20; Mako 16:15-20; Ruka 24:50-53)
1Teofiro, ndakanyora rugwaro rwokutanga rwezvose zvakatanga kuitwa nokudzidziswa naJesu, 2kusvikira zuva raakakwidzwa, amborayira naMweya Mutsvene vapostori vaakanga atsanangura. 3Akazviratidzawo kwavari nezviratidzo zvizhinji, ari mupenyu, shure kwokutambudzika kwake, achionekwa navo mazuva ana makumi mana, achitaura zvoushe hwaMwari; 4akavarayira, aungana navo, kuti varege kubva Jerusaremu, asi vagarire chipikirwa chaBaba, achiti, chiya chamakanzwa kwandiri; 5nokuti Johani, zvirokwazvo, akabhabhatidza nemvura; asi imi muchabhabhatidzwa naMweya Mutsvene, mazuva mazhinji asati apera.
6Zvino ivo, vakati vaungana, vakamubvunza, vachiti, “Ishe, modzosera ushe kuna vaIsiraeri nenguva ino here?”
7Akati kwavari, “Hazvina kufanira kuti muzive nguva kana misi yakatarwa naBaba vamene nesimba ravo. 8Asi muchapiwa simba, kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; ipapo muchava zvapupu zvangu muJerusaremu, nomuJudhea yose, nomuSamaria, kusvikira kumugumo wenyika.” 9Zvino akati areva izvozvi, akakwidzwa, vachitaririra; gore rikamubvisa, vakasazomuona.
10Zvino vachitarisisa kudenga, iye achikwira, tarira, varume vaviri vamira navo vakafuka nguo chena; 11ivo vakati, “Imi varume veGariria, makamirireiko makatarira kudenga? Uyu Jesu, akabva kwamuri, akakwidzwa kudenga, achauya saizvozvo, sezvamamuona achienda kudenga.”
Vadzidzi vanogarira Mweya
(Mateu 27:3-10)
12Zvino vakadzokera Jerusaremu, vachibva pagomo rinonzi reMiorivhi, riri pedyo neJerusaremu, nhambo yorwendo rewSabata. 13Vakati vapinda, vakakwira muimba yaiva pamusoro, pavakanga vagere, vaiti: Petirosi, naJohani, naJokobho, naAndireya, naFiripi, naTomasi, naBhatoromeo, naMateu, naJakobho, mwanakomana waArifeo, naSimoni Zeroti, naJudhasi, mwanakomana waJakobho. 14Ava vose vakatsungirira nomwoyo mumwe pakunyengetera, vana vakadzi, naMaria, mai vaJesu, navanun'una vake.
Vanotsanangura Matia panzvimbo yaJudhasi
15Namazuva iwayo Petirosi akasimuka pakati pehama, vanhu vazhinji vaivapo pamwechete, vanenge zana namakumi maviri, akati, 16“Varume, hama, rugwaro rwakafanira kuitika, rwakaporofitwa naMweya Mutsvene nomuromo waDhavhidhi, pamusoro paJudhasi, akanga ari muperekedzi wavaya vakabata Jesu. 17Nokuti akanga averengwa pamwechete nesu, akapiwa mugove wake pabasa iri.”
18Zvino munhu uyu akatenga munda nomubayiro wezvisakarurama, akawira pasi nechiso, akaparuka napakati, ura hwake hukabuda hwose. 19Zvikanzwika navose vaigara Jerusaremu; naizvozvo munda uyu ukatumidzwa Akeridhama norurimi rwavo, ndokuti, “Munda weropa.”
20“Nokuti mubhuku raMapisarema makanyorwa, zvichinzi,
‘Musha wake ngauitwe dongo,
Kurege kuva nomunhu anogaramo;’
‘Uye mumwe ngaapinde pautariri hwake.’
21“Zvino pakati pavarume vaiungana nesu nguva yose, Ishe Jesu yaakapinda nokubuda nayo pakati pedu, 22kutanga pakubhabhatidza kwaJohani, kusvikira pazuva raakabva kwatiri, achikwidzwa, mumwe wavo anofanira kuva chapupu chokumuka kwake pamwechete nesu.”
23Zvino vakaisapo vaviri, vaiti: Josefa, ainzi Bhasabhasi, akatumidzwawo Jusuto, naMatia. 24Vakanyengetera, vachiti, “Imi Ishe, munoziva mwoyo yavanhu vose, ratidzai kuti wamakatsanangura kuna ivava vaviri ndoupi; 25kuti apiwe nzvimbo pabasa iri noupostori uhwu, hwaakarasikirwa nahwo iye Judhasi, kuti iye aende kunzvimbo yake.” 26Zvino vakavakandira mijenya, mujenya ukabata Matia; iye akaverengwa pamwechete navapostori vane gumi nomumwe.

Zvasarudzwa nguva ino

Mabasa 1: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda