Mabasa 4
4
Petirosi naJohani vanosungwa
1Vakati vachataura navanhu, vapristi nomukuru wetemberi navaSadhusi vakauya kwavari, 2vafa neshungu, nokuti vakanga vachidzidzisa vanhu, vachiparidza kumuka kwavakafa muna Jesu. 3Vakavabata, vakavaisa mutorongo kusvikira mangwana; nokuti akanga ava madekwana. 4Asi vazhinji kuna vakanzwa shoko vakatenda; varume vakazosvika zviuru zvinenge zvishanu pakuverengwa kwavo.
5Zvino fume mangwana vabati vavo, navakuru, navanyori vakaungana paJerusaremu; 6naAnasi, mupristi mukuru, naKaifasi, naJohani, naArekizanda, nehama dzose dzomupristi mukuru, 7vakavaisa pakati pavo, vakavabvunzisisa, vachiti, “Makazviita izvozvi nesimba rei, kana nezita ripiko?”
8Zvino Petirosi, azere naMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vabati vavanhu, 9kana tikabvunzwa nhasi pamusoro pebasa rakanaka, rakaitirwa munhu chirema, napaakaponeswa napo; 10muzive imi mose, navanhu vose vaIsiraeri, kuti nezita raJesu Kristu weNazareta, wamakarovera pamuchinjikwa, iye akamutswa naMwari kuvakafa, nezita iri munhu uyu amire pano pamberi penyu apora. 11Ndiye ibwe rakazvidzwa nemi vavaki, rikaitwa musoro wekona. 12Nokuti hakuna kuponeswa kuno mumwe; nokuti hakuna nerimwe zita pasi pedenga, rakapiwa pakati pavanhu, ratingasunungurwa naro.”
13Zvino vakati vachiona kusatya kwaPetirosi naJohani, vachinzwisisa kuti vaiva vanhu vasina kudzidza, vasingazivi chinhu, vakashamiswa; vakavaziva kuti vaiva naJesu. 14Vakaonawo munhu, akanga aporeswa, amire navo, vakashayiwa chavangapindura nacho. 15Zvino vakati vavarayira kuti vabude paungano, vakarangana pakati pavo, 16vachiti, “Vanhu ava tichavaita seiko? Nokuti vanhu vose vagere Jerusaremu vaona kwazvo kuti chiratidzo chaitwa navo; hatigoni kuramba isu. 17Asi ngativanyevere kuti varege kuzotaura nomunhu upi noupi nezita iri, kuti zvirege kuramba zvichaparadzirwa pakati pavanhu.”
18Vakavadana vakavarayira kuti varege chose kutaura kana kudzidzisa nezita raJesu. 19Asi Petirosi naJohani vakapindura, vakati kwaari, “Tongai henyu imi, kana zvingava zvakarurama pamberi paMwari, kuti titeerere imi kupfuura Mwari. 20Nokuti hatigoni kurega kutaura zvatakaona, nezvatakanzwa.” 21Zvino vakati vawedzera kuvanyevera, vakavaregedza, vasingawani mhosva yavangavarova nayo nokuda kwavanhu; nokuti vose vairumbidza Mwari pamusoro pezvakaitwa; 22nokuti munhu akanga aitirwa chiratidzo ichi akanga ana makore makumi mana ane mirawudzo.
23Vakati varegedzwa, vakaenda kunovokwavo, vakandovaudza zvose zvavakanga vaudzwa navapristi vakuru navakuru. 24Ivo vakati vazvinzwa, vakadana kuna Mwari nomwoyo mumwe, vachiti, “Tenzi, ndimi makaita denga napasi, negungwa, nezvose, zviri mukati mazvo; 25makareva naMweya Mutsvene, nomuromo waBaba vedu Dhavhidhi, muranda wenyu, muchiti,
‘Vahedheni vakaitireiko hasha,
Navanhu vakafungireiko zvisina maturo?
26Madzimambo enyika akamuka,
Navabati vakaungana pamwechete,
Kurwa naIshe naKristu wake.’
27“Nokuti zvirokwazvo Herodhi, naPontio Pirato, navahedheni, navanhu vaIsiraeri vakaunganira muguta iri, kuzorwa naJesu Muranda wenyu mutsvene, wamakazodza; 28kuti vaite zvose zvakanga zvatemwa noruoko rwenyu, napakufunga kwenyu, kuti zviitwe. 29Zvino, Ishe, tarirai kunyevera kwavo, mubatsire varanda venyu kuti vataure shoko renyu vasingatongotyi, 30mutambanudze ruoko rwenyu kuzoporesa; nezviratidzo nezvishamiso zviitwe nezita raJesu, Muranda wenyu mutsvene.”
31Zvino vakati vanyengetera, nzvimbo yavakanga vakaungana ikazununguswa; vakazadzwa vose naMweya Mutsvene, vakataura shoko raMwari vasingatyi.
Kunzwana kwavatendi
32Zvino vazhinji vose vavaitenda vaiva nomwoyo mumwe nomweya mumwe; kwakanga kusina mumwe aiti chimwe chaaiva nacho ndechake, asi zvinhu zvose vakati ndezvavose. 33Vapostori vaipupurira kumuka kwaJesu nesimba guru; nyasha huru ikavapo pamusoro pavo vose. 34Nokuti pakanga pasina aishaiwa pakati pavo, nokuti vose vaiva neminda kana dzimba, vakazvitengesa, vakauya nomutengo wezvakatengeswa, 35vakazviisa pamberi pavapostori; mumwe nomumwe akagoverwa paakashayiwa napo.
36NaJosefa, akatumidzwa navapostori achinzi Bhanabhasi, ndokuti, “Mwanakomana wokunyaradza, kana zvichishandurwa”, muRevhi, munhu weSaipurasi parudzi rwake, 37aiva nomunda; akautengesa, akauya nemari, akaiisa pamberi pavapostori.
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa 4: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: