Isaya 12
12
Rwiyo rwokuvonga
1Nezuva iro uchati, “Ndinokuvongai Jehovha; makanga makanditsamwira, asi kutsamwa kwenyu kwakadzorwa, munondinyaradza. 2Tarirai, Mwari ndiye ruponeso rwangu; ndichavimba naye, handingatyi; nokuti Jehovha, iye Jehovha, ndiye simba rangu norwiyo rwangu; iye wava ruponeso rwangu.” 3Saka muchachera mvura nomufaro pamatsime oruponeso.
4Zvino nezuva iro muchati, “Vongai Jehovha, paridzai zita rake, zivisai mabasa ake pakati pavanhu, muudze vanhu kuti zita rake rinokudziwa.
5“Imbirai Jehovha; nokuti akaita zvinhu zvakaisvonaka-naka; izvi ngazvizikanwe panyika yose. 6Danidzira upururudze, iwe ugere paZioni; nokuti Mutsvene waIsiraeri mukuru pakati penyu.”
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 12: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: