Isaya 3
3
1Nokuti tarirai, Ishe, Jehovha wehondo anotorera Jerusaremu naJudha mutsigiro nomudonzvo, mutsigiro wose wezvokudya, nomutsigiro wose wemvura; 2munhu wemhare, nomunhu wehondo; mutongi, nomuporofita, nomuvuki, nomukuru; 3mukuru wamakumi mashanu, noanokudzwa, namakurukota, nemhizha dzakachenjera, nomuvuki anoziva. 4Ndichavapa vanana ave machinda avo, vachabatwa navacheche.
5Vanhu vachamanikidzwa, mumwe achimanikidza mumwe, nomumwe nomumwe nowokwake; mwana achava namanyawi kuna vakuru, nowakazvidzwa kunoanokudzwa.
6Musi uyo munhu achabata munun'una wake mumba mababa vake, achiti, “Iwe une nguo, chiva mutongi wedu; kuparadzwa uku ngakugadzirwe noruoko rwako.”
7Zvino nezuva iro achadanidzira, achiti, “Handidi kuva n'anga, nokuti mumba mangu hamune zvokudya nezvokufuka; musandiita mutongi wavanhu.”
8Nokuti Jerusaremu raparadzwa, Judha wawa; nokuti marimi avo namabasa avo anopesana naJehovha, kutsamwisa meso ake anokubwinya. 9Zvinoonekwa paziso ravo zvinovapupurira; zvivi zvavo vanozvibudisa pachena seSodhoma; havazvivanzi. Mweya yavo ine nhamo, nokuti vakazviitira zvakaipa.
10Iti pamusoro powakarurama, kuti achava nomufaro; nokuti vachadya zvibereko zvamabasa avo.
11Wakaipa ane nhamo! Iye haangavi nomufaro, nokuti achapiwa mubayiro wamaoko ake.
12Kana vari vanhu vangu, vana ndivo vamanikidzi vavo, vakadzi vanovabata ushe. Haiwa, vanhu vangu, vatungamiriri venyu vanokutadzisai, ndivo vanoparadza nzira dzamaifanira kufamba nadzo. 13Jehovha asimuka kutamba mhaka; amire kuti atonge vanhu. 14Jehovha achatonga vakuru vavanhu vake namachinda avo, achiti, “Ndimi mapedza munda wemidzambiringa; zvakapambwa zvavarombo zviri mudzimba dzenyu.” 15Munoiteiko zvamunopwanya vanhu vangu, muchikuya zviso zvavarombo? Ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo.
16Uyezve Jehovha akati, “Vakunda veZioni zvavana manyawi, vachifamba nemitsipa yakati tasa, vachiita mesomeso, vachifamba vachinzenzeta, zviri pamakumbo avo zvichiti ngwerengwere, 17naizvozvo Ishe acharova nhongonya dzemisoro yavakunda vaZioni negwenyu-kwenyu, Jehovha achafukura miviri yavo.” 18Nezuva iro Ishe achabvisa ukomba hwamakumbo avo, nezvizuva nezvimwedzi; 19nezvinoremberedzwa, noungetani hwamaoko, nezvifukidzo; 20nezvishongo zvomusoro, noungetani hwamakumbo, nezvisungo, nezvitende zvezvinonhuwira, namazango; 21nezvimhete, noukomba hwemhino; 22nenguo dzomutambo, nezvijasi, nezvijari, nezvikwama; 23nezviwoni-woni zvamaoko, nomucheka wakaisvonaka, nemicheka yomusoro, nezvifukidzo zvameso.
24Zvino zvichaitika kuti panzvimbo yezvinonhuwira pachava nezvinonhuwa; panzvimbo yevhudzi rakarukwa zvakanaka, pachava nemhanza; panzvimbo yenguo yakaisvonaka, pachava nechisimiro chegudza; nokupiswa kwouranda panzvimbo yokunaka.
25Varume venyu vachaparadzwa nomunondo, nemhare dzenyu pakurwa. 26Masuo aro achachema nokurira; richaitwa dongo ndokugara pasi.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 3: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002

: